Tumari Tuviri Twusinganyanyi Kukosha
Imwe nzira yatinotsigira nayo zvinhu zvine chokuita noUmambo kupa zvipo zvemari kubasa rokuparidza rinoitwa pasi rose. Ko kana tiri varombo?
Rimwe zuva Jesu akaona imwe chirikadzi yaiva murombo ichiisa tumari tuviri twaisanyanya kukosha mumudziyo wokuisira mari waiva patemberi. Kuda kwayaiita Jehovha ndiko kwakaita kuti ipe ‘pakushayiwa kwayo mari yose yayakanga inayo, yaiiraramisa.’ (Mako 12:41-44) Kutaura kwakaita Jesu nezvenyaya iyi kwakaratidza kuti chipo chayo chaikosha pamberi paMwari. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanga vasinawo pfungwa yokuti vaKristu vakapfuma ndivo vanofanira kupa zvipo zvemari kuti vatsigire basa rokuparidza. Muapostora Pauro akataura zvakaitwa nevaKristu vokuMakedhoniya, avo vaiva ‘varombo zvikuru asi vakaramba vachikumbira vachiteterera kwazvo kuti vawane ropafadzo yokupa nomutsa.’—2 VaK. 8:1-4.
Saka kana tichingokwanisa kupa ‘tumari tuviri twusinganyanyi kukosha,’ tinofanira kuyeuka kuti tumari itwotwo twukaunganidzwa inopedzisira yava mari yakawanda. Kana tikapa zvichibva pamwoyo baba vedu vokudenga vane rupo vachafara, nokuti ndi“Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaK. 9:7.