NYAYA YEUPENYU
Upenyu Hunofadza Uye Hunogutsa Mubasa raJehovha
MUNA 1951, ndakasvika kuRouyn, rimwe guta diki riri mupurovhinzi yekuCanada inonzi Quebec. Ndakagogodza padhoo rekero yandakanga ndapiwa. Marcel Filteau,a mumishinari akanga abva kuGiriyedhi ndiye akauya kuzovhura dhoo. Aiva nemakore 23 uye akanga akareba. Inini ndaiva nemakore 16 uye ndaiva mupfupi chaizvo kwaari. Ndakamuratidza tsamba yangu yekupayona. Akaiverenga akabva anditarisa ndokuti, “Amai vako vanoziva kuti wauya kuno here?”
MHURI YEDU
Ndakaberekwa muna 1934. Vabereki vangu vaibva kuSwitzerland uye vaigara muguta rinonzi Timmins, riri muOntario, kuCanada. Munenge muna 1939, amai vangu vakatanga kuverenga magazini yeNharireyomurindi uye kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Ndaienda navo pamwe chete nehanzvadzi dzangu nhatu nevanin’ina vangu vatatu. Pasina nguva, amai vangu vakava Chapupu chaJehovha.
Baba havana kufara amai pavakasarudza kuva Chapupu, asi amai vaida chokwadi uye vakaramba vakachibatisisa. Havana kusiya Jehovha kunyange basa reZvapupu zvaJehovha parakanga rakabhanwa muCanada kuma1940. Vaigara vachibata Baba zvakanaka, vachivaremekedza pasinei nekutukwa kwavaiitwa. Zvavakaita zvakatibatsira tese sevana kuti tigamuchire chokwadi. Zvinofadza kuti Baba vakazochinja uye vakatanga kutibata zvakanaka.
KUTANGA BASA RENGUVA YAKAZARA
Muna August 1950, ndakapinda gungano rakaitirwa kuNew York City raiva nemusoro wekuti Theocracy’s Increase. Kuonana nehama nehanzvadzi dzaibva kunyika dzakasiyana-siyana uye kunzwa zvaitaurwa nevakanga vapedza Chikoro cheGiriyedhi pavaibvunzwa muhurukuro, zvakaita kuti ndide kuita zvakawanda mubasa raJehovha! Izvi zvakaita kuti ndiwedzere kuva neshungu dzekupinda mubasa renguva yakazara. Pandakadzokera kumba, ndakabva ndanyorera bazi rekuCanada ndichikumbira kuva piyona wenguva dzese. Vakandipindura vachindiudza kuti zvaizonaka ndikatanga ndabhabhatidzwa. Saka ndakabhabhatidzwa musi wa1 October 1950. Mwedzi wakatevera wacho, ndakabva ndava piyona wenguva dzese uye ndima yandakatanga kupiwa yaiva kuKapuskasing. Guta iroro raiva kure zvikuru nekwandaigara panguva iyoyo.
Muna 1951, hofisi yebazi yakakumbira vaparidzi vanotaura chiFrench kuti vaende kupurovhinzi yeQuebec kunotaurwa chiFrench. Kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Ndakakura ndichitaura chiFrench neChirungu, saka ndakabvuma kuenda uye ndakanzi ndinoshandira kuRouyn. Hakuna wandaiziva ikoko. Chandaingova nacho yaiva kero yekwandaienda, sezvandambotaura patangira nyaya ino. Asi zvinhu zvakafamba zvakanaka. Ini naMarcel takava shamwari dzepedyo, uye ndakanakidzwa nekushumira muQuebec kwemakore 4. Pakazopera makore iwayo ndakanga ndava piyona chaiye.
GIRIYEDHI UYE KUNONOKA KUWANA ZVANDAITARISIRA
Pandaiva kuQuebec, ndakafara pandakagamuchira tsamba yaindikoka kukirasi yechi26 yeChikoro cheGiriyedhi kuSouth Lansing, New York. Ndakagirajuweta musi wa12 February 1956, uye ndakanzi ndinoshanda kunyika yava kuzivikanwa seGhanab iri kuWest Africa. Asi ndisati ndaenda, ndaifanira kudzokera kuCanada kusvikira mapepa angu ekuti ndiende kuGhana aita. Ndaitarisira kuti ndaizogara muCanada kwemavhiki maviri kana kuti matatu chete.
Ndakazopedzisira ndaita mwedzi 7 ndiri muToronto ndichimirira mapepa angu. Panguva iyoyo ndaigara nemhuri yekwaCripps uye ndakatanga kuwirirana naSheila, mwanasikana wavo, tikatanga kudanana. Pandakanga ndava kuda kumuudza kuti ndiri kuda kumuroora, vhiza rangu rakabva rabuda. Ndakanyengetera naSheila nezvazvo uye takasarudza kuti ndiende kuGhana. Asi taizoramba tichinyorerana kuti tione kuti nekufamba kwenguva zvaizoita here kuti tiroorane. Izvi zvakanga zvisiri nyore kuti tisarudze, asi takazoona kuti takanga taita chisarudzo chakanaka.
Rwendo rwekuenda kuAccra, Ghana, rwakanditorera mwedzi wese. Ndakatanga ndakwira chitima, ndikazokwira ngarava, ndikazopedzisa nendege. Ikoko ndakanzi ndishumire semutariri weruwa. Ndaitenderera muGhana yese, Ivory Coast (yava kunzi Côte d’Ivoire) neTogoland (yava kunzi Togo). Kazhinji kacho ndaifamba ndega ndichishandisa mota yebazi. Ndainakidzwa chaizvo nekushanyira hama!
Pakupera kwevhiki, ndaipa hurukuro pamagungano edunhu. Takanga tisina Dzimba Dzemagungano. Saka hama dzaivaka shedhi dzichishandisa mapango emushenjere dzopfirira pamusoro dzichishandisa mapazi emichindwe kuitira kuti hama dzisatsve nezuva. Sezvo taisava nefiriji yekuchengetera chikafu, mhuka dzaichengetwa dziri mhenyu dzozourayiwa kana dzava kuda kubikwa.
Paiitikawo zvinhu zvinonakidza pamagungano iwayo. Rimwe zuva Herb Jennings,c uyo aiva mumishinari, paakanga ari pakati pekupa hurukuro, chimwe chimombe chidiki chakatiza chichibva kwaibikirwa. Chakamhanya chikanomira pakati pechikuva nevateereri. Herb akabva amira kutaura uye mombe yacho yairatidza kuti yakanga yavhiringidzika. Asi dzimwe hama ina dzakanga dzakasimba dzakaibata dzikaitakura dzichiidzosera kwaibikirwa, uye vanhu vakafara chaizvo.
Mukati mevhiki, ndairatidza vanhu vemumisha yaiva pedyo firimu redu rinonzi The New World Society in Action. Kuti ndiite izvozvo, ndaisungirira jira jena pakati pemapango maviri kana kuti miti miviri ndoratidza firimu racho neprojector. Vanhu vairida chaizvo! Vakawanda vavo kaiva kekutanga kuona chinonzi firimu. Vaiombera chaizvo pavaiona vanhu vachibhabhatidzwa. Firimu iroro rakabatsira chaizvo kuti vanhu vaone kuti takabatana uye kuti tiri sangano rinowanika pasi rese.
Pashure pemakore maviri ndiri muAfrica, ndakafara chaizvo kupinda gungano renyika dzakawanda muNew York City muna 1958. Ndakafara kuonanazve naSheila, uyo akanga abva kuQuebec, kwaakanga ari kushumira sapiyona chaiye. Pese apa takanga tiri kunyorerana tsamba asi iye zvino takanga tava tese. Ndakamuudza kuti ndaida kumuroora, uye akabvuma. Ndakanyorera Hama Knorrd ndichivabvunza kuti zvaiita here kuti Sheila apinde Chikoro cheGiriyedhi obatana neni kuAfrica uye vakabvuma. Sheila akazouya kuGhana. Takachata muAccra, musi wa3 October, 1959. Takanyatsoona kuti Jehovha akanga atikomborera nekuti takaita kuti ave pekutanga muupenyu hwedu.
KUSHUMIRA TESE KUCAMEROON
Muna 1961 takanzi tinoshumira tiri kunyika yeCameroon. Ndakakumbirwa kuti ndibatsire pakuumba bazi idzva, saka ndakanga ndakabatikana chaizvo. Sezvo ndaishumira semuranda webazi, ndine zvizhinji zvandaifanira kudzidza. Muna 1965 takabva taziva kuti Sheila akanga ava nepamuviri. Kutaura chokwadi, zvakanga zvakatiomera kufungidzira tiri vabereki. Asi patakanga tava kufara tichitogadzirira kudzokera kuCanada, pane zvinhu zvinorwadza zvakabva zvaitika.
Mwana wacho akabva afa asati aberekwa. Chiremba akatiudza kuti akanga ari mukomana. Kunyange zvazvo papfuura makore 50 zvaitika, hatina kumbobvira tazvikanganwa. Takarwadziwa nezvakaitika, asi takaramba tichiita basa redu rataida chaizvo.
Hama dzemuCameroon dzaiwanzotambudzwa nekuti dzakanga dzisina bato rezvematongerwo enyika radzaitsigira. Zvinhu zvaiwanzowedzera kuipa panguva yesarudzo dzemutungamiriri wenyika. Zvataityira zvakaitika musi wa13 May 1970, Zvapupu zvaJehovha pazvakabhanwa. Hurumende yakatora bazi redu rainge rakanaka chaizvo ratakanga tangogara kwemwedzi mishanu chete. Pashure pevhiki, mamishinari ese, kusanganisira inini naSheila, akadzingwa munyika yacho. Zvakanga zvakaoma kusiya hama nehanzvadzi nekuti taidzida chaizvo uye tainetseka kuti zvinhu zvaizodzifambira sei mumazuva aizotevera.
Takabva taita mwedzi 6 tiri kuhofisi yebazi rekuFrance. Ikoko, ndakaramba ndichiita zvese zvandaigona kuti ndibatsire hama dzekuCameroon. Muna December wegore iroro, takabva tanzi tinoshumira tiri kubazi rekuNigeria, iro rakabva ratanga kuona nezvebasa remuCameroon. Hama nehanzvadzi dzekuNigeria dzakatigamuchira zvakanaka, uye takanakidzwa nekushumira ikoko kwemakore akawanda.
CHISARUDZO CHAKAOMA
Muna 1973, taifanira kuita chisarudzo chakanga chakatiomera zvikuru. Sheila akanga ava nenguva achinetseka neutano hwake. Pataiva kugungano kuNew York, akabva atanga kuchema achindiudza kuti: “Handichazvikwanisa ini! Ndinongogara ndakaneta ndichirwara.” Takanga tashumira tese kuWest Africa kwemakore anopfuura 14. Ndaidada naye chaizvo nemhaka yekushumira kwake akatendeka, asi takanga tava kufanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwedu. Pashure pekunge takurukura pamwe chete mamiriro edu ezvinhu, uye tanyengetera kakawanda nezvazvo, takasarudza kuti tidzokere kuCanada, kwataigona kuita kuti Sheila akwanise kunyatsobatsirwa pautano hwake. Kusiya basa redu reumishinari uye basa renguva yakazara kwakanga kwakatiomera zvikuru uye chaiva chisarudzo chinorwadza.
Patakasvika muCanada, ndakatanga kushanda neimwe shamwari yangu yaiita zvekutengesa motokari kuchamhembe kweToronto. Takawana imba yekuroja, tikatenga midziyo yemumba yakamboshandiswa, izvo zvakatibatsira kutanga upenyu hwedu hutsva tisina kumbopinda muchikwereti. Taida kuti upenyu hwedu husava netwakawanda-wanda, tichitarisira kuti rimwe zuva taigona kuzodzokera zvakare mubasa renguva yakazara. Takazoshamiswa zvataitarisira pazvakazadziswa nekukurumidza kupfuura zvataifungira.
Mugovera wega wega, ndakatanga kuzvipira pabasa rekuvaka raiitwa paImba Yemagungano kuNorval, Ontario. Nekufamba kwenguva, ndakanzi ndishande semutariri weImba Yemagungano. Sheila akanga ava kunzwa zviri nani, saka takaona kuti taikwanisa kuita basa iri. Takatanga kugara paImba Yemagungano muna June 1974. Takafara zvikuru kuti takanga tadzokera zvakare mubasa renguva yakazara!
Zvinofadza kuti utano hwaSheila hwakaramba huchivandudzika. Pashure pemakore maviri, takatanga kuita basa remudunhu. Dunhu racho raiva kuManitoba, purovhinzi yeCanada inozivikanwa nekutonhora zvikuru. Asi kuva pakati pehama nehanzvadzi kwakaita kuti tidziirwe. Takadzidza kuti nyaya haisi pakuti uri kushumira kupi, asi chinokosha ndechekuti tirambe tichishumira Jehovha chero kwatingava tiri.
CHIDZIDZO CHINOKOSHA CHANDAKAWANA
Pashure pemakore akawanda tiri mudunhu, takazoshevedzwa kuti tishumire paBheteri rekuCanada muna 1978. Munguva pfupi tasvika, pane zvimwe zvinhu zvakaitika zvakandirwadza. Asi zvakandidzidzisa chidzidzo chinokosha. Ndakanzi ndipe hurukuro yeawa nehafu muchiFrench pamusangano unokosha wakaitirwa kuMontreal. Asi hurukuro yangu yakanga yakaomera vateereri kuti varambe vakaisa pfungwa pairi, uye imwe hama yekuDhipatimendi Rebasa yakandipa zano nezvazvo. Kunyange zvazvo ndisiri mukurukuri ane unyanzvi, panguva iyoyo ndaisazviona. Saka handina kugamuchira zano racho zvakanaka. Hatina kuwirirana pakutaura kwataiita. Ndakaona sekuti ainyanya kunditsoropodza asina kana chakanaka chaakataura chandakanga ndaita. Ndakakanganisa pakuti ndakanyanya kuisa pfungwa pakuti zano racho rakanga rapiwa sei uye pamaonero andaiita munhu akanga andipa zano racho.
Pashure pemazuva mashomanana, imwe hama yaiva muDare reBazi yakataura neni nezvenyaya yacho. Ndakabvuma kuti ndakanga ndisina kupindura zvakanaka uye ndakakumbira ruregerero. Ndakabva ndaenda kunotaura nehama yakanga yandipa zano. Yakandiregerera nemwoyo wese. Zvakaitika izvi zvakandidzidzisa kukosha kwekuzvininipisa, uye handifi ndakazvikanganwa. (Zvir. 16:18) Ndakanyengetera kakawanda kuna Jehovha nezvazvo, uye ndakatsidza kuti handisi kuzoita zvakadaro kana ndikapiwa zano.
Ndava nemakore anopfuura 40 ndichishumira paBheteri remuCanada, uye kubvira muna 1985, ndine ropafadzo yekushumira muDare reBazi. Muna February 2021, mudiwa wangu Sheila akarara murufu. Ndinogara ndichimusuwa chaizvo, uye iniwo ndine matambudziko angu eutano. Asi Jehovha anoita kuti ndigare ndakabatikana uye ndifare zvekuti ‘handimbooni kufamba kunoita mazuva.’ (Mup. 5:20) Kunyange zvazvo ndakasangana nematambudziko muupenyu hwangu, makomborero andiinawo anopfuura nekure matambudziko andakasangana nawo. Kuisa Jehovha pekutanga muupenyu hwangu uye kumushumira kwemakore 70 mubasa renguva yakazara kuri kuita kuti ndigutsikane. Ndinongonyengetera kuti hama nehanzvadzi dzechidiki dzirambe dzichiisa Jehovha pekutanga muupenyu, nekuti ndinoziva kuti vachawana upenyu hunogutsa uye hunonakidza, hunongowanikwa chete patinoshumira Jehovha.
a Ona nyaya yeupenyu yaMarcel Filteau ine musoro unoti, “Jehovha Ndiye Utiziro Hwangu Nesimba Rangu,” iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2000.
b Kusvika muna 1957, nharaunda iyi yemuAfrica yaitongwa neBritain uye yainzi Gold Coast.
c Ona nyaya yeupenyu yaHerbert Jennings ine musoro unoti, “Hamuzivi Zvichava Zvakaita Upenyu Hwenyu Mangwana,” iri muNharireyomurindi yaDecember 1, 2000.
d Nathan H. Knorr ndiye aitungamirira basa panguva iyoyo.