Bhokisi Remibvunzo
◼ Chii chatinogona kuita kubatsira kuvandudza kubudirira kwemisangano yedu?
Vamwe vangarangarira kuti vakuru navabatiri vanoshumira ndivo bedzi vane mutoro wokubudirira kwemisangano nemhaka yokuti vanoiitisa uye vanoita akawanda amativi ayo. Chaizvoizvo, tose zvedu tinogona kubatsira somunhu oga kuva nemisangano inofadza neinobetsera. Tinogona kubatsira kuita kuti misangano ive inobudirira zvikuru munzira gumi dzinotevera:
Gadzirira pachine nguva mberi. Patinogadzirira zvakanaka, misangano yacho inobata fariro yedu. Apo isu tose tinoita ikoku, misangano yacho inova mipenyu zvikuru uye inovaka zvikuru. Pinda nguva dzose. Vanopinda vakawanda vanokurudzira zvikuru kune wose aripo, kuchisimbisa kuonga kukosha kwokupinda. Svika nenguva. Kana tikagara purogiramu isati yatanga, tinogona kukumbanira murwiyo rwokuzarura nomunyengetero nokudaro ndokugamuchira betsero yakazara mumusangano wacho. Uya wakagadzirira zvakanaka. Kupfurikidza nokuunza Bhaibheri redu nechinyorwa kana kuti zvinyorwa zvinoshandiswa mukati momusangano, tinogona kutevera ndokunzwisisa zviri nane zviri kukurukurwa. Dzivisa zvinotsausa. Tingaterera zviri nane apo tinogara mberi. Kuzevezera nokunyanyoenda kuchimbudzi zvinogona kuparira isu navamwe kurasikirwa nokupa ngwariro. Iva mutori rutivi. Apo vazhinji vedu tinosimudza maoko edu ndokutsinhira, vazhinji vanokurudzirwa ndokuvakwa namashoko okutenda. Ita tsinhiro pfupi. Ikoku kunopa vakawanda savanobvira mukana wokugoverana. Tinofanira kuganhurira tsinhiro dzedu pfupi kumashoko ari kufundwa. Ita migove. Savadzidzi muChikoro Chousumiri Choubati Ushe hwaMwari kana kuti savatori rutivi paMusangano Webasa, gadzirirai zvakanaka, dzokororai pachine nguva mberi, uye edzai kusarega mugove wenyu. Rumbidza vatori rutivi. Udza vamwe kuti nhamburiko dzavo dzinoongwa zvikuru sei. Izvi zvinovavaka uye zvinovasunda kuita zvinotova nane munguva yemberi. Kurudziranai. Kwaziso dzomutsa nekurukurirano dzinovaka pamberi nepashure pemisangano zvinowedzera mufaro nebetsero zvatinowana mukupinda misangano.