Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
Mumwe murume akatanga kusvuta mbanje nefodya achiri muduku akakwanisa sei kuwana simba rokurega izvi? Chii chakaita kuti mumwe aiva muchikwata chaida zvokurwa akwanise kudzora hasha dzake uye arege kuva norusaruraganda? Ona kuti mumwe nomumwe wavo anoti kudii.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: HEINRICH MAAR
MAKORE: 38
NYIKA: KAZAKHSTAN
ZVAKAMBOITIKA: AIVE AKAPINDWA MUROPA NEMBANJE NEFODYA
UPENYU HWANGU KARE: Ndakaberekerwa kumaodzanyemba kwenyika yeKazakhstan, anenge makiromita 120 kubva kuguta rinonzi Tashkent. Nzvimbo iyi inopisa uye inenge yakaoma kana muri muzhizha, kunenge kuine matembiricha anosvika 45°C, uye kana muri muchando matembiricha anoderera kusvika -10°C—mamiriro ekunze akanakira kurima mazambiringa nembanje.
Vabereki vangu vaibva kuGermany. Vaitenda muBhaibheri uye muna Kristu asi vakanga vasingaiti zvavaitenda. Zvisinei, vakandidzidzisa kuti ndikwanise kudzokorora nomusoro munyengetero waBaba Vedu. Pandaiva nemakore 14, amai vangu nehanzvadzi dzangu dzaiva hombe kwandiri vaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pane imwe nguva, ndakanzwa kuti zita raMwari ndiJehovha, zvimwe Zvapupu zviviri pazvaidzidza naamai vangu zvichivaratidza muBhaibheri ravo rekare. Izvozvo zvakandibaya mwoyo. Amai vangu vakarega kudzidza, uye iniwo handina kuzoenderera mberi nokudzidza nezvaMwari. Kunyange zvakadaro, pave paya ndiri kuchikoro, mudzidzisi wedu aigara achitiudza nyaya dzokunyepera dzekaaiti kachechi keZvapupu zvaJehovha. Sezvo ndakanga ndamboenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha nehanzvadzi yangu, ndakaudza mudzidzisi wangu kuti zvaaigara achitiudza zvakanga zviri zvenhema.
Pandakasvitsa makore 15, ndakaendeswa kuLeningrad, yava kunzi St. Petersburg, kuRussia, kunodzidzira basa. Ndakaudza vandaigara navo zvishoma zvandakadzidza nezvaJehovha. Zvisinei, ndakatanga kusvuta. Pandaimboenda kumba kuKazakhstan, zvakanga zviri nyore kwandiri kuti nditenge mbanje, kunyange zvazvo zvakanga zvisingabvumirwi nemutemo. Ndainyanyawo kunwa vodka newaini yaigadzirwa mumisha.
Ndakapedza kudzidzira basa ndokubva ndapinda muuto reSoviet kwemakore maviri. Zvisinei, ndakaramba ndichiyeuka chimwe chokwadi chandakadzidza muBhaibheri pandaiva mudiki. Paimuka mukana, ndaitaura nemamwe masoja nezvaJehovha uye ndaidzivirira Zvapupu paitaurwa nhema pamusoro pazvo.
Pandakapedza basa rechiuto, ndakaenda kuGermany. Pandaiva mukamba yevanhu vanenge vabva kune dzimwe nyika, ndakawana bhuku rinobatsira kudzidza Bhaibheri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Ndakariverenga nomufaro mukuru uye ndakaona kuti zvaraitaura ndezvechokwadi. Zvisinei, ndakatadza kusiya fodya nembanje zvakanga zvandipinda muropa. Papera kanguva ndakanogara pedyo neguta reKarlsruhe. Ikoko ndakasangana nemumwe weZvapupu zvaJehovha, uye akatanga kudzidza neni.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndakanga ndagara ndichifunga kuti Bhaibheri iShoko raMwari. Pashure pokuverenga Bhuku rinobatsira kudzidza Bhaibheri randakawana, ndakabva ndava nechokwadi chokuti Bhaibheri rinopindura mibvunzo yose inokosha muupenyu. Kunyange zvakadaro zvakanditorera nguva refu kuti ndichinje zvandaiita. Pakupedzisira, zano reBhaibheri riri pana 2 VaKorinde 7:1 rakandisvika pamwoyo uye ndakasarudza kuzvichenesa “pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu,” zvichireva kuti ndaifanira kurega mbanje nefodya.
Ndakakwanisa kukurumidza kurega kusvuta mbanje. Asi zvakanditorera mwedzi mitanhatu kuti ndirege kusvuta fodya. Rimwe zuva Chapupu chaindidzidzisa Bhaibheri chakandibvunza kuti, “Chinangwa choupenyu hwako ndechei?” Izvi zvakaita kuti ndinyatsofunga nezvokupindwa kwangu muropa nefodya. Ndakaedza kakawanda kurega kusvuta. Panguva iyi ndakasarudza kunyengetera ndisati ndabata mudzanga pane kuti ndikumbire Mwari ruregerero pave paya. Muna 1993, ndakasarudza zuva randaizorega. Ndichibatsirwa naJehovha, handina kumbobata mudzanga kubva ipapo.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Sezvo ndakarega tsika inopedza mari uye inokuvadza yokuputa mbanje nefodya, utano hwangu hwava nani. Nhasi, ndiri muzvipiri anoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha reGermany. Ndinofara zvikuru kuti ndakadzidza kushandisa uchenjeri hweBhaibheri muupenyu hwangu! Kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri kwakaita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: TITUS SHANGHADI
MAKORE: 43
NYIKA: NAMIBIA
ZVAKAMBOITIKA: AIVA NHENGO YECHIKWATA CHAIDA ZVOKURWA
UPENYU HWANGU KARE: Ndakakurira mumusha wokumaruwa mudunhu reOhangwena riri muNamibia nechokuchamhembe. Vanhu vomumusha uyu vairohwa uye vaiurayiwa muhondo yakarwiwa mudunhu iri kuma1980. Mumusha medu, mukomana ainzi murume chete kana aigona kurwa uye achigona kurova vamwe vakomana. Saka ndakadzidzira kugona kurwa.
Pandakapedza chikoro, ndakaenda kunogara nehanzvadzi yaamai vangu kuSwakopmund taundi riri pedyo negungwa nechokumaodzanyemba. Ndichangosvika, ndakabatana nechikwata chenhubu dzechikomana. Taienda muguta kunzvimbo dzaisadiwa varume vatema, dzakadai semahotera nemabhawa, kuti tingotanga zvekurwa. Kakawanda tairwa nemagadhi nemapurisa. Usiku hwega hwega ndaitakura banga refu rakapinza, ndakagadzirira kurwisa chero munhu upi aingondidenha.
Umwe usiku patairwa nechimwe chikwata chaikwikwidza, ndakapotsa ndaurayiwa. Mumwe munhu wechikwata chatairwisa akauya necheseri kwangu uye akanga ava kuda kundidambura musoro paakarohwa akafenda nemumwe wemuchikwata changu. Pasinei nokuti apa ndakapotsa ndafa, ndakaramba ndichida kwazvo zvokurwa. Pandainetsana chero naani zvake, murume kana mukadzi, ndini ndaitanga kurova munhu wacho.
KUCHINJWA KWANDAKAITWA NEBHAIBHERI: Pandakatanga kusangana nemumwe weZvapupu zvaJehovha, mukadzi wacho akandiverengera ndima kubva muPisarema 37 uye akabva andiudza kuti bhuku remuBhaibheri reZvakazarurwa rine zvimwe zvinhu zvarakavimbisa zvinoshamisa nezveremangwana. Asi sezvo asina kutaura kuti zvinhu izvi zvinowanika papi mubhuku racho, ndakabata Bhaibheri ndikaverenga bhuku rose reZvakazarurwa usiku ihwohwo. Ndakafarira chimwe chinhu chakavimbiswa chandakaverenga pana Zvakazarurwa 21:3, 4 chinoti “rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” Zvapupu zvacho pazvakadzoka, ndakabvuma kudzidza Bhaibheri.
Zvakanga zvakandiomera kuchinja mafungiro nemaitiro angu. Asi ndakadzidza kubva pana Mabasa 10:34, 35 kuti “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” Ndakaedzawo kwazvo kushandisa VaRoma 12:18 inoti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.”
Kuwedzera pakudzidza kudzora hasha dzangu, ndaifanirawo kurega fodya iyo yainge yakandipinda muropa. Ndaiwanzonyengetera kuna Jehovha ndiine misodzi mumaziso kuti andibatsire. Asi pakutanga zviri pachena kuti ndaiita zvinhu nenzira isiri iyo, ndaizviudza kuti ndava kusvuta mudzanga wangu “wokupedzisira” ndadaro ndaibva ndazonyengetera. Chapupu chakandidzidzisa Bhaibheri chakandibatsira kuona kukosha kwokunyengetera ndisati ndatora mudzanga. Ndaifanirawo kusava pedyo nevanhu vaisvuta. Uyewo ndakatevedzera zano rokutaura nevandinoshanda navo nezvezvakaipira kusvuta. Izvi zvakandibatsira zvikuru, nokuti zvakaita kuti ndisawane midzanga yemahara—vamwe vokubasa vaisvuta vakanga vasisachandipi midzanga.
Pakupedzisira, ndakakwanisa kurega kusvuta uye ndakarega aimbova mararamiro angu. Kwapera mwedzi mitanhatu ndichidzidza uye ndichishandisa zvinotaurwa neBhaibheri, ndakakwanisa kubhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndakava nechokwadi chokuti chitendero cheZvapupu zvaJehovha ndicho chechokwadi pandakaona kuti zvinodanana pasinei nerudzi kana ruvara rweganda. Kunyange pandakanga ndisati ndabhabhatidzwa kuti ndive Chapupu, mumwe murungu aipinda neimwe ungano akandikoka kumba kwake kuti ndizodya naye. Zvaiita kunge kurota chaiko. Handina kumbenge ndagara pasi murugare nomurungu, ndoda kuzodya naye mumusha make. Iye zvino ndakanga ndava mumwewo wehama dzinodanana zvechokwadi dziri munyika yose.
Kare, magadhi nemapurisa akanga amboedza kundimanikidza kuti ndichinje mafungiro angu nezviito, asi havana kubudirira. Bhaibheri chete ndiro raiva nesimba rokundibatsira kuchinja unhu hwangu uye kuti ndive munhu anofara.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
“Ndaiwanzonyengetera kuna Jehovha ndiine misodzi mumaziso kuti andibatsire”