Mwari Ndiani?
UNGAPINDURA sei mubvunzo uyu? Vamwe vanofunga kuti vanonyatsoziva Mwari—kuti ishamwari yepedyo. Vamwe vanomuona sezvavanongoita hama yokure. Vanodavira kuti ariko asi vanongoziva zvishoma nezvake. Kana uchitenda kuti kuna Mwari, ungapindura sei mibvunzo iri pasi apa?
1. Mwari munhu chaiyeiye here?
2. Mwari anonzi ani?
3. Jesu ndiMwari Wemasimbaose here?
4. Mwari ane hanya neni here?
5. Mwari anofarira manamatire anoita vanhu vose here?
Kana ukabvunza vamwe mibvunzo iyi, unogona kuwana mhinduro dzakawanda dzakasiyana-siyana. Saka, hazvishamisi kuti pakava nengano nepfungwa dzenhema nezvaMwari.
Mhinduro Dzacho Dzinokosha Zvikuru
Paaitaura nomumwe mukadzi ainamata waakasangana naye patsime, Jesu Kristu akajekesa kuti zvinokosha kuziva chokwadi nezvaMwari. Mukadzi wokuSamariya uyu akabvuma kuti Jesu aiva muprofita. Asi pane zvaimunetsa. Manamatiro aiita Jesu akanga akasiyana neaaiita. Paakataura izvi, Jesu akamuudza pachena kuti: “Imi munonamata chamusingazivi.” (Johani 4:19-22) Zviri pachena kuti Jesu aiziva kuti havasi vanhu vose vanonamata vanonyatsoziva Mwari.
Zvakataurwa naJesu zvinoreva here kuti hapana anogona kunyatsoziva Mwari? Kwete. Jesu akabva audza mukadzi uyu kuti: ‘Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, chokwadi, Baba vari kutsvaka vanhu vakadaro kuti vavanamate.’ (Johani 4:23) Uri mumwe wevanonamata Mwari “nomudzimu nechokwadi” here?
Zvinokosha zvikuru kuti uzive mhinduro dzemibvunzo iyi. Nei? Jesu akajekesa kuti zvinokosha kuziva chokwadi chaicho paainyengetera achiti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Kutaura zvazviri, tariro yako youpenyu husingaperi inobva pakuziva kwaunoita chokwadi pamusoro paMwari!
Zvinonyatsoita here kuziva chokwadi nezvaMwari? Zvinoita chaizvo! Saka ungachiwana sei? Jesu paaitaura nezvake akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Akatiwo: “Kuti Baba ndiani, hapana anoziva kunze kwoMwanakomana, uye munhu uyo Mwanakomana anenge ada kuzarurira.”—Ruka 10:22.
Saka, zvakadzidziswa naJesu, Mwanakomana waMwari, ndizvo zvinogona kutibatsira kuti tinyatsoziva Mwari. Kutaura chokwadi, Jesu akativimbisa kuti: “Kana muchichengeta mashoko angu, muri vadzidzi vangu vechokwadi. Zvino imi muchaziva chokwadi, chokwadi chinokuitai kuti musununguke.”—Johani 8:31, 32, Bhaibheri Rinoera.
Saka Jesu aizopindura sei mibvunzo mishanu iya yambobvunzwa?
[Mufananidzo uri papeji 4]
Unonamata Mwari wausinganyatsozivi here?