Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Aug. 15
“Tingada kuziva zvamunofungawo nezvechimwe chinhu chakataurwa naJesu. [Verenga Mateu 5:5.] Panozozadzika zvakapikirwa izvi, munofunga kuti mamiriro ezvinhu panyika pano achange akaita sezvaari iye zvino here? [Rega apindure.] Magazini ino inoratidza zviri muBhaibheri kuti Jesu achachinja sei nyika. Inotsanangurawo kuti ndivanaani vachagara nhaka yenyika.”
Awake! Aug.
“Munofunga tichazombofa takaonazve vadiwa vedu vakafa here? [Rega apindure.] Onai zvakapikirwa naJesu nezvevakafa. [Verenga Johani 5:28, 29.] Magazini ino inotsanangura zviri muBhaibheri kuti chii chinoitika patinofa.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi Sept. 1
“Vanhu vakawanda mazuva ano havachafariri zvechitendero. Munofunga kuti kuva muchitendero kunobatsira kuti uve munhu ari nani here? [Rega apindure.] Onai zvakafanotaurwa neBhaibheri kuti vamwe vanhu vaizotsvaka muchitendero mumazuva okupedzisira. [Verenga 2 Timoti 4:3, 4.] Magazini ino inotsanangura kuti kunamata kwechokwadi kunokudza sei Mwari uye kuti kunotibatsira sei.”
Awake! Sept.
“Vanhu vakawanda vanoshamisika kana kudavira muna Mwari kuine chokuita nesayenzi. Munofungei? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaHebheru 3:4.] Magazini ino yeAwake! inoongorora uchapupu huripo hwakazoita kuti masayendisiti adavire kuti kune Musiki.”