Kubatana kwechiKristu Kwechokwadi—Kunowanikwa Sei?
1 Chii chingabatanidza vanhu vanopfuura mamiriyoni matanhatu vomunyika 234 uye vanotaura mitauro inenge 380? Kunongova kunamata Jehovha Mwari bedzi. (Mika 2:12; 4:1-3) Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsoziva kuti kubatana kwechokwadi kwechiKristu chinhu chaichoicho nhasi. Sezvatiri “boka rimwe” riri pasi po“mufudzi mumwe,” tinotsunga kuramba zvinoitwa nenyika ino zvinoparadzanisa.—Joh. 10:16; VaEf. 2:2.
2 Chinangwa chaMwari chisingakundikani ndechokuti zvisikwa zvakangwara zvibatane mukunamata kwechokwadi. (Zvak. 5:13) Achiziva kukosha kweizvi, Jesu nomwoyo wose akanyengeterera kubatana kwevateveri vake. (Joh. 17:20, 21) Tose tingabatsira sei kuti tibatane muungano yechiKristu?
3 Zvinoita Kuti Kubatana Kuvepo: Kubatana kwechiKristu hakungambovipo kana pasina Shoko raMwari nomudzimu wake. Kushandisa zvatinoverenga muBhaibheri kunoita kuti mudzimu waMwari uuye wakasununguka muupenyu hwedu. Izvi zvinoita kuti ti‘chengete humwe hwomudzimu muchisungo chinobatanidza chorugare.’ (VaEf. 4:3) Zvinoita kuti tishivirirane murudo. (VaK. 3:13, 14; 1 Pet. 4:8) Unosimudzira kubatana nokufungisisa Shoko raMwari zuva nezuva here?
4 Basa redu rokuparidza nokuita vadzidzi rinotibatanidzawo. Patinoshanda nevamwe muushumiri hwechiKristu, ti“chibishairira pamwe kutenda mashoko akanaka,” tinova “vashandi pamwe muchokwadi.” (VaF. 1:27; 3 Joh. 8) Sezvatinoita kudaro, kubatanidzwa kwatinoitwa norudo muungano kunosimbiswa. Wadii wakumbira mumwe munhu wausina kushanda naye mubasa romumunda munguva ichangopfuura kuti uende naye muushumiri vhiki ino?
5 Takakomborerwa kuva pakati pehama dzenyika yose pasi pano nhasi! (1 Pet. 5:9) Munguva ichangopfuura, zviuru zvakazvionera uku kubatana paKokorodzano Dzemarudzi Akawanda dzaiva nomusoro unoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari.” Tose ngatibatsirei kuti pave nokubatana uku kunokosha nokuverenga Shoko raMwari mazuva ose, nokugadzirisa norudo kusanzwisisana, uye nokuparidza mashoko akanaka “nomuromo mumwe.”—VaR. 15:6.