Zvevechiduku
Mwari Haasaruri
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.
Vanhu vanonyanya kutaurwa: Koneriyasi naPetro
Nyaya yacho muchidimbu: Petro anotevedzera Mwari asingasaruri, nokuparidzira Koneriyasi weMamwe Marudzi.
1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA MABASA 10:1-35, 44-48.
Rondedzera zvaunofunga kuti ndizvo zvakaita Koneriyasi.
․․․․․
․․․․․
Unofunga kuti Koneriyasi ari kunzwa sei paari kutaura nengirozi sezvakanyorwa mundima 3 kusvika ku6?
․․․․․
Unofunga kuti Koneriyasi nevashandi vake vaitaurei sezviri mundima 7 uye 8?
․․․․․
2 DZAMISA PFUNGWA.
Sei mufananidzo wakaratidzwa Petro mundima 10 kusvika ku16 wakanga wakakodzera? (Zvingangokubatsira: Funga makuriro ake somuJudha, sezvinotaurwa mundima 14.)
․․․․․
Unoona Koneriyasi ari munhu ane unhu hwakaita sei mundima 25? Sei zvaisava nyore kuti munhu ane chinzvimbo chakadaro ave nounhu hwakadai? (Zvingangokubatsira: Ona ndima 1.)
․․․․․
Uchishandisa zvokutsvakurudza zvaunazvo, tsvaka uone kuti boka remauto rokuItari raitungamirirwa naKoneriyasi rainge rakakura sei.
․․․․․
Sei kutendeuka kwakaitwa naKoneriyasi kwaikosha? ________
․․․․․
3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kukosha kwokushandisa mifananidzo.
․․․․․
Kusasarura kunoita Mwari.
․․․․․
Zvaungaita kuti uve munhu asingasaruri.
․․․․․
4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
․․․․․
KANA USINA BHAIBHERI, KUMBIRA ZVAPUPU ZVAJEHOVHA, KANA KUTI VERENGA PAINDANETI www.watchtower.org