Zvevechiduku
Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Nakidzwa nenyaya yacho sowaivapo.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA MATEU 15:21-28.
Waona here kuti amai vacho vainzwa sei?
․․․․․
Mundima dzinotevera unofunga kuti Jesu aitaura nenzwi rakaita sei?
24 ․․․․․ 26 ․․․․․ 28 ․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.
Jesu akaratidza kangani, nezvaakataura uye zvaakaita, kuti akanga asiri kuzoporesa mwanasikana womukadzi wacho?
․․․․․
Pakutanga, nei Jesu akanga asiri kuzomurapa?
․․․․․
Saka nei Jesu akazomurapa?
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kunzwisisa kwaiita Jesu.
․․․․․
Maratidziro aungaita unhu uhwu kune vamwe.
․․․․․
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA MAKO 8:22-25.
Waonei nokunzwei mumusha wacho uye kunze kwawo?
․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.
Unofunga kuti nei Jesu akaenda nomunhu wacho kunze kwomusha asati amurapa?
․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Manzwiro aiita Jesu nezvevakaremara, kunyange iye akanga asati amboremara.
․․․․․
ZVINHU ZVIPI ZVIRI MUNHOROONDO MBIRI IDZI DZEBHAIBHERI ZVAITA KUTI UFUNGE CHIMWE CHINHU, UYE NEI?
․․․․․