Jehovha Ndianiko?
“JEHOVHA ndianiko?” Mubvunzo iwoyo wakabvunzwa makore 3 500 apfuura naFarao anodada, mambo weEgipita. Ruzvidzo sezviri pachena rwakamusunda kuwedzera, kuti: “Handitongozivi Jehovha.” Varume vaviri panguva iyeyo vakanga vakamira pamberi paFarao vaiziva akanga ari Jehovha. Ivo vakanga vari hama dzokunyama Mosesi naAroni, vorudzi rwaIsraeri rwaRevhi. Jehovha akanga avatuma kuzoraira kuti mutongi weEgipita apinze vaIsraeri murenje kundochengeta mutambo worudzidziso.—Eksodho 5:1, 2, NW.
Farao haana kuda mhinduro kumubvunzo wake. Vari muchiremera chake, vaprista vakasimudzira kunamatwa kwamazana avamwari venhema. Chokwadi, Farao amene airangarirwa samwari! Mukuwirirana nengano dzeEgipita, iye akanga ari mwanakomana wamwari wezuva Ra uye muviri wamwari ane musoro wefalcon Horus. Farao aidanwa namazita okuremekedza akadai sa“mwari ane simba” uye “asingagumi.” Naizvozvo kwakanga kusingashamisi kuti iye aizobvunza nenzira yokumhura, kuti: “Jehovha ndianiko, kuti ndifanire kuteerera inzwi rake?”
Mosesi naAroni havana kudikanirwa kupindura mubvunzo iwoyo. Farao aiziva kuti Jehovha akanga ari Mwari ainamatwa navaIsraeri, panguva iyeyo vaitambura muusungwa hweEgipita. Asi Farao neEgipita yose vaizokurumidza kuziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi. Nenzira yakafanana nhasi, Jehovha achazivisa zita rake nokuva kwake Mwari kumunhu ari wose ari pasi pano. (Ezekieri 36:23) Naizvozvo tinogona kubetserwa nokurangarira kuti Jehovha Mwari akakudza sei zita rake muEgipita yakare.
Mukuru Kuvamwari veEgipita
Apo Farao akabvunza nenzira yokuzvidza akanga ari Jehovha, haana kukarira miuyo yaakatambura. Jehovha amene akapindura, achiunza matambudziko gumi paEgipita. Matambudziko iwayo akanga asati achingova zvawo nhamo parudzi rwacho. Iwo akanga ari nhamo pavamwari veEgipita.
Matambudziko acho akaratidzira ukuru hwaJehovha pavamwari veEgipita. (Eksodho 12:12; Numeri 33:4) Fungidzira mheremhere apo Jehovha akachinja Rwizi rwaNire nemvura dzose dzeEgipita kuva ropa! Kupfurikidza neiri nenji, Farao navanhu vake vakaziva kuti Jehovha akanga ari mukuru kuna mwari waNire, Hapi. Rufu rwehove muna Nire yakanga iriwo nhamo kurudzidziso rweEgipita, nokuti marudzi akati ehove ainamatwa.—Eksodho 7:19-21.
Tevere, Jehovha akaunza dambudziko ramatatya paEgipita. Irori rakazvidzisa mwarikadzi wamatatya weEgipita, Heqt. (Eksodho 8:5-14) Dambudziko rechitatu rakakatyamadza vaprista vanoita mashiripiti, avo vasina kukwanisa kudzokorora nenji raJehovha rokushandura guruva kuva utunga. “Munwe waMwari!” ivo vakadanidzira kudaro. (Eksodho 8:16-19) Mwari weEgipita Thoth, aipiwa mbiri yokuita uroyi, haana kukwanisa kubetsera nyanzvi idzodzo.
Farao akanga achiziva akanga ari Jehovha. Jehovha akanga ari Mwari aigona kuzivisa donzo rake kupfurikidza naMosesi uye ipapo kuriita kupfurikidza nokuunza matambudziko enenji pavaEgipita. Jehovha aigonawo kutanga ndokugumisa nhamo mukuwirirana nokuda kwake. Iyi zivo, zvisinei, haina kusunda Farao kuzviisa pasi paJehovha. Panzvimbo pezvo, mutongi anozvitutumadza weEgipita akapfuurira nenzira ine nharo kudzivisa Jehovha.
Mukati medambudziko rechina, nhunzi dzakaparadza nyika yacho, dzakavhozhokera dzimba, uye zvimwe kubhururuka mumapoka mumhepo, iyo imene yainamatwa yaitaurwa somunhu muna mwari Shu kana kuti mwarikadzi Isis, mambokadzi wedenga. Shoko rechiHebheru nokuda kweichi chipembenene rakashandurwa kuti “nhunzi,” “mupumburu,” uye “chinyamudzunge.” (New World Translation; Septuagint; Young) Kana nyangariro yakabatanidzwa, vaEgipita vakatambudzwa nezvipembenene zvavairangarira kuva zvinoyera, uye vanhu vaisagona kuva vakafamba-famba pasina kuzvipwanya pasi petsoka. Zvisinei hazvo, iri dambudziko rakadzidzisa Farao chimwe chinhu chitsva pamusoro paJehovha. Kunyange zvazvo vamwari veEgipita vaisagona kudzivirira vanamati vavo panhunzi, Jehovha aigona kudzivirira vanhu vake. Irori namamwe matambudziko ose akatevera akatambudza vaEgipita asi kwete vaIsraeri.—Eksodho 8:20-24.
Dambudziko rechishanu rakanga riri denda pazvipfuwo zveEgipita. Iyi nhamo yakazvidzisa Hathor, Apis, uye mwarikadzi wedenga aiva nomuviri wemhou Nut. (Eksodho 9:1-7) Dambudziko rechitanhatu rakaunza mamota pamunhu nemhuka, richinyadzisa vamwari Thoth, Isis, uye Ptah, vairangarirwa zvisakarurama savane masimba okuporesa.—Eksodho 9:8-11.
Dambudziko rechinomwe rakanga riri chimvuramabwe chikuru, mwoto uchifamba-famba pakati pamatsanza. Iyi nhamo yakanyadzisa mwari Reshpu, aifungidzirwa kuva tenzi wemheni, uye Thoth, aitaurwa kuva anodzora mvura nokutinhira. (Eksodho 9:22-26) Nhamo yechisere, denda remhashu, rakaratidza ukuru hwaJehovha pana mwari woruzvaro Min, aifungidzirwa kuva mudziviriri wezvirimwa. (Eksodho 10:12-15) Nhamo yechipfumbamwe, rima ramazuva matatu paEgipita, rakadurura ruzvidzo pavamwari veEgipita vakadai savamwari vezuva Ra naHorus.—Eksodho 10:21-23.
Pasinei zvapo namatambudziko mapfumbamwe anoparadzanya, Farao akangoramba kusunungura vaIsraeri. Kuoma mwoyo kwake kwakava kunodhura zvikuru kuEgipita apo Mwari akaparira dambudziko rechigumi nerokupedzisira—rufu rwedangwe romunhu nemhuka. Kunyange mwanakomana wedangwe waFarao akaparara, kunyange zvazvo airangarirwa samwari. Nokudaro Jehovha ‘akaita marutongeso pavamwari vose veEgipita.’—Eksodho 12:12, 29.
Farao zvino akashevedza Mosesi naAroni ndokuti: “Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imi navana vaIsraeri: endai mundonamata Jehovha sezvamakataura. Torai makwai enyu nemombe dzenyu, sezvamakataura, endai, neni mundiropafadzewo.”—Eksodho 12:31, 32.
Muchengeti Wavanhu Vake
VaIsraeri vakaenda, asi kwakakurumidza kuratidzika kuna Farao kuti vakanga vachidzungaira murenje. Iye navabatiri vake zvino vakabvunza, kuti: “Taita seiko zvatatendera vaIsraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?” (Eksodho 14:3-5) Kurasikirwa nourwu rudzi rwavaranda kwaizova nhamo huru yezvemari kuEgipita.
Farao akaunganidza hondo yake ndokuronda vaIsraeri kusvikira paPihahiroti. (Eksodho 14:6-9) Mune zvehondo, mugariro wacho wakaratidzika kuva wakanakira vaEgipita nemhaka yokuti vaIsraeri vakakombwa pakati pegungwa namakomo. Asi Jehovha akaita chiito kuti adzivirire vaIsraeri kupfurikidza nokuisa gore pakati pavo navaEgipita. Parutivi rweEgipita, “gore nerima, zvikavapo,” nokudaro zvichidzivisa kudenha. Pane rumwe rutivi, gore rakanga rakajeka, “rakavhenekera usiku” nokuda kwaIsraeri.—Eksodho 14:10-20.
VaEgipita vakanga vakatsunga kupamba ndokuparadza asi vakadziviswa negore. (Eksodho 15:9) Apo rakasimuka, chishamiso chakadini! Mvura dzeGungwa Dzvuku dzakanga dzaparadzaniswa, uye vaIsraeri vakanga vachiyambuka vachienda kurumwe rutivi panyika yakaoma! Farao namauto ake vakadirana mugova regungwa, vakatsunga kubata ndokupamba vaichimbova varanda vavo. Zvisinei, mutongi anozvitutumadza weEgipita akanga asina kuvimba naMwari wavaHebheru. Jehovha akavamba kukandira vaEgipita munyongano, achibvisa mavhiri engoro dzavo.—Eksodho 14:21-25a.
“Ngatitize pamberi pavaIsraeri,” vakadanidzira kudaro varume vane simba veEgipita, “nokuti Jehovha uchavarwira ivo, asi unorwa navaEgipita.” Uku kuziva kwakanyanyononoka kusvika nokuda kwaFarao navanhu vake. Akakotsekana paimwe mhenderekedzo yegungwa, Mosesi akatambanudzira ruoko rwake kugungwa, uye mvura dzakadzokera, dzichiuraya Farao namauto ake.—Eksodho 14:25b-28.
Zvifundo Zvakadzidziswa Nechinoitika Chacho
Naizvozvo, ipapoka, Jehovha ndianiko? Farao anodada akawana mhinduro kumubvunzo iwoyo. Zvinoitika muEgipita zvakaratidzira kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi, akasiana chose chose na“vamwari vasina maturo” vamarudzi. (Pisarema 96:4, 5, NW) Kupfurikidza nesimba rake rinotyisa, Jehovha “akaita denga rose napasi.” Iye ndiyewo Mununuri Mukuru, Uyo ‘akabudisa vanhu vake Israeri munyika yeEgipita, nezviratidzo, manenji, ruoko rune simba, uye kutyisa kukuru.’ (Jeremia 32:17-21) Ikoku kwakasanobvumikisa sei kuti Jehovha anogona kudzivirira vanhu vake!
Farao akadzidza zvifundo izvozvo kupfurikidza nechinoitika chakaipa. Kutaura idi, chifundo chokupedzisira chakamuparira kurasikirwa noupenyu hwake. (Pisarema 136:1, 15) Iye angadai akava akachenjera zvikuru kudai akanga aratidza kuzvininipisa apo akabvunza kuti, “Jehovha ndianiko?” Ipapo mutongi iyeyo angadai akaita mutsinhirano nemhinduro yaakagamuchira. Nomufaro, vanhu vakawanda nhasi vari kudzidza ari Jehovha. Uye Iye ane rudzii rwohunhu? Chii chaanoda kwatiri? Nyaya inotevera ngaiwedzere nzwisiso yako yoUyo oga ane zita rinonzi Jehovha.—Pisarema 83:18.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.