Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Jehovha akaita sungano yake naAbrahamu kuUri here kana kuti kuHarani?
Nhoroondo yokutanga-tanga yokuita kwaJehovha sungano naAbrahamu inowanika pana Genesi 12:1-3, iyo inoti: “Jehovha wakati kuna Abrama: ‘Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo; ndichakuita rudzi rukuru . . . Marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.’”a Jehovha angave akaita sungano iyi naAbrahamu paaive kuUri ndokuzoisimbisazve Abrahamu paakanga ava kuHarani.
Muzana remakore rokutanga, Stefani akataura nezvomurayiro waJehovha waiti Abrahamu aifanira kutamira kuKenani. Achitaura kuSanihedhrini, akati: “Mwari wembiri akaoneka kuna tateguru wedu Abrahamu paakanga ari kuMesopotamiya, asati agara muHarani, uye akati kwaari, ‘Buda munyika yako nokuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’” (Mabasa 7:2, 3) Chaizvoizvo Abrahamu aibva kuUri, uye sezvakaratidzwa naStefani, ndiko kwaakatanga kunzwa murayiro wokuenda kuKenani. (Genesi 15:7; Nehemia 9:7) Stefani haana kutaura sungano yaMwari naAbrahamu, asi pana Genesi 12:1-3, sungano iyoyo ine chokuita nomurayiro wokuenda kwake kuKenani. Saka zvine musoro kudavira kuti Jehovha akaita sungano iyoyo naAbrahamu kuUri.
Zvisinei, kunyatsoverenga nhoroondo iri muna Genesi kunoratidza kuti Jehovha akataurazve sungano yake kuna Abrahamu muHarani, sokudzokorora kwaakaita achitsanangura zvizhinji zvayaisanganisira kanoverengeka muKenani. (Genesi 15:5; 17:1-5; 18:18; 22:16-18) Maererano naGenesi 11:31, 32, Baba vaAbrahamu, Tera, vakabva kuUri vachienda kuKenani, vaina Abrahamu, Sara, uye Roti. Vakasvika paHarani ndokugara ipapo kusvika Tera afa. Abrahamu akagara muHarani kwenguva yakati rebei zvokutowana pfuma yakati. (Genesi 12:5) Pane imwe nguva, Nahori, munun’una waAbrahamu, akatamirawo ikoko.
Rataura nezvorufu rwaTera, Bhaibheri rinotaura mashoko aJehovha kuna Abrahamu ropfuurira richiti: “Naizvozvo Abrama wakaenda sezvaakaudzwa naJehovha.” (Genesi 12:4) Saka, Genesi 11:31–12:4 inopa pfungwa yakasimba yokuti Jehovha akataura mashoko akanyorwa pana Genesi 12:1-3 pashure porufu rwaTera. Kana zvakadaro, Abrahamu akabva muHarani uye akatamira kunyika yaakanga audzwa naJehovha achiteerera murayiro waakanga achangoudzwa, uyewo waakanga audzwa makore akanga apfuura muUri.
Maererano naGenesi 12:1, Jehovha akarayira Abrahamu kuti: “Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako.” Pane imwe nguva “nyika” yaAbrahamu yaiva Uri, uye “imba” yababa vake yaiva ikoko. Zvisinei, baba vaAbrahamu vakatamisira mhuri yavo kuHarani, uye Abrahamu akadana nzvimbo iyoyo kuti nyika yake. Apedza makore akawanda muKenani, akatuma muranda wake ‘kunyika yake nokuhama dzake’ kuti atsvakire Isaka mukadzi, muranda wacho akaenda “kuguta raNahori” (zvichida kuHarani kana kuti kumwewo pedyo). (Genesi 24:4, 10) Ikoko muranda akawana Ribheka mumwe wehama dzaAbrahamu, womumhuri huru yaNahori.—Genesi 22:20-24; 24:15, 24, 29; 27:42, 43.
Paaitaura neSanihedrini, Stefani akati nezvaAbrahamu: “Baba vake vafa, Mwari akamutamisira kunyika ino yamugere zvino.” (Mabasa 7:4) Izvi zvinoratidza kuti Jehovha akataura naAbrahamu kuHarani. Zvine pfungwa kudavira kuti panguva iyoyo Jehovha akataurazve sungano yake naAbrahamu sezvataurwa pana Genesi 12:1-3, sezvo sungano yakatanga kushanda Abrahamu paakatamira kuKenani. Saka, kuongorora zvose zvinobatanidzwa kunopa mhedziso yokuti Jehovha angave akaita sungano yake naAbrahamu kuUri ndokuzoisimbisazve kuHarani.
[Mashoko Omuzasi]
a Jehovha akachinja zita raAbrama kuva Abrahamu muKenani, Abrahamu paakanga ave nemakore 99.—Genesi 17:1, 5.