“Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
1 Nyika yakatipoteredza iri murima mutsika nomumudzimu. Chiedza chechokwadi chinofumura “mabasa asina zvibereko” erima kuitira kuti zvigumbuso izvi zvinouraya zvigone kudziviswa. Saka, muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti: “Rambai muchifamba sevana vechiedza.”—VaEf. 5:8, 11.
2 “Zvibereko zvechiedza” zvakasiyana zvikuru nerima renyika. (VaEf. 5:9) Kuti tibereke zvibereko izvi zvinoda kuti isu tive mienzaniso inopenya mukurarama kwechiKristu, rudzi rwevanhu runotenderwa naJesu. Tinofanirawo kuratidza unhu hwakadai sokuva vemwoyo wose, vepachokwadi, uye vanofarira zvikuru chokwadi. Zvibereko izvi zvinoda kuratidzwa muupenyu hwedu hwemazuva ose uye muushumiri hwedu.
3 Penya Pamukana Wose: Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu.” (Mat. 5:16) Mukutevedzera Jesu, tinoratidza chiedza chaJehovha nokuparidza nezvoUmambo hwaMwari nezvinangwa zvake. Tinopenya sezvivheneko patinoshanyira misha yevanhu uye patinoparadzira chokwadi kubasa, kuchikoro, kuvavakidzani vedu, kana kuti chero kupi zvakwo kwatine mukana wacho.—VaF. 2:15.
4 Jesu akati vamwe vaizovenga chiedza. (Joh. 3:20) Saka hatiori mwoyo kana voruzhinji vachiramba kupenyerwa “nokuvhenekera kwemashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu.” (2 VaK. 4:4) Jehovha anoziva mwoyo yevanhu uye haadi vaiti vokusarurama pakati pevanhu vake.
5 Patinotevera nzira dzaJehovha ndokuva nechiedza chomudzimu, tinogona kuchiratidza kune vamwe. Kana vakaziva nomufambiro wedu kuti ti“ne chiedza choupenyu,” ipapo ivowo vangakurudzirwa kuti vachinje zvinodiwa kuitira kuti vave vatakuri vechiedza.—Joh. 8:12.
6 Nokubvumira chiedza chedu kuti chipenye, tinoita kuti Musiki wedu arumbidzwe uye tinobatsira vanhu vepachokwadi kusvika pakumuziva uye kuwana tariro youpenyu husingaperi. (1 Pet. 2:12) Zvatiine chiedza, ngatichishandisei kubatsira vamwe kuona nzira yokubuda murima romudzimu ndokubereka mabasa echiedza.