ZVAUNGADZIDZA
Kutsungirira Kubatwa Zvisina Kunaka
Verenga Genesisi 37:23-28; 39:17-23 kuti udzidze zvakaitika kuna Josefa paaitsungirira kubatwa zvisina kunaka.
Ongorora mamwe mavhesi. Chii chakaita kuti Josefa abatwe zvisina kunaka? (Gen. 37:3-11; 39:1, 6-10) Josefa aifanira kutsungirira kusabatwa zvakanaka kwenguva yakareba sei? (Gen. 37:2; 41:46) Panguva iyoyo, Jehovha akaitirei Josefa, uye chii chaasina kuita?—Gen. 39:2, 21; w23.01 17 ¶13.
Wedzera kuongorora. Kunyange zvazvo zvakataurwa nemudzimai waPotifari nezvaJosefa dzaiva nhema, muBhaibheri hamuna patinonzwa Josefa achitaura nezvemudzimai wacho kuti ainyepa. Magwaro anotevera angatibatsira sei kufunga zvingangodaro zvakaita kuti Josefa arambe akanyarara, kana kuti nei tisingafaniri kutarisira kujekeserwa zvese zvine chekuita nenyaya yacho? (Zvir. 20:2; Joh. 21:25; Mab. 21:37) Unhu hupi hungangodaro hwakabatsira Josefa kuti atsungirire kusabatwa zvakanaka?—Mika 7:7; Ruka 14:11; Jak. 1:2, 3.
Tsvaga zvidzidzo zvacho. Zvibvunze kuti:
‘Zvinhu zvipi zvakaipa zvandinotarisira kuitirwa semuteveri waJesu?’ (Ruka 21:12, 16, 17; VaH. 10:33, 34.)
‘Ndingaitei iye zvino kuti ndizokwanisa kutsungirira kana ndikazobatwa zvisina kunaka?’ (Pis. 62:7, 8; 105:17-19; w19.07 2-7.)