Tingabatsira Sei?
1 Mubvunzo wokuti “Tingabatsira Sei?” unowanzobvunzwa neZvapupu zvaJehovha pazvinonzwa nezvenjodzi inenge yakaitika kune imwewo nzvimbo yenyika. Sezvinoratidzwa nenyaya iri pana Mabasa 11:27-30, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakayamura hama dzaigara muJudhiya nemhaka yenzara yakaitika.
2 Munguva dzazvino, mitemo yesangano redu yakabvumidza kuti mari ishandiswe mubasa rokuyamura uye kuyamura vaya vari kutambura nemhaka yenjodzi dzinoitika dzoga kana kuti dzinokonzerwa nevanhu uye mune dzimwewo nguva dzokushayiwa.
3 Somuenzaniso, gore rapera hama dzakawanda dzakapa mari yokuyamura vaya vakanga vawirwa nedambudziko retsunami kuSouth Asia. Kupa nomwoyo wose uku kwakaitwa pachitumirwa mari yezvipo kuhomwe yokuyamura yesangano kwakaongwa zvikuru. Zvisinei, kana mari ikanzi ndeyenjodzi inenge yaitika kune imwe nzvimbo, mune dzimwe nyika mari iyoyo inongofanira kushandisirwa chinangwa ichocho chataurwa nomunhu ari kupa uye munguva inenge yakataurwa, hazvinei hazvo kuti zvinodiwa zvehama dzedu dzomunyika medu zvatarisirwa kana kuti kwete.
4 Saka zvinorumbidzwa kuti mari yezvipo yokuyamura uye yemabasa okuyamura ipiwe kubasa romunyika yose. Mari iyi inoshandiswa mumabasa okuyamura uyewo mukufambisira mberi zvinhu zvine chokuita nokunamata kwevaKristu vose. Asi kana munhu achidawo zvake kupa mari yezvipo yokuyamura yakasiyana nemari yezvipo yebasa romunyika yose, inogamuchirwa yoshandiswa chero kupi zvako kunenge kuchidiwa rubatsiro. Zvisinei, zvingaongwa kana zvipo zvemari zvakadaro zvikaitwa pasina kutaura kuti mari ndeyei uye kuti inofanira kushandiswa sei.
5 Chinonyanya kuita kuti tikumbire kuti mari ipiwe iri yebasa romunyika yose, kuitira kuti pave nemari yakawanda inozoshandiswa maererano nezvinodiwa zvose zvebasa roUmambo, pane kuti ingochengeterwa pakuyamura kwomunguva yemberi. Izvi zvinoenderana nezvinotaurwa pana VaEfeso 4:16 kuti tinoshanda pamwe chete kuti tipe zvinodiwa zvi“noita kuti muviri ukure kuti uzvivake murudo.”