Rambai Muchiita Basa Rokukohwa!
“Vanodyara nemisodzi vachakohwa nomufaro.”—PISAREMA 126:5.
1. Nei tichi‘kumbira Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi’ nhasi?
PASHURE porwendo rwaJesu rwokuparidzira rwechitatu kuGarireya, akaudza vadzidzi vake kuti; “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma.” (Mateu 9:37) Ndiwo mamiriro akanga akaitawo zvinhu kuJudhiya. (Ruka 10:2) Sezvo izvozvo zvaiva zvechokwadi anenge makore 2 000 apfuura, nhasi zvimire sei? Mugore rebasa rapfuura, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 6 000 000 zvakaramba zvichiita basa rokukohwa pakati pevanhu vepasi pose 6 000 000 000, vazhinji vacho vari ku‘batwa zvisina kufanira uye vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.’ Saka kurudziro yaJesu yokuti “kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake” inoshanda nhasi sezvayaiita mazana emakore apfuura.—Mateu 9:36, 38.
2. Chii chinoita kuti ticherechedzwe nevanhu?
2 Jehovha Mwari, Tenzi wokukohwa, akapindura chikumbiro chokutumira vamwe vashandi! Uye zvinofadza zvikuru kubatsirana basa iri rokukohwa riri kutungamirirwa naMwari. Kunyange tiri vashoma kana tichienzaniswa nemarudzi, kushingaira kwedu kuita basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi kunoita kuti nyika yose iticherechedze. Munyika dzakawanda tinotaurwa nezvedu kakawanda muzvinobudisa mashoko. Kurira kwebhero repasuo pamutambo womuterevhizheni kungareva kuti Zvapupu zvaJehovha zvashanya. Hungu, basa redu rechiKristu sevashandi vokukohwa kwokufananidzira rinozivikanwa zvikuru muzana remakore rechi21.
3. (a) Tinoziva sei kuti basa rokuparidza Umambo romuzana remakore rokutanga raicherechedzwa? (b) Nei tingati ngirozi dzinotsigira ushumiri hwedu?
3 Nyika yakacherechedzawo mabasa okuparidza Umambo omuzana remakore rokutanga uye yakatambudza vazivisi vemashoko akanaka. Saka, muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvinoratidzika kwandiri kuti Mwari akatiisa isu vaapostora pakupedzisira pakuratidzirwa sevanhu vakatemerwa kufa, nokuti isu [vaapostora] tava chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo kunyika, nokungirozi, nokuvanhu.” (1 VaKorinde 4:9) Saizvozvowo, kupfuurira kwedu sevazivisi voUmambo pasinei nokutambudzwa kunoita kuti nyika iticherechedze uye kunokosha zvikuru kungirozi. Zvakazarurwa 14:6 inoti: “[Ini muapostora Johani] ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga ine mashoko akanaka asingaperi kuti izivise semashoko anofadza kune avo vanogara pasi, uye kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu.” Hungu, tinotsigirwa nengirozi muushumiri hwedu—basa redu rokukohwa!—VaHebheru 1:13, 14.
‘Vanhu Vanovengwa’
4, 5. (a) Jesu akayambira vadzidzi vake kutii? (b) Nei vashumiri vaJehovha vanhasi vachi“vengwa”?
4 Pakatumwa vaapostora vaJesu sevashandi vokukohwa, vakateerera zvaakarayiridza zvokuti vave “vakangwarira senyoka asi [va]sina mhaka senjiva.” Jesu akawedzera kuti: “Chenjererai vanhu; nokuti vachakuisai kumatare emunzvimbo imomo, uye vachakuzvamburai mumasinagogi avo. Chokwadi, muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, nokuda kwouchapupu kwavari uye nokuna mamwe marudzi. . . . Uye muchavengwa nevanhu vose nemhaka yezita rangu; asi iye anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”—Mateu 10:16-22.
5 Tino“vengwa” nhasi nokuti “nyika yose iri musimba rewakaipa,” Satani Dhiyabhorosi, muvengi mukuru waMwari nevanhu Vake. (1 Johani 5:19) Vavengi vedu vanocherechedza kubudirira kwedu mumudzimu asi havabvumi kuti ndiJehovha anokukonzera. Vanopikisana nesu vanoona zviso zvedu zvinofara nokunyemwerera sezvatinoita basa rokukohwa. Vanoshamiswa nokubatana kwedu! Chaizvoizvo, zvingavasvota kubvuma pavanoshanya kune dzimwe nyika vowana Zvapupu zvaJehovha ikoko zvichiita basa rimwe chetero seravakaona munyika mavo. Chokwadi, tinoziva kuti munguva yakafanira Jehovha, mutsigiri wedu uye anoita kuti tive vakabatana, achaita kuti azivikanwe kunyange nevavengi vedu.—Ezekieri 38:10-12, 23.
6. Tine vimbiso yei sezvatinoita basa rokukohwa, asi mubvunzo upi unomuka?
6 Tenzi wokukohwa akapa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, “simba rose kudenga nepasi pano.” (Mateu 28:18) Saka Jehovha anoshandisa Jesu kutungamirira basa rokukohwa achishandisa ngirozi dzokudenga no“muranda akatendeka akangwara” akazodzwa ari pasi pano. (Mateu 24:45-47; Zvakazarurwa 14:6, 7) Asi tingaita sei patinopikiswa nomuvengi uku tichiramba tichifara sezvatinoramba tichiita basa rokukohwa?
7. Tinofanira kuedza kuramba tiine mafungiro api patinopikiswa kana kutambudzwa?
7 Patinopikiswa kunyange kana kutambudzwa chaiko, ngatitsvakei kubatsirwa naMwari kuitira kuti tirambe tiine mafungiro akaita seaiva naPauro. Akanyora kuti: “Patinenge tichitukwa, tinokomborera; patinenge tichitambudzwa, tinotsungirira; patinenge tichireverwa zvakaipa, tinoteterera.” (1 VaKorinde 4:12, 13) Mafungiro aya, akasangana noushumiri hwedu hwounyanzvi, dzimwe nguva anochinja mafungiro evanotipikisa.
8. Chivimboi chaunowana mumashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 10:28?
8 Kunyange kutyisidzirwa norufu hakuiti kuti tirege kushingaira sevashandi vanokohwa. Tinozivisa shoko roUmambo tisingatyi pachena sezvinobvira. Uye tinokurudzirwa nemashoko aJesu anopa chivimbo anoti: “Musatya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya; asi ityai iye anogona kuparadza mweya nomuviri muGehena.” (Mateu 10:28) Tinoziva kuti Baba vedu vokudenga ndivo Mupi woupenyu. Anopa mubayiro vaya vanoramba vakavimbika kwaari uye vanoramba vachiita basa rokukohwa nokutendeka.
Shoko Rinoponesa Upenyu
9. Vamwe vakadavidza sei kumashoko aEzekieri, uye zvinhu zvakadaro zviri kuitika sei nhasi?
9 Apo muprofita Ezekieri akazivisa noushingi mashoko aJehovha ku“marudzi anomukira simba”—umambo hwaIsraeri nehwaJudha—vamwe vanhu vakafadzwa nokunzwa zvaaitaura. (Ezekieri 2:3) Jehovha akati: “Tarira, iwe wakaita kwavari sorwiyo rworudo runoimbwa nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo.” (Ezekieri 33:32) Kunyange zvazvo vaida mashoko aEzekieri, havana kuita chimwe chinhu nezvawo. Chii chiri kuitika nhasi? Apo vasara vakazodzwa neshamwari dzavo vanozivisa noushingi shoko raJehovha, vamwe vanoda kunzwa nezvezvikomborero zvoUmambo, asi havaratidzi kuzvikoshesa voita vadzidzi, vobatana nevamwe mubasa rokukohwa.
10, 11. Muchikamu chokutanga chezana remakore rechi20, chii chakaitwa kuzivisa shoko redu rinoponesa upenyu, uye zvakaguma nei?
10 Ukuwo, vazhinji vakabvuma basa rokukohwa uye vakazivisawo mashoko aMwari. Somuenzaniso, mukokorodzano dzechiKristu dzakatevedzana, kubva muna 1922 kusvika muna 1928, kutongwa kwenyika yaSatani yakaipa kwave kuchinzwika zvakajeka. Nhepfenyuro dzeredhiyo dzakabudisa mashoko okushora aya akapiwa pamagungano iwayo. Pashure pacho, vanhu vaMwari vakaparadzira mamiriyoni emakopi akadhindwa.
11 Mukunopera kwema1930, imwe nzira yokupupurira yakatangwa—kufora nemashoko. Pakutanga, vanhu vaJehovha vaisungirira makadhi aizivisa hurukuro dzavose. Gare gare, vaitakura makadhi aive nemashoko akadai sokuti “Chitendero musungo uye chinonyengera” uye “Shumira Mwari naKristu Mambo.” Pavaifora nomumigwagwa, vaiita kuti vari kupfuura vavacherechedze. ‘Izvi zvakaita zvakawanda kuti Zvapupu zvaJehovha zvizivikanwe zvikuru uye zvishinge,’ yakadaro imwe hama yaiitawo basa iri nguva dzose mumigwagwa yomuLondon, kuEngland.
12. Kuwedzera kumashoko aMwari okutonga, chii chimwe chatanga tichisanganisira muushumiri hwedu, uye ndivanaani zvino vakabatana mukuparidza mashoko acho akanaka?
12 Sezvatinozivisa mashoko aJehovha okutonga, tinosanganisirawo zvimwe zvinofadza zviri mushoko roUmambo. Kupupura kwedu tisingatyi munyika yose kunotibatsira kutsvaka vakafanira. (Mateu 10:11) Vazhinji vokupedzisira veboka revakazodzwa vakabvuma pakadanidzirwa pachidiwa vashandi vokukohwa mumakore ema1920 nema1930. Ipapo, pane imwe kokorodzano muna 1935, kwakauya mashoko anofadza enguva yemberi ine zvikomborero ku“boka guru revanhu” ve“mamwe makwai” muparadhiso pasi pano. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Vakateerera mashoko aMwari okutonga uye vakabatana nevakazodzwa mukuparidzira mashoko akanaka anoponesa upenyu.
13, 14. (a) Inyaradzo yorudzii ingawanikwa muna Pisarema 126:5, 6? (b) Tikaramba tichidyara nokudiridzira chii chichaitika?
13 Chinonyaradza zvikuru vashandi vokukohwa vaMwari, uye zvikurukuru vaya vanotambudzwa, mashoko ari pana Pisarema 126:5, 6 anoti: “Vanodyara nemisodzi vachakohwa nomufaro. Unofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, uchadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.” Mashoko akataurwa nomunyori wepisarema nezvokukusha nokukohwa anoenzanisira kutarisira uye chikomborero chaJehovha pavakasara vakadzoka kubva kuutapwa muBhabhironi. Vakafara zvikuru nokusunungurwa kwavo, asi vangava vakachema pavaidyara mbeu mugura rakanga risina kurimwa kwemakore avo 70 omuutapwa. Zvisinei, vaya vakapfuurira nemabasa avo okudyara nokuvaka vakazova nezvibereko uye kugutsikana kubva mubasa ravo.
14 Tingasvimha misodzi patinenge tiri mumuedzo uye kana isu kana kuti mumwe mutendi anotambudzwa nokuda kwokururama. (1 Petro 3:14) Mubasa redu rokukohwa, tingava nenguva yakaoma pakutanga nokuti tinoita setisina chatakaita chakabudirira muushumiri. Asi kana tikaramba tichidyara nokudiridza, Mwari achaita kuti zvinhu zvikure, kazhinji kacho zvatanga tisingambotarisiri. (1 VaKorinde 3:6) Izvi zvinonyatsoenzanisirwa nemigumisiro yokuparadzira kwatinoita maBhaibheri nemabhuku anotaura zviri muMagwaro.
15. Ipa muenzaniso wokushanda kunoita mabhuku echiKristu mubasa rokukohwa.
15 Chimbofunga nezvomuenzaniso womumwe murume anonzi Jim. Pakafa amai vake, akawana pakati pezvinhu zvavo bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?a Akariverenga nomufaro. Mukukurukurirana nomumwe weZvapupu zvaJehovha akauya kuzotaura naye mumugwagwa, Jim akabvuma kushanyirwa, izvi zvikatungamirira kuchidzidzo cheBhaibheri. Jim akakurumidza kufambira mberi muzvinhu zvokunamata, akazvitsaurira kuna Jehovha, uye akabhabhatidzwa. Akaudza vamwe vomumhuri yake nezvezvaakanga adzidza. Somugumisiro, hanzvadzi yake nomukoma wake vakava Zvapupu zvaJehovha, uye Jim akazova neropafadzo yokushanda basa renguva yakazara rokuzvipira paBheteri muLondon.
Kutambudzwa asi Tichifara
16. (a) Nei basa rokukohwa rave riri kubudirira? (b) Jesu akanyevera nezvei pamusoro pezvaizoitwa nemashoko akanaka, asi isu tinosvika pavanhu nemafungiro akadini?
16 Nei basa rokukohwa rave richibudirira zvakadaro? Nokuti vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo vakateerera mirayiridzo yaJesu yokuti: “Zvandinokuudzai murima, taurai muchiedza; uye zvamunonzwa zvichiitwa zevezeve, paridzai muri pamusoro pedzimba.” (Mateu 10:27) Zvisinei, tinogona kutarisira matambudziko, nokuti Jesu akayambira kuti: “Mukoma achaisa munun’una kurufu, uye baba mwana wavo, uye vana vachamukira vabereki vachivaita kuti vaurawe.” Jesu akaenderera mberi achiti: “Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare pasi pano; ndakauya kuzounza, kwete rugare, asi bakatwa.” (Mateu 10:21, 34) Jesu akanga asina chinangwa chokuparadza dzimba. Asi mashoko akanaka dzimwe nguva aiita izvozvo. Izvozvo ndizvo zvinoitikawo kuvashumiri vaMwari nhasi. Patinoshanyira mhuri, hachisi chinangwa chedu kudziparadzanisa. Chido chedu kuti munhu wose agamuchire mashoko akanaka. Saka, tinoedza kutaura nevanhu vose vomumhuri nenzira yomutsa nokunzwira tsitsi inoita kuti shoko redu rifadze vaya ‘vanoda upenyu husingaperi.’—Mabasa 13:48.
17. Vaya vanotsigira uchangamire hwaMwari vanosiyana sei nevamwe, uye ndoupi muenzaniso mumwe chete weizvi?
17 Shoko roUmambo rakaita kuti vaya vanotsigira uchangamire hwaMwari vasiyane nevamwe. Somuenzaniso, chimbofunga nezvokusiyana nevamwe kwakanga kwakaita vamwe vatinonamata navo nechikonzero chokuti vaka‘dzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari’ mumazuva eNational Socialism muGermany. (Ruka 20:25) Kusiyana nevatungamiriri vezvitendero nevaKristu vezita vanopinda chechi dzechiKristudhomu, vashumiri vaJehovha vakamira vakasimba, vachiramba kuputsa nheyo dzeBhaibheri. (Isaya 2:4; Mateu 4:10; Johani 17:16) Purofesa Christine King, munyori webhuku rinonzi The Nazi State and the New Religions, akati: “Vakangokundikana kudzorwa nehurumende [yeNazi] vaive Zvapupu chete, nokuti kunyange zvazvo vakanga vauraya zviuru zvazvo, basa racho rakaramba richipfuurira uye muna May 1945 sangano reZvapupu zvaJehovha rakanga richiripo, asi National Socialism yakanga isisiko.”
18. Vanhu vaJehovha vanoratidza mafungiro akaita sei pasinei nokutambudzwa?
18 Chinonyanya kucherechedzwa mafungiro anoratidzwa nevanhu vaJehovha pavanotarisana nokutambudzwa. Nepo vakuru vakuru venyika vangaororwa nokutenda kwedu, vanoratidza kushamiswa nokusaratidza ruvengo kwatinoita. Somuenzaniso, Zvapupu zvakapukunyuka kuparadza kweNazi zvinowanzotaura nezvomufaro wazvo nokugutsikana sezvazvinorangarira zvazvakasangana nazvo. Zvinoziva kuti Jehovha akazvipa “simba rinopfuura romuzvarirwo.” (2 VaKorinde 4:7) Vakazodzwa vari pakati pedu vane chivimbo chokuti ‘mazita avo akanyorwa kumatenga.’ (Ruka 10:20) Kutsungirira kwavo kunobereka tariro isingatungamiriri kukuodzwa mwoyo, uye vashandi vokukohwa vakatendeka vane tariro yokurarama pasi pano vane chivimbo saichochowo.—VaRoma 5:4, 5.
Tsungirira Mubasa Rokukohwa
19. Mitoo ipi inobudirira yave ichishandiswa muushumiri hwechiKristu?
19 Zvokuti Jehovha achatibvumira kuramba tichiita basa rokukohwa kwokufananidzira kwenguva yakadini hatisati taziva. Pari zvino, tinofanira kuziva kuti vakohwi vane mitoo chaiyo yavanoita nayo basa ravo. Saizvozvowo, tinogona kuva nechokwadi kuti kutendeka kwedu mukushandisa nzira dzokuparidza nadzo dzakaongororwa dzikaedzwa kucharatidza kuti dzinoshanda. Pauro akaudza vamwe vaKristu kuti: “Ndinokutetererai, kuti muve vatevedzeri vangu.” (1 VaKorinde 4:16) Pakasangana Pauro nevakuru veEfeso paMireto, akavayeuchidza kuti haana kunge arega kuvadzidzisa “pachena uye pamba nemba.” (Mabasa 20:20, 21) Shamwari yaPauro Timoti akanga adzidza mitoo yaishandiswa nevaapostora uye akanga okwanisa kuita kuti vaKorinde vajairane nayo. (1 VaKorinde 4:17) Mwari akakomborera mitoo yaPauro yokudzidzisa, sezvaachakomborerawo kupfuurira kwedu kuparidza mashoko akanaka pachena pamba nemba, pakushanyazve, pakuita zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha, uye pose panowanikwa vanhu.—Mabasa 17:17.
20. Jesu akaratidza sei kuti basa guru rokukohwa rakanga rasvika, uye izvi zvaratidza sei kuva zvechokwadi mumakore achangopfuura?
20 Apupurira mumwe mukadzi weSamariya pedyo neSikari muna 30 C.E., Jesu akataura nezvokukohwa kwomudzimu. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa. Nechekare mukohwi ari kugamuchira mubayiro nokuunganidza zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuti mudyari nomukohwi vafare pamwe.” (Johani 4:34-36) Zvichida Jesu akanga atoona kare kuti kuonana kwake nomukadzi weSamariya kwaive kwaguma sei, nokuti vakawanda vakaisa kutenda maari nokuda kwezvakanga zvapupurirwa nomukadzi wacho. (Johani 4:39) Mumakore achangopfuura, nyika dzakasiyana-siyana dzakabvisa mitemo yairambidza Zvapupu zvaJehovha kana kuti dzakazvibvumira kuti zvizivikanwe zviri pamutemo, nokudaro zvichiita kuti pave neminda mitsva yokukohwa. Mugumisiro wacho ndewokuti kukohwa kwomudzimu kukuru kuri kuitika. Chaizvoizvo, munyika yose, zvikomborero zvakawanda zviri kuwanikwa sezvatinoramba tichiita basa rokukohwa mumudzimu.
21. Nei tiine chikonzero chokupfuurira sevashandi vokukohwa vanofara?
21 Kana zvirimwa zvaibva uye zvagadzirira kukohwewa, vashandi vanofanira kushanda zvokukurumidzira. Vanofanira kushanda pasina kunonoka. Nhasi, tinofanira kushanda zvakaoma uye nepfungwa yokukurumidzira nokuti tiri kurarama mu“nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4) Hungu, tinosangana nemiedzo, pane kukohwewa kukuru kwevanamati vaJehovha zvisati zvakamboitwa. Saka rino izuva rokufara. (Isaya 9:3) Nokudaro, sevashandi vanofara ngatirambe tichiita basa rokukohwa!
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa uye rinoparadzirwa neZvapupu zvaJehovha.
Ungapindura Sei?
• Tenzi wokucheka ave achipindura sei chikumbiro chokuti pave nevamwe vashandi?
• Kunyange zvazvo tichi“vengwa” tinoramba tiine mafungiro api?
• Nei tichifara kunyange zvedu tichitambudzwa?
• Nei tichifanira kuramba tichiita basa rokukohwa nepfungwa yokukurumidzira?
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Vaya vari mubasa rokukohwa kwomudzimu vanotsigirwa nengirozi
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kufora nemashoko kwakaita kuti shoko roUmambo richerechedzwe nevakawanda
[Mufananidzo uri papeji 18]
Tinosima nokudiridzira, asi Mwari anokurisa