Takapiwa Parera Roukoshi Hukuru Zvikuru
YAKATAURWA NARICHARD GUNTHER
Akanga ari September 1959. Takanga tiri mungarava yeItaly inonzi Julio Caesar tichiyambuka Atlantic Ocean kubva kuNew York tichienda kuCádiz, Spain. Watch Tower Society yakanga yandigovera, pamwe chete nomudzimai wangu, Rita, uye Paul naEvelyn Hundertmark, vamwe vafundisi vakaroorana, kunyika iyoyo yeIberia. Takanga tichizotarisana nedenho dzakawanda. Asi kwakadaro sei kuti takanga tatanga basa roufundisi?
RITA neni takabhapatidzwa seZvapupu zvaJehovha muna 1950 muNew Jersey, U.S.A. Nokukurumidza pashure pacho, takaita chisarudzo chokuti pashure penguva yakati taizoisa mumaoko edu parera roukoshi hukuru zvikuru. Taiva muungano yaiva nehama nehanzvadzi dzakaringana kubatira ndima yacho. Naizvozvo takanzwa tichisungirwa kuzvipa kuti tibatire kwaiva nokushayiwa kukuru zvikuru kwavaparidzi. Pagungano ramarudzi ose reZvapupu zvaJehovha muNew York City muzhizha ra 1958, takanokumbirisa basa roufundisi.
Nokukurumidza pashure paikoko, takakokwa kuWatchtower Bible School of Gilead, uye mukati megore rimwe takanga tava kuenda kuSpain savafundisi. Tabatikana murongedzero dzakawanda uye taororwa namanyemwe, hatina kuziva panguva yacho chatakanga tapiwa. Jesu akanga ataura nezveparera roukoshi hukuru zvikuru. (Mateo 13:45, 46) Kunyange zvazvo yakanga isiri pfundo romufananidzo wake, ropafadzo yedu yokubatira savafundisi kwatiri yakanga ichienzaniswa neparera rakadaro. Tichirangarira, zvino tinonzwisisa zvakazara zvikuru ichi chipo chebasa musangano raJehovha.
Chiitiko Chisingakanganwiki
Panguva iyeyo kosi youfundisi yeGilead yaiitirwa mumhoteredzo dzomumaruwa dzakaisvonaka munharaunda yeFinger Lakes yeNew York State. Ikoko, takapedza mwedzi mitanhatu yakaisvonaka takanyura chose chose mufundo yeBhaibheri uye songaniro chaiyo yechiKristu, takaparadzaniswa nenhau dzenyika ino nenhamo. Vadzidzi biyedu vaibva kumativi akawanda enyika, aibatanidza Australia, Bolivia, Britain, Greece, uye New Zealand. Nokukurumidza zvisinei, rakanga rava zuva rokupedza kufunda. Muna August 1959, takaonekana nemisodzi mumaziso edu sezvataienda nengarava kumigove yedu yakatsaukana youfundisi. Mwedzi mumwe gare gare takatsika ivhu romuSpain.
Tsika Itsva
Takasvikira pachiteshi chengarava chokumaodzanyemba cheAlgeciras, kurutivi rweRock of Gibraltar rakakurumbira. Usiku ihwohwo isu vana vedu, Rita neni pamwe chete navanaHundertmark, takakwira chitima chaienda kuMadrid. Takaenda kuHotera yeMercador, ikoko kunomirira kusvikira tawanwa nemitezo yehofisi yebazu reSosaiti rakavanzika. Spain yakanga iri mukutonga kwoudzvinyiriri kwaGeneralissimo Francisco Franco. Ikoku kwaireva kuti rudzidziso rwaizivikanwa zvapamutemo bedzi munyika yacho rwaiva Chechi yeRoma Katurike. Kwakanga kusiri kwapamutemo kuita rumwe rudzidziso rwupi nerwupi pachena, uye basa rokuparidza kwapaimba neimba reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa. Kunyange misangano yorudzidziso yairambidzwa, zvokuti Zvapupu zvaJehovha, izvo zvaiva nhamba inenge 1 200 muungano 30 muSpain panguva iyeyo, zvaisagona kusangana muHoro dzoUmambo somune dzimwe nyika. Taitofanira kusangana pachivande mudzimba dzavanhu.
Kudzidza chiSpanish Uye Kuvamba
Denho yedu yokutanga yakanga iri kudzidza mutauro. Mwedzi wokutanga taipedza maawa 11 pazuva tichidzidza chiSpanish—maawa 4 mangwanani ari ose tiri mukirasi, ipapo maawa 7 tichifunda tiri toga. Mwedzi wechipiri zvakanga zviri zvimwe chetezvo mumangwanani, asi masikati aitsaurirwa kukuparidza paimba neimba. Unogona kufungidzira here? Tichiri vasingazivi mutauro wacho uye nesumo yakadzidzwa nomusoro chete yakanyorwa pakadhi, Rita neni takabuda mubasa rapaimba neimba tiri toga!
Ndinoyeuka ndichigogodza pasuo muVallecas, chikamu chinogara vanoshanda cheMadrid. Nekadhi rangu muruoko, kungova akagadzirira, ndakati muchiSpanish: “Mangwanani akanaka. Tiri kuita basa rechiKristu. Bhaibheri rinoti (taizorava rugwaro). Tinoda kuti imi muve neiri bhukwana.” Eya, mudzimai wacho akangotarisa, ipapo akatora bhukwana racho. Apo taiita shanyo yedzokerero, akatikumbira kupinda, uye sezvatakataura, aingotarisa. Takatanga fundo yeBhaibheri naye zvakanakisisa sezvataigona, uye mukati mokufunda, aingoteerera nokutarisa. Pashure penguva yakati pakupedzisira akatiudza kuti akanga asina kunzwisisa chatakanga tataura pashanyo yedu yokutanga asi akanzwa shoko rokuti Dios (Mwari) uye kuti izvozvo zvakanga zvakaringana kwaari kuti azive kuti chakanga chiri chimwe chinhu chakanaka. Pashure penguva yakati, akapinza zivo yakati yeBhaibheri uye akabhapatidzwa, achiva mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Kudzidza chiSpanish kwakanga kwakandiomera zvikuru. Pandaifamba muguta, ndaidzidza nomusoro zvikochekedzano zvezviito. Zvandaidzidza nomusoro vhiki imwe ndaikanganwa inotevera! Kwaiodza mwoyo zvikuru. Kanoverengeka ndakadokurega. Sezvo ndaitaura chiSpanish chakaipa kudaro, Hama dzemuSpain dzaifanira kuva dzinoshivira zvikuru sezvo ndaitungamirira pakati padzo. Pane imwe kokorodzano yeruwa, imwe hama yakandipa chiziviso chakanyorwa noruoko kuti ndirave ndiri pachikuva. Ndichinetseka kurava runyoro rwake, ndakazivisa, kuti: “Uyai nemuletas dzenyu (madondoro) kunhandare mangwana.” Chaifanira kuva, “Uyai nemaletas (zvinhu) kunhandare mangwana.” Chokwadika, boka rakaseka, uye nenzira yomuzvarirwo ndakanyara.
Miedzo Yapakuvamba muMadrid
Makore mashomanene iwayo apakutanga muMadrid mumurangariro aiva akaomera Rita neni zvikuru. Taisuwa musha wedu neshamwari dzedu zvikuru. Nguva iri yose yataigamuchira tsamba kubva kuUnited States, taifunga kumusha zvikuru. Nguva idzodzo dzokusuwa kumusha dzaikurira, asi dzakapfuura. Pashure pokurangarira zvose, takanga tasiya musha, mhuri, uye shamwari kuti tigamuchire munzvimbo yazvo parera roukoshi hukuru zvikuru. Taifanira kuchinja.
Patakatanga kugara muMadrid, takazviwana timene tiri muimba yokugara ine tsvina, kana kuti hotera. Taiva nekamuri redu uye taidya katatu pazuva. Rakanga riri kamuri duku rine rima, uye matiresi dzacho dzaiva dzouswa. Rendi yepamwedzi yaipedza mvumiro yedu yemwedzi nemwedzi. Taiwanzova nokudya kwedu kwamasikati ipapo, uye muzvina nzvimbo yacho aisitisiyira kudya kwedu kwamauro muovheni kuti kurambe kuchidziya zvokuti usiku taizova nechimwe chinhu chokudya. Zvisinei, zvataifamba mumigwagwa mukati mezuva nemanheru, taiva nenzara zvikuru. Kana takanga tisina mvumiro yakanga yasara, taishandisa mari yedu pachedu yakaganhurirwa kuti titenge chokoreti yakachipa zvikurusa yataigona kuwana. Aya mamiriro ezvinhu akachinja nokukurumidza, zvisinei, neshanyo yomutariri wedzinyika weSosaiti. Akaona mamiriro ezvinhu zvedu akaipa ndokutaura kuti taigona kutsvaka furati duku rokushandisa somusha wavafundisi. Eya, ikoku kwaizova nani zvikuru kupfuura kugeza wakamira mushambiro redenderedzwa riri pauriri mukicheni. Zvino taizova neshawa, firiji yokuchengetera zvokudya, uye chitofu chegetsi chokubikira zvokudya zvedu. Takaonga zvikuru kurangarira kwacho.
Zviitiko Zvakaisvonaka muMadrid
Kuparidza kwapaimba neimba kwaiitwa nokungwarira zvikuru. Nyongano yezuva nezuva muMadrid yakanga iri betsero, ichitidzivirira zvokuti taisava vanonyanyocherekedzwa. Takaedza kupfeka nokuita sevamwe kuitira kuti taisazova vakatanhamara sevokunze. Mutoo wedu wekuparidza pasuo nesuo wakanga uri wokupinda imba yapafurati, kugogodza pasuo, kutaura nomunhu wacho, uye ipapo kubva pachivako chacho, mugwagwa wacho, uye nharaunda yacho. Paigarova nebviro yokuti saimba aizodana mapurisa, uye naizvozvo kwakanga kusiri kuchenjera kuramba tiri munharaunda yacho. Kutaura idi, kunyange zvazvo vaiva vakangwarira mukushandisa uyu mutoo, Paul naEvelyn Hundertmark vakasungwa ndokudzingwa munyika yacho muna 1960. Vakaenda kuPortugal yakavakidzana, vachibatira ikoko kwamakore anoverengeka, Paul achitarisira hofisi yebazu yapachivande. Nhasi ndiye mutariri weguta muSan Diego, California.
Zvisinei, nokuda kwedu kuenzana kwakaitika. Mwedzi mishomanene chete gare gare, vafundisi vatanhatu vakagoverwa kuPortugal vakarayirwa kubuda munyika iyoyo! Ikoku kwakaunza fambiro mberi inofadza nemhaka yokuti Eric naHazel Beveridge, vaivawo mukirasi yedu yeGilead, zvino vakarayirwa kubva muPortugal ndokuuya kuSpain. Naizvozvo ndiko kwatakanga tava muna February 1962, paHotera yeMercador zvakare—panguva ino kuti tigamuchire Eric naHazel sezvavaisvika.
Makanga muri mukati meaya mazuva apakuvamba muMadrid apo Rita neni takava nechakaitika pachedu nounyengeri hworudzidziso. Taifunda Bhaibheri navaroorani, Bernardo naMaria, avo vaigara muchitumba chakagadzirwa nezvidimbu zvakaraswa zvipi nezvipi zvezvinhu izvo Bernardo aigona kuwana. Taifunda navo usiku zvikuru, uye pashure pefundo, vaitipa chingwa, waini, uye chizi kana kuti chipi nechipi chavaiva nacho. Ndakacherekedza kuti chizi yacho yakanga yakangofanana nechizi yokuAmerica. Humwe usiku pashure pefundo, vakaunza gaba iro chizi yakauya iri mariri. Rakanga rakanyorwa namavara makuru, nechiNgezi, kuti, “Inobva kuvanhu vokuAmerica ichienda kuvanhu vokuSpain—haifaniri kutengeswa.” Iyi mhuri ine urombo yakagamuchira sei chizi yacho? Chechi yeKaturike yaishandiswa nehurumende kuiparadzira kuvarombo. Asi muprista akanga ari kuitengesa!
Ushumiri Hunobudirira Namauto
Nokukurumidza chimwe chinhu chakaisvonaka chakaitika chaizova chikomborero chakapfuma nokuda kwedu uye nokuda kwavamwe vakawanda. Takagamuchira chiziviso kubva kuhofisi yebazu tichikumbirwa kuti tishanyire rimwe jaya rainzi Walter Kiedaisch, rakanga riri kunzvimbo yaVarwi Vamauto Anoshandisa Ndege eU.S. paTorrejón, yaiva mamaira mashomanene kunze kweMadrid. Takashanyira iye nomudzimai wake, tichitanga fundo yeBhaibheri navo uye navamwe varoorani vaVarwi Vamauto Anoshandisa Ndege ipapo.
Mukati menguva iyoyo, ndakanga ndichiitisa fundo dzeBhaibheri dzinenge shanu navashandi vaVarwi Vamauto Anoshandisa Ndege veU.S., chokwadika, dzose muchiNgezi. Pana ivavo, vanomwe vakabhapatidzwa gare gare, uye pashure pokudzokera kuUnited States, vana vavarume vacho vakava vakuru vomuungano.
Iyi yakanga iri nguva apo kwaiva nenzira shomanene zvikuru dzokupinza nadzo mabhuku, magazini, uye maBhaibheri munyika nemhaka yerambidzo pabasa redu. Zvisinei, mamwe mabhuku aipinzwa navachakairi uye shamwari dzedu dzeAmerica. Ndakagoverwa nebazu kuva nenzvimbo yamabhuku yakavanzika. Rakanga riri kamuri rokuchengetera zvinhu kuseri kwechitoro chinotengesa mabhuku muVallecas. Mudzimai womuridzi akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo akanga asiri Chapupu, muridzi wacho airemekedza basa redu, uye kunyange kuzviisa mungozi zvikuru amene nebhizimisi rake, akandibvumira kushandisa iyi nzvimbo yokuseri kugadzirira mapasuru emabhuku okutumira kumaguta munyika yacho mose. Sezvo iri kamuri raifanira kutarisika nguva dzose sezvaraifanira kuva—kamuri rine guruva, rakanyongana rakazara namakatoni—ndaitofanira kugadzira bhenji rokushandira nesherufu dzamabhuku zvaigona kumiswa ndokuva zvakagadzirira kushandiswa nokukurumidza uye ipapo kuvigwa munguva pfupi pfupi. Pamugumo wezuva, ndaimira kusvikira musisina munhu muchitoro ipapo ndokubuda nokukurumidza namapasuru angu.
Yaiva ropafadzo chaiyoiyo kugoverana mukuparadzira zvinhu zvomudzimu, zvakadai semagazini eNharireyomurindi neMukai! namamwe mabhuku, kuungano munyika yacho mose. Idzodzo dzaiva nguva dzinofadza.
Rita akava nomufaro wokuitisa fundo dzeBhaibheri dzapumusha 16, inenge hafu yadzo yakava Zvapupu zvakabhapatidzwa zvaJehovha. Dolores akanga ari mukadzi muduku uyo akaroorwa aipedza mwaka yechando inotonhora ari pauvato nemhaka yechinetso chomwoyo. Muchirimo aigona kusimuka ndokuva anoti shingairei. Kutenda kwaDolores kwakanga kwakasimba, naizvozvo apo nguva yakasvika yekokorodzano yedu yeruwa muToulouse, France, aida zvikuru kwazvo kuenda. Akanyeverwa nachiremba kuti kwaizova kusachenjera nemhaka yemamiriro omwoyo wake. Akapfeka rokwe romumba nepata-pata uye asina zvinhu, akaburukira kuchiteshi chechitima kuti aone murume wake, amai vake, uye vamwe vachienda. Misodzi iri mumaziso ake, aisagona kutsunga kuvaona vachienda vasinaye, naizvozvo akakwira chitima, uye akaenda kuFrance! Rita haana kuziva kuti izvi zvakanga zvaitika. Asi ipapo pakokorodzano, akashamisika zvakadini apo akaona Dolores, achinyemwerera zvikuru!
Fundo yeBhaibheri Isiri Yenguva Dzose
Hatigoni kupfiga iyi nhoroondo yomugove wedu wokuMadrid tisingabatanidzi Don Benigno Franco, “el profesor.” Chimwe Chapupu chomunzvimbomo chakanditora kuti tishanyire murume ati kwegurei aigara nomudzimai wake muimba yefurati yakaderera zvikuru. Ndakatanga fundo yeBhaibheri naye. Pashure pokufunda kwerinenge gore nehafu, akakumbira kubhapatidzwa ndokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Uyu murume ati kwegurei, Don Benigno Franco, akanga ari hama yokunyama yaFrancisco Franco, mutongi anodzvinyirira weSpain panguva iyeyo. Kunoratidzika kuti Don Benigno akanga ari munhu anoda rusununguko nguva dzose. Mukati meHondo Yavagari Vemo yeSpain, ainzwira tsitsi vaRepublic uye achipesana nehama yake yokunyama—mutungamiriri wehondo akakunda hondo yacho ndokutanga utongi hwokudzvinyirira hwechiKaturike. Chibviro cha 1939, Don Benigno akanyimwa kodzero yokushanda, uye akaganhurirwa kuzvokurarama nazvo zvishomanene zvikuru. Naizvozvo kwakaitika kuti hama yokunyama yaGeneralissimo Francisco Franco, mutungamiriri wemauto anodzvinyirira weSpain, vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Kukokwa Kusingakarirwi
Muna 1965 hofisi yebazu yeSpain yakatikoka kuti tivambe kufamba mubasa remudunhu muBarcelona. Ikoku kwakareva kusiya hama dzose dzine rudo dzatakanga taswedera pedyo zvikuru nadzo muMadrid. Zvino takanga tichizovamba kwete bedzi ruzivo rwokuzviwanira rutsva asiwo, nokuda kwangu, muedzo. Chiitiko chacho chakanga chichityisa nemhaka yokuti ndakanga ndanguve ndisina chokwadi namano angu. Ndinosanoziva zvikuru kuti akanga ari Jehovha akandigonesa kuva anobudirira muurwu rutivi rwebasa.
Kushanyira ungano vhiki imwe neimwe kwaireva kugara mumisha yehama. Taisava nepokugara pechigarire, uye dzinoda kuva vhiki mbiri dziri dzose, taitamira kune mumwe musha. Ikoku kwakaoma zvikurukuru nokuda kwomukadzi. Asi nokukurumidza José naRoser Escudé, vaigara muBarcelona, vakatikoka kuti tigare navo kwamazuva akati panguva imwe. Ikoku kwaiva kworudo zvikuru kwavari, nokuti kwakareva kuti taizova nenzvimbo yechigarire yokuchengetera zvinhu zvedu nenzvimbo yenguva dzose yokuenda kumusha pamanheru eSvondo.
Rita neni takapedza makore mana akatevera tiri mubasa redunhu muruwa rweCatalonia, rwuri paMediterranean Coast. Misangano yedu yose yeBhaibheri yaiitwa muchivande mumisha yavanhu, uye kuparidza kwedu paimba neimba kwaiitwawo nokungwarira zvokuti taisazokweva ngwariro. Pane dzimwe nguva taiva neungano yose pamwe chete paSvondo nokuda kwe“pikiniki” musango, zvikurukuru pakuita gungano redunhu.
Tichagaroyemura hama dzomudzimu dzakawanda dzakazvitsaurira dzaiisa mabasa adzo norusununguko mungozi, dzichizvishandisa dzimene kuti ungano dzirambe dzakabatana uye dzichishingaira. Vakawanda vavo vakatungamirira mukutambanudzira basa mumataundi aiva kunze kweguta. Ikoku kwakaumba hwaro hwewedzero huru muSpain pashure pokunge rambidzo yabviswa uye rusununguko rworudzidziso rwapiwa muna 1970.
Kufanira Kusiya Mugove Wedu Wokumwe
Mukati memakore edu gumi muSpain, kufarikanya kwedu ichi chikomborero chaicho chokubatira Jehovha chakanga chavhiringidzwa namamiriro ezvinhu avabereki vedu. Panhambo dzinoverengeka, taidokufanira kusiya mugove wedu ndokudzokera kumusha kuti tinotarisira amai vangu nababa. Zvisinei, nemhaka yehama nehanzvadzi dzine rudo dzaiva muungano dzaiva pedyo navabereki vangu, takakwanisa kupfuurira muSpain. Hungu, ropafadzo yokubatira makore iwayo mubasa roufundisi yakatibvirira nemhaka yavamwe vakatora rutivi nesu mukuisa fariro dzoUmambo hwaMwari pakutanga.
Pakupedzisira, muna December 1968, takaenda kumusha kuti tinotarisira amai vangu. Mwedzi iwoyo umene baba vangu vakafa, uye amai vangu zvino vakanga vasiyiwa vari voga. Tichiri vakasununguka zvikuru kubatira munguva yakazara, takagamuchira mugove wokubatira mubasa redunhu, asi panguva ino muUnited States. Kwamakore 20 akatevera, takabatira matunhu echiSpanish. Kunyange zvazvo takanga tarasikirwa neparera redu roufundisi roukoshi hukuru zvikuru, takava nerimwe rakaiswa mumaoko edu.
Kuparidza Pakati Pemirimo Namasimba Masimba
Zvino takanga tave kubata pamwe chete nehama nehanzvadzi dzakawanda dzakanga dzichirarama mumativi emaguta azere noutsotsi. Chokwadika, vhiki yokutanga imene mubasa redunhu muBrooklyn, New York, Rita akabvutirwa bhegi rake.
Pane imwe nhambo Rita neni taiva neboka tiri mubasa rokuparidza paimba neimba muchimwe chikamu cheNew York City. Tichitenderera pane imwe kona, takacherekedza vanhu vakaita mudungwe pamberi peburi raiva pachidziro chechivako chakasiyiwa. Sezvatakakanda nhano shomanene tichikwidza nomugwagwa, takacherekedza murume muduku akamira kunofambirwa navanhu akatitarisa. Kwakanga kune mumwe kukona yaiva kure achitarira motokari dzamapurisa. Takanga tapinda pakati pebasa remirimo! Murindi wokutanga akatyiswa, asi ipapo akaona magazini yeNharireyomurindi uye akanzwa zviri nani. Pashure pezvose, ndaigona kuve ndiri mukuru wamapurisa! Ipapo akadanidzira nechiSpanish, kuti: “¡Los Atalayas! ¡Los Atalayas!” (maWatchtower! maWatchtower!). Vaiziva kuti taiva vanaani, vachitiziva namagazini uye chinhu chiri chose chakanga chakanaka. Sezvandakapfuura pedyo naye, ndakati, “¿Buenos dias, como está (Mangwanani akanaka, makadii?) Akapindura nokundikumbira kuti ndimunyengeterere!
Chisarudzo Chakaoma
Muna 1990 kwakava pachena kuti ndaitofanira kuva naamai vangu zuva riri rose. Takanga taedza zvakaoma kuramba tiri mubasa rokufambira, asi uchenjeri hwakarayira kuti kwakanga kusingabviri kuita misengwa yose iri miviri. Zvirokwazvo taida kuva nechokwadi chokuti Amai vaitarisirwa nenzira yorudo. Asi zvakare takanga tichifanira kurega parera roukoshi hukuru zvikuru, chimwe chinhu chaikosha zvikuru kwatiri. Matombo chaiwoiwo ose anokosha ari munyika uye zvose zvaanogona kuitira munhu zviduku zvikuru mukuenzaniswa noukoshi hwokubatira somufundisi kana kuti semutariri anofambira musangano raJehovha.
Rita neni zvino tava mumakore omuma 60 ezera. Tinogutsikana zvikuru uye tinofarikanya kubata neungano yomunzvimbomo yechiSpanish. Sezvatinorangarira makore edu ose mubasa raJehovha, tinomuonga nokutironzesa namaparera oukoshi hukuru zvikuru.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ndiina Rita naPaul naEvelyn Hundertmark kunze kwenhandare munorwira handira meMadrid
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kubatira ungano pa“pikiniki” musango