Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Neiko Jesu akatanga Chirangaridzo navaapostora bedzi ndizvo kwete vamwe vadzidzi vaizorarama musungano itsva?
Uyu mubvunzo unoratidzika kuva wakavakirwa pamufungo usina kururama wokuti Jesu akaungana navaapostora vake madekwana iwayo kuti atange Chirairo chaShe neungano yechiKristu yavakazodzwa vakanga vachitova musungano itsva. Panzvimbo pezvo, pana Nisani 14, 33 N.V., ungano yechiKristu yakanga ichigere kuumbwa, uye Jesu akaungana navaapostora vake nokuda kwechidyo chePaseka yechiJudha yegore negore.
Chokwadika, Jesu aiva navadzidzi kunze kwavane 12 vanozivikanwa savaapostora. Gore rapamberi porufu rwake, iye akatuma vadzidzi 70 parwendo rwokuparidzira. Pashure porumuko rwake, “akaoneka kudzinopfuura hama dzina mazana mashanu panguva imwe.” Uye kwakanga kune vadzidzi “vanenge zana namakumi maviri” vakaungana pazuva rePentekosta. (1 VaKorinte 15:6, NW; Mabasa 1:15, 16, 23; Ruka 10:1-24) Asi ngatirangarirei boka raiva naJesu apo akatanga chengeto yegore negore inozivikanwa seChirairo chaShe.
Ruka 22:7, 8 inopa nguva, ichiti: “Zvino zuva rezvingwa zvisine mbiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa paseka naro, akatuma Petro naJohane, achiti: ‘Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye.’” Nhauro yacho inopfuurira, kuti: “Muti kumwene weimba: ‘Mudzidzisi unoti kwauri: “Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?”’” Naizvozvo madekwana iwayo Jesu akanga ane vane 12 nokuda kwechengeto yechiJudha. Iye akavaudza, kuti: “Ndakanga ndichida zvikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika.”—Ruka 22:11, 15.
Kuvambira pamavambo ayo muEgipita, Paseka yakanga iri chengeto yemhuri. Mukuvamba Paseka, Mwari akaudza Mosesi kuti gwaiana raifanira kuurawa nokuda kwemhuri imwe neimwe. Kana mhuri yakanga iri duku zvikuru zvokusagona kupedza gwaiana rose, mhuri iri pedyo yaigona kukokwa kuzogoverana zvokudya. Nokudaro, kune mufungo kuti nokuda kwePaseka ya 33 N.V., vazhinjisa vavadzidzi vaJesu vaizova nenzira yomuzvarirwo vakaungana nemhuri dzavo vamene nokuda kweichi chidyo.
Asi Jesu “aida zvikuru” kugoverana yaizova Paseka yokupedzisira yakanaka, uye usiku hwokupedzisira pamberi porufu rwake, navateveri vake vapedyosa, avo vakanga vafamba naye mukati mohwakawanda hwoushumiri hwake. Pamugumo pechidyo ichocho chePaseka, Jesu akavaudza nezvechengeto itsva iyo yaizochengetwa navateveri vake vose munguva yemberi. Waini yechengeto iyoyo yechiKristu yakanga ichiri munguva yemberi yaizomirira ropa re“sungano itsva” iyo yaizotsiva sungano yoMutemo.—Ruka 22:20.
Pamadekwana aNisani 14, 33 N.V., zvisinei, sungano itsva yakanga isingashandi, nokuti chibairo chinosimbisa—Jesu—chakanga chisati chapiwa. Sungano yoMutemo yakanga ichiri kushanda. Yakanga ichigere kurovererwa padanda. Kupfuurirazve, hakusati kwaizova pachena kutozosvikira pazuva rePentekosta kuti sungano yekare naIsraeri wokunyama yakanga yatsiviwa nesungano itsva naIsraeri womudzimu.—VaGaratia 6:16; VaKorose 2:14.
Nokudaro, vaapostora vakatendeka 11 kana kuti vapi navapi vavadzidzi vakanga vachigere kuva musungano itsva madekwana iwayo. Uye Jesu akanga asiri kuratidza kusatenderwa kupi nokupi kwavamwe vadzidzi vechiJudha kupfurikidza nokuvarega vachiungana nemhuri dzavo kuti vachengete Paseka.