Nzira Iyo Kutenda Kunogona Kubetsera Nayo Vanorwara
NHAURO dzokurapa kwenenji dziri muBhaibheri dzinotivimbisa kuti Mwari anoitira hanya garikano yedu, uye dzinoratidza simba rake rokuporesa. Sezvo kurapa kwenenji ikoku kwakarumbidza Mwari ndokuunza mufaro mukuru kwazvo, kune mufungo kubvunza kuti, Chipo chokuporesa kupfurikidza nomudzimu mutsvene chichiri kushanda here?
Mhinduro kumubvunzo iwoyo ndeyokuti aiwa—uye chikonzero chacho chingashamisa vamwe. Kurapa kwenenji ikoko kwomuzana rokutanga ramakore kwakazadzika donzo rako. The Illustrated Bible Dictionary rinoti nenzira yakarurama: “Donzo ramanenji okuporesa rakanga riri rorudzidziso, kwete rokurapa.” Ndeapi akanga ari mamwe amadonzo orudzidziso akabatirwa namanenji iwayo?
Kutanga, manenji okuporesa aJesu akabatira donzo rokumuzivisa saMesia. Uye pashure porufu rwake, akabetsera kusimbisa kuti chikomborero chaMwari chakanga chiri paungano itsva yechiKristu. (Mateo 11:2-6; VaHebheru 2:3, 4) Uyezve, akaratidzira kuti chipikirwa chaMwari chokuporesa rudzi rwomunhu munyika itsva chichazadzikwa. Anosimbisa kutenda kwedu kuti nguva chaizvoizvo ichauya apo kusina “ugeremo uchati: ‘Ndinorwara;’ vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.” (Isaya 33:24) Apo madonzo iwaya omuzana rokutanga ramakore akaitwa bedzi, manenji akanga achisiri kudikanwa.
Kunokosha kuti vadzidzi vaJesu vomuzana rokutanga ramakore ivo vamene vakatambura zvirwere zvisina kuporeswa nenzira yenenji. Ihwohwu humwe ufakazi hwokuti mubato wokuporesa kwenenji waJesu pamwe chete nowavaapostora wakarongedzerwa kudzidzisa zvokwadi dzinokosha, kwete kugovera basa rokurapa. Pakurumbidza kurapwa kwezvinoitika zvenguva dzose zvaTimotio zvechirwere, Pauro akarumbidza kushandiswa kwomushonga wewaini, kwete kuporesa nokutenda. Pauro, uyo akaita manenji okuporesa, haana kubetserwa pa“munzwa munyama” uyo wakaramba uchimu“rova.”—2 VaKorinte 12:7; 1 Timotio 5:23.
Apo vaapostora vakafa, chipo chokuporesa chakapfuura. Pauro amene akaratidzira kuti ikoku kwaizoitika. Achifananidza ungano yechiKristu nomucheche, Pauro akati: “Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.” Pfundo romuenzanisiro wake rakanga riri rokuti zvipo zvenenji zvomudzimu zvakanga zviri rutivi rwoucheche hweungano yechiKristu. Izvo zvakanga zviri “zvinhu zvomwana.” Nokudaro, iye akataura, kuti: “Izvo [zvipo zvenenji] zvichabviswa.”—1 VaKorinte 13:8-11.
Kutenda Kunogona Kubetsera Here Apo Tinorwara?
Zvisinei, kunyange kana tisingavimbi nokuporesa nokutenda, zvamazvirokwazvo kwakakodzera kunyengetera kuna Mwari nokuda kwebetsero apo tinorwara. Uye zvirokwazvo hapana chinhu chakaipa nomunyengetero unoitwa navamwe nokuda kwedu. Asi minyengetero yacho inofanira kuva yapachokwadi neinotsinhirana nokuda kwaMwari. (1 Johane 5:14, 15) Bhaibheri hapana parinotiraira kunyengeterera kuporesa nokutenda.a Panzvimbo pezvo, tinonyengeterera tsigiro yorudo yaJehovha mukati memiedzo inoparirwa nechirwere.
Bhaibheri rinoratidza izvo vakatendeka vanganyengeterera mukurwara apo rinoti: “Jehovha uchamutsigira panhovo yourwere; munoshandura nhovo dzake dzose pakurwara kwake.” (Pisarema 41:3) Kufungisisa pamusoro peShoko raMwari kuchabetsera avo vanotambura chirwere chemirangariro. Wezvamapisarema akanyora, kuti: “Ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira. Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.”—Pisarema 94:18, 19; onawo 63:6-8.
Mukuwedzera, tinofanira kuratidza uchenjeri munhau dzoutano, uye Bhaibheri rinotipa zano pamusoro paikoku. Kuri nani zvikuru kurarama mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri kupfuura kupinda mukushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, kusvuta, kunwisa, kana kuti kudyisa uye ipapo apo chirwere chinotevera, kutendeukira mukupererwa nezano rose kukuporesa nokutenda. Kunyengeterera nenji apo munhu anorohwa nechirwere hakusati kuri chinotsiva mufambiro wokuchenjera kuti unzvenge chirwere chinodzivisika, zvakadai sokudya zvokudya zvinovaka muviri kana zvichiwanikwa kana kuti kutsvaka yamuro yezvokurapa yakanaka kwakunobvira.
Shoko raMwari rinotikurudzirawo kusakurira zvimiro zvendangariro zvakanaka izvo zvinogona kubetsera utano hwedu hwomuviri. Bhuku raZvirevo rinopa zano, kuti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; asi godo rinoodza mafupa.” “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora; asi mweya wakaputsika unoomesa mafupa.” (Zvirevo 14:30; 17:22) Kunyengeterera mudzimu mutsvene kuti ukudziridze kuterama nomufaro matiri kunogona bedzi kuva nemiuyo inobetsera pautano hwedu hwomuviri.—VaFiripi 4:6, 7.
Zvakadiniko Nokuporesa Nokutenda?
Chokwadika, kunyange kana munhu achirarama upenyu hwakanaka sohunobvumira mugariro wake, chirwere chichiri chingarova. Ipapoka chii? Pane kuvadziko ipi neipi here mukuenda kumuporesi nokutenda nekariro dzokuporeswa? Hungu, pane kuvadziko. Vaporesi nokutenda vazvino uno havawanzoita pachena. Uye kupambadza mari pamuporesi nokutenda apo mari iyoyo ingagona kushandiswa pabetsero yokurapa nemishonga kungaguma nokurasikirwa kwedu kukuru. Kunze kwezvo, kupirei mari kuvanhu vanoshandisa zvakaipa kunyengerwa kwavanhu?
Vamwe vangataura, kuti: ‘Zvirokwazvo, kuporesa nokutenda kunofanira kuva noukoshi hwakati kunyange kana chiverengero chiduku muzana chaavo vanoenda ku“vaporesi” chichiporeswa.’ Asi hakubvumiki kana vaporesi nokutenda vachiporesa chaizvoizvo munhu upi noupi nenzira yechigarire. Encyclopædia Britannica inobvuma, kuti: “Kunzvera kunodzorwa kuduku zvikuru kwakaitwa pazvinhu zvakawanda zvisingazivikanwi mukuporesa nokutenda.”
Kunyange kana chiverengero chiduku chichiratidzika kuva chinoporeswa, ihwohwu hahusati huri ufakazi hwokushanda kwomudzimu mutsvene. MuMharidzo yapaGomo, Jesu akati: “Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: ‘Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?’ Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.” (Mateo 7:22, 23) Jesu akataurawo kuti vanhu vakati, kunyange zvazvo vasingatenderwi naMwari, vaizokwevera ngwariro kwavari vamene kupfurikidza nezviratidzo: “Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo.” (Mateo 24:24) Zvirokwazvo, varapi nokutenda vazvino uno vangagona kubatanidzwa mukushanda kwamashoko iwayo, nezvishamiso zvavo, kuraira nguva dzose mari, uye kunonzi kuporesa kwenenji.
Vakadaro havasati vari kutevera mumakwara aJesu. Ndiani, ipapoka, wavari kutevera? Muapostora Pauro anotipa ratidziro apo iye anoti: “Sataniwo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza. Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachizvishandurawo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata.” (2 VaKorinte 11:14, 15) Kana vaporesi nokutenda vasingaiti kuporesa kwavanotaura, ipapoka vanyengeri, vari kutevera nzira yaSatani, “uyo ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9, NW) Asi zvakadiniko kana, muchiverengero chiduku chezvinoitika, vachiita kuporesa? “Mabasa esimba” avo haafaniri kushandiswa musimba raSatani namadhemoni ake here? Hungu, ndizvo zvakunofanira kuva kwakaita!
Nguva Yokuporesa Chaikoiko
Kurapa kwenenji kwaJesu kwakaitwa nebetsero yomudzimu mutsvene waMwari. Kwakaratidzira donzo rake rokupedza zvinetso zvose zvoutano zvomunhu munguva yake yakafanira. Jehovha anopikira “kurapwa kwamarudzi.” (Zvakazarurwa 22:2, NW) Uye haasati achizoporesa bedzi zvirwere asi achabvisa rufu. Johane anotsanangura kuti Jesu akauya “kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, NW) Ikoko kuchava kuporesa kwakaisvonaka zvakadini! Jesu achaita zvakare kurapa kwakafanana nouko kwakanyorwa muBhaibheri asi pamwero mukuru zvikuru. Iye achatomutsa vakafa! (Johane 5:28, 29) Ikoku kuchaitika rini?
Munyika itsva yaMwari, iyo, mukuwirirana noufakazi hwose, yaswedera pedyo. Nyika itsva iyoyo, ichapinzwa pashure pokunge uipi hwetsika ino yezvinhu hwabviswa nokusingaperi, ichava chikomborero chaichoicho nokuda kworudzi rwomunhu rune mwoyo wakarurama. Ichava nyika isina kutambura. “[Mwari] achapukuta musodzi uri wose mumeso avo, uye rufu haruchavipozve, uyewo kuchema kana kurira kana kurwadziwa hazvichavipozve. Zvinhu zvakare zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4, NW) Musiano wakadini nezvatinoona makatipoteredza nhasi!
Naizvozvo, kana ukava nechirwere, nyengetera kuna Mwari nokuda kwetsigiro. Uye kana uri kurwara kana kuti une utano hwakanaka, dzidza kuti upenyu husingagumi husina chirwere huchabvira sei zvamazvirokwazvo. Vaka kutenda kwako muichi chipikirwa chakavimbika chaMwari kupfurikidza nokufunda nongedzero dzakawanda kwahuri muBhaibheri. Dzidza kuti donzo raMwari muna ikoku riri kuswedera pedyo sei nezadziko mukuwirirana norudungwe rwake amene rwenguva. Usava nepanikiro, nokuti Shoko raMwari rinotivimbisa, kuti: “Wakaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanofunga kuti mashoko ari pana Jakobho 5:14, 15 ane chokuita nokuporesa nokutenda. Asi mashoko akapoteredza anoratidza kuti Jakobho pano ari kutaura pamusoro pechirwere chomudzimu. (Jakobho 5:15b, 16, 19, 20) Iye anopa zano vanhu vakaneta mukutenda kuti vakumbire vakuru nokuda kwebetsero.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kuporesa kwenenji kwaJesu kwakazadzika donzo rako
[Mufananidzo uri papeji 8]
Jesu achadzokorora ndokuwedzera manenji okuporesa