KURARAMA KWECHIKRISTU
“Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”
Mazuva ano tingaita sei kuti ‘tizadze ruoko rwedu nechipo chaJehovha’? (1Mak 29:5, 9, 14) Tinogona kuita zvinhu zviri pasi apa kuti titsigire basa reZvapupu zvaJehovha munyika medu uye pasi rese.
ZVIPO ZVINOPIWA PACHISHANDISWA INDANETI KANA KUTI KUISA MUMABHOKISI ZVINOTSIGIRA:
BASA REMUNYIKA YESE
kuvakwa uye kushanda kwemahofisi emapazi nemahofisi eshanduro
zvikoro zvesangano
vashumiri chaivo venguva yakazara
kubatsira panoitika njodzi
kuprinda, kugadzira mavhidhiyo, uye kubudisa zvinhu paindaneti
KUBHADHARA MARI INOSHANDISWA MUUNGANO
kubhadhara zvinhu zvakadai semagetsi, mvura nezvimwewo uye kugadziridza Imba yeUmambo
mari inofanira kutumirwa neungano kuhofisi yebazi kuti izoshandiswa:
pakuvaka Dzimba dzeUmambo uye Dzemagungano pasi rese
kutsigira urongwa hunonzi Global Assistance Arrangement
pakuita mamwewo mabasa pasi rese
MAGUNGANO EMUNHARAUNDA NEEDUNHU
Mari dzezvipo dzinopiwa pagungano remunharaunda dzinoendeswa kubasa remunyika yese. Mari dzinozoshandiswa pakubhadhara zvinhu zvemagungano emunharaunda, magungano makuru emunharaunda uye magungano enyika dzakawanda dzinobva pamari yemubasa remunyika yese.
Mari dzezvipo dzinopiwa pagungano redunhu dzinoshandiswa kuhaya nzvimbo dzekuitira magungano, kugadziridza dzimba dzemagungano uye kubhadhara zvimwewo zvinhu. Dunhu rinogona kusarudza kupa mari inenge yasara kubasa remunyika yese reZvapupu zvaJehovha.