Ngwarirai Vawi Pakutenda!
Mapfundo Makuru Anobva Mutsamba yaJudhasi
VABATIRI vaJehovha vanofanira “kuvenga chiri chakaipa” uye “kuomerera pane chiri chakanaka.” (VaRoma 12:9, NW) Munyori weBhaibheri Judhasi akabetsera vamwe kuita ikoku mutsamba yake yakatumirwa ari muParestina zvimwe munenge muna 65 N.V.
Judhasi akazvidana amene kuti “muranda waJesu Kristu, asi munun’una waJakobho.” Sezviri pachena uyu Jakobho akanga ari munun’una kuna mai anozivikanwa zvikuru waJesu Kristu. (Marko 6:3; Mabasa 15:13-21; VaGaratia 1:19) Nokudaro Judhasi amene akanga ari munun’una kuna mai waJesu. Zvisinei, iye angave akafunga kuva kusina kufanira kududza iyi batano yokunyama, sezvo Kristu panguva iyeyo akanga ari munhu womudzimu akapiwa mbiri mudenga. Tsamba yaJudhasi yakanga yakananga zvikuru mukupa zano iro rinogona kutibetsera ku“omerera pane chiri chakanaka” ndokungwarira vawi pakutenda.
“Irwai Kwazvo”
Kunyange zvazvo Judhasi aida kunyora pamusoro poruponeso urwo maKristu ose anarwo, akakuwana kuri madikanwa kukurudzira varavi vake “kurwira kutenda.” (Ndima 1-4) Neiko? Nemhaka yokuti vanhu vasina umwari vakanga vapinda muungano uye vakanga ‘vachishandura mutsa usakafanirwa waMwari kuva pembedzo yomufambiro wakashata.’ Vaifunga nenzira isina kururama kuti vaigona kuputsa mitemo yaMwari bva vachigara pakati pavanhu vake. Gatiregei kutongotera kukurangarira kwakaipa kwakadaro asi nguva dzose ngatirondei kururama, tichionga kuti kupfurikidza neropa raJesu Mwari akatisuka muzvivi zvedu netsitsi.—1 VaKorinte 6:9-11; 1 Johane 1:7.
Nyevero Dzakaiswa Pamberi Pedu
Kuri madikanwa kudzivisa zvimiro zvakati, mufambiro, uye vanhu. (Ndima 5-16) Nemhaka yokuti vamwe vaIsraeri vakaponeswa muEgipita vakashaiwa kutenda, vakaparadzwa. Ngirozi dzakasiya nzvimbo yadzo yakafanira dzaka“chengetwa muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru [romudzimu] kusvikira pakutongwa kwezuva guru.” Utere hukuru hwakaunza “chirango chokutonga chomwoto usingaperi” (NW) paSodhoma neGomora. Naizvozvo, nguva dzose ngatifadzei Mwari ndokusatongorega “nzira youpenyu.”—Pisarema 16:11.
Kusafanana nengirozi huru Mikaeri, aisazotongounza rutongeso mukurwisana naDhiabhorosi mukutuka, vanhu vasina umwari vakatuka “avo vane kubwinya,” sezviri pachena avo vane mbiri yechokwadi yakavapiwa naMwari naKristu savakuru vakazodzwa. Ngatiregei kutongoratidza ruzvidzo nokuda kwechiremera chakapiwa naMwari!
Mienzaniso yakaipa yaKaini, Bharami, uye Kora yakateverwa navanhu vasina umwari. Vakapa tyisidziro yomudzimu yakaenzana namatombo akavanzwa pasi pemvura uye vakanga vakafanana namakore asina mvura naakafa, miti yakadzurwa isingabereki chinhu chinobetsera. Vawi pakutenda ivavo vakangawo vari vatsoropodzi, vanyunyuti, uye ‘vayemuri vohunhu nokuda kwebetserwo yavo vamene.’
Ramba Uchidzivisa
Judhasi akatevera kupa pangiro pakudzivisa pesvedzero dzakaipa. (Ndima 17-25) Kwaizova navatuki mu“nguva yokupedzisira,” uye maKristu echokwadi anofanira kuvatsungirira namashoko avo okutuka nhasi. Kudzivisa pesvedzero dzakaipa dzakadaro, tinofanira kuzvivaka timene paku“tenda [kwedu] kutsvene tsvene,” kunyengetera nomudzimu mutsvene, uye kurambira murudo rwaMwari, takamirira ngoni dzaJesu kuti dziratidzirwe.
Sezviri pachena mubasa ravadzidzisi venhema, vanhu vasina umwari vakaparira vamwe kuva nepanikiro. (Enzanisa na 2 Petro 2:1-3.) Uye vapanikiri vaidei? Chokwadi, betsero yomudzimu kuti vabudiswe mu“mwoto,” ruparadziko rusingaperi! (Mateo 18:8, 9) Asi voumwari havafaniri kutya jambwa iroro, nokuti Jehovha achavadzivirira pa“kuwira” muchivi noruparadziko rwakamirira vawi pakutenda.
[Bhokisi riri papeji 31]
Mabwe Akavanzwa: Judhasi akanyevera maKristu biyake pamusoro pa‘mabwe akavanzwa pasi pemvura mumitambo yavo yorudo.’ (Judhasi 12) Vachinyepedzera rudo nokuda kwavatendi, vawi pakutenda vakadaro vakanga vakafanana namabwe akapinza ari pasi pemvura ayo aigona kuputsa ngarava kana kubvarura ndokuuraya vashambiri. Mitambo yorudo ingave yaiva madyo uko maKristu akabudirira mune zvokunyama aikokera vatendi biyavo varombo. Mukuru weChechi Chrysostom (347?–407 N.V.) akati: “Vose vaisangana pamutambo wavose: vapfumi vachiunza zvokudya, uye varombo naavo vakanga vasina vachikokwa, vose vaidya pamwe chete.” Chipi kana chipi chakanga chiri rudzi rwomutambo yapakuvamba, nyevero yaJudhasi yakabetsera vakatendeka kungwarira ‘mabwe akavanzwa’ avawi pakutenda ayo aigona kuparira rufu rwomudzimu. Kunyange zvazvo maKristu asina kurairwa kuita mitambo yorudo, uye haisati ichiitwa nhasi, vanhu vaJehovha vanobetserana mune zvokunyama munguva dzokushaiwa uye vane ruwadzano runofadza.