Zvakaitika Gore Rakapera
PASINEI nematambudziko akamomotera nyika, Zvapupu zvaJehovha zvakaita zvakawanda mubasa dzvene gore rapfuura. Nechikomborero chaMwari, chokwadi chemashoko akanaka chiri ‘kubereka zvibereko chichiwedzera munyika yose.’ (VaK. 1:5, 6) Tine chokwadi chokuti uchakurudzirwa zvikuru uye kutenda kwako kuchasimbiswa pauchaverenga zvakaitika gore rapera.
URONGWA HUTSVA HWEUPIYONA HWEBETSERO
Zvakafadza vakawanda zvikuru pavakanzwa kuti mapiyona ebetsero aiva nomukana wokusarudza kusvitsa maawa 30 kana kuti 50 mumwedzi waApril. Vakawanda vaisimbokundikana kuita basa iri vakatambira urongwa uhwu nemaoko maviri. Zviuru zvevaparidzi zvakaita basa roupiyona kokutanga, uye vakawanda vakambopayona vakafarira kupayona zvakare. Uyezve vakawanda vakaedza kuwedzera basa ravo muushumiri pavakakundikana kutora upiyona hwebetsero. Urongwa uhwu hwakabudirira here?
Mapazi akawanda akashuma kuti zvakaitwa mubasa zvakawedzera kupfuura makore ose. Pasi pose, vaparidzi vanokwana 2 657 377 vakaita basa roupiyona hwebetsero, kuwedzera nezvikamu zvinenge zvishanu muzana kubva pane vakapayona gore rapera! Pahama nehanzvadzi 20 290 dziri mumhuri yeBheteri pasi rose, 16 292 vakaita basa iri, zvichireva kuti zvikamu 80 muzana zvakapayona. Hazvifadzi here kuona kuti vashumiri vaJehovha vakaita zvakawanda chaizvo mubasa rokuparidza muna April kupfuura zvavati vamboita?
Pangopera gore kudengenyeka kwenyika kwakauraya vanhu vanenge 300 000 kwaitika, nyika yeHaiti yakasvitsa nhamba yepamusoro mubasa rekuparidza muna April. Pavaparidzi 17 009, vakaita basa reupiyona hwebetsero vaiva 6 185. Mushandirapamwe wokuparadzira bhurocha raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, richangobva kubudiswa mumutauro wekuHaiti, wakanyaradza nokupa tariro vaichema.
Hama nehanzvadzi dzedu dzekuNigeria dzakatarisana nedambudziko rakaoma muna April. Pamazuva mana akanga akarongwa kuti aitwe sarudzo (matatu acho ari Migovera), hurumende yakarambidza vanhu kufamba kubva na7:00 dzemangwanani kusvika na5:00 zuva rodoka, kutoti vachiita zvesarudzo. Zvisinei, izvi hazvina kuderedza chido chokupayona. Imwe ungano yakanyora kuti: “Tiri kukunyorerai nomufaro mukuru tichikutendai nokunakidzwa kwatakaitwa mwedzi uno.” Imwe ungano ine vaparidzi 127 vakabhabhatidzwa, 92 vavo vakatora upiyona hwebetsero, kusanganisira vakuru nevashumiri vanoshumira vose. Pavanhu 688 vanoshanda paBheteri, 555 vakatora upiyona hwebetsero.
Vakakunda Dambudziko Racho. Jeannette, anogara munzvimbo ine makomo mumamisha ekuBurundi, akagara achida zvokupayona, asi ane chirwere chemwoyo chinomutadzisa kufamba achienda kure kana kukwira makomo. Jeannette akazofara paakanzwa kuti maawa emapiyona ebetsero akanga aderedzwa muna April. Kuti vamubatsire kuzadzisa chishuvo chake chokupayona, vakuru vakaronga kuti aparidzire mundima iri pedyo nekwaanogara. Mamwe mapiyona nevaparidzi vaiuyawo kumba kwake kuzodzidza nevanhu vavanodzidza navo Bhaibheri. Pakazopera mwedzi, Jeannette akafara kuti akanga ava nezvidzidzo zveBhaibheri zvina. Anoti: “Ndingada kupayona zvakare, uye ndine chivimbo chokuti Jehovha achandibatsira.”
Pachitsuwa cheGrenada, imwe hanzvadzi yechidiki matsi yakapayona pasinei nokuti yakanga yakaremara zvokuti yaiomerwa nokufamba. Akati: “Raiva basa chairo kufamba ndichienda kure kwaikwirirwa bhazi kuti ndiende kubasa romumunda.” Zvakare hanzvadzi iyi yakanga isingashandi, saka yakanyengetera nemwoyo wose kuti Jehovha aibatsire. Achiita zvaainyengeterera, aitengesa madhoiri nezvuma zvinogadzirwa nemaoko. Akazoti: “Ndakaita zvakawanda mubasa rokuparidza, uye ndakanyatsoona kuti hama dzakandibatsira uye dzakanditsigira. Zvakandifadza zvikuru!”
Toshi, imwe hanzvadzi yekuJapan yava nemakore 101, yakaita upiyona hwebetsero muna April. Nokuti haakwanisi kubva mumusha waanochengetwa, anoparidza achiita zvokunyora tsamba nokukurukura nevanhu vanouya kuzoshanda mukamuri rake. Toshi anotsanangura kuti: “Sezvo ndisinganyatsonzwi ndinotaura nenzwi riri pamusoro chaizvo. Saka izvi zvinoita kuti vanhu vanenge vari pedyo vanzwewo zvandinotaura.”
Felix, imwe hama yokuCosta Rica ine makumbo nemaoko zvisingashandi, yakasarudza kuita upiyona hwebetsero. Asi aizozviita sei? Akaisirwa tafura yekuisira mabhuku nechepanze pemba yake kuti aparidzire vaipfuura napo. Pakazopera mwedzi, Felix akanga aneta, asi akanzwa ukama hwake naMwari hwasimba uye akafara chaizvo kuti akatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvina.
Vechiduku vakawanda vakafarirawo chaizvo kuita basa iri muna April. Somuenzaniso, kuSpain, Sandra, ane makore 11 nehanzvadzi yake Alejandro, ine makore 7, vaida kuwedzera basa ravo rokuparidza. Vakurudzirwa nekushingaira kweungano yavo uye kwevabereki vavo, Sandra naAlejandro vaiva nechido chokutora upiyona hwebetsero. Asi, vaizozviita sei ivo vakanga vasati vabhabhatidzwa? Vakagadzira purogiramu yokuti vaite nguva yakawanda vachiparidza sezvaiitwa nevabereki vavo uye pamanheru oKunamata Kwemhuri vaidzidzira mharidzo dzokuzoshandisa muushumiri. Vabereki vavo vaifunga kuti vana vavo vaisazokwanisa kupedza mwedzi vachitevera purogiramu iyi. Asi vana ava havana kukanda mapfumo pasi. Pakazosvika April 30, vose vakanga vasvitsa maawa 30 kunze kwekedu Alejandro, ako kakanga kasarirwa nemaawa matatu. Saka kakabuda nababa vako musi wokupedzisira kuti kasvitse maawa acho. Kushanda vakabatana semhuri vachishingaira kwakaita kuti vagutsikane uye vafare zvikuru.
“Ndainyengetera zuva nezuva kuti ini nemurume wangu Philip tigokwanisa kuparidza kwemaawa 30,” anodaro Jean. Zvisinei, Philip, uyo aiva mutariri weruwa kusvikira paakazotanga kurwara nechirwere chekuzvimba tsinga muuropi, aiva muchipatara muSpain, asingakwanisi kana kutaura. Aingoshandisa maziso kuti ataure zvaari kuda, achibwaira kamwe kana achibvuma uye kaviri kana achiramba.
Jean anoenderera mberi achiti: “Pandakamuudza nezvekutora upiyona hwebetsero, akati aidawo.” Asi aizozvikwanisa sei?
Mumwedzi yakanga yapfuura, Jean naPhilip, vaiparidzira varwere, hama dzavo dzaiuya kuzovaona, uye vashandi vepachipatara. “Muna April takaronga kuparidza muchipatara imomo kweinenge awa pazuva, Philip paainge akamuka uye achidairirawo nokubwaira.”
Zvisinei, muna March Philip akaiswa muwadhi yake ega. Asi, vakaramba vaine urongwa hwavo, vachikurukura nevashandi vepachipatara kwemaminitsi mashomanana, panguva dzakasiyana siyana pazuva. Mumwe nesi akabvuma bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Akatarisa Philip mumaziso akamuvimbisa kuti aizodzoka mangwana acho kuti vaverenge magwaro. Nesi wacho paakadzoka, Jean akamukumbira kuverenga Johani 17:3 uye akamukumbirawo kuti atsanangure zvairehwa nerugwaro rwacho. Pavaikurukura nenzira iyi Philip airatidza nekubwaira maziso ake kana zvaataura zviri izvo kana kuti kwete. Kunyange paakanga asiri kushandira muwadhi yaPhilip, nesi uyu aiuya kuzomuvimbisa kuti ainyengetera kuti aswedere pedyo naJehovha.
Vashumiri vaJehovha vanoona basa iri rakawedzerwa somukana wokuratidza rudo rwavo kumuvakidzani, kutenda chibayiro chaJesu Kristu, uye kuzvipira kwavo kuna Baba vavo vekudenga. Vanotarisira kusvika kwaMarch 2012, pavachavazve nemukana wekushanda kuti vasvitse maawa 30 kana kuti 50 mumwedzi iwoyo.
ZVIKORO ZVINODZIDZISA NZIRA DZAJEHOVHA
Sangano raJehovha rinokoshesa chaizvo uprofita hwakanyorwa pana Isaya 2:3 hunoti: “Ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake.” Somuenzaniso, paitsviriridza Hondo Yenyika II, boka romuranda akatendeka akangwara rakava nepfungwa yokuti vanhu vemarudzi ose vachiri kufanira kudzidziswa naJehovha nyika ino yaSatani isati yaguma. Saka vakaronga zvikoro zvakadai seChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi uye Chikoro chaMwari Choushumiri. Munguva ichangodarika, Dare Rinodzora rakagadziridza zvimwe zvinhu zvine chokuita nezvikoro zvisingapindwi nevanhu vose vose.
Muna October 2010, Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chakatanga kunzi Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora. Vakuru kana vashumiri vanoshumira vasina kuroora vacharamba vachipinda chikoro ichi chemwedzi miviri. Kusvika pari zvino, 37 445 munyika yose vakabatsirwa nechikoro ichi uye vakawanda vavo mapiyona, vatariri vanofambira, mamishinari uye vashandi vepaBheteri.
Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana chemwedzi miviri chakatangwa muna July 2011 uye chava kutoitwa kuPatterson, New York. Chinopindwa nevava nemakore maviri kana kupfuura vakaroorana, vanokwanisa kutaura Chirungu, vane makore 25 kusvika ku50, vane utano hwakanaka, vane makore maviri anotevedzana kana kupfuura vari munguva yakazara uye murume wacho anofanira kunge ava nemakore maviri anotevedzana kana kupfuura ari mukuru kana kuti mushumiri anoshumira. Kutanga muna 2012, Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana chichange chava kuitwa panzvimbo dziri kuitirwa chehama dzisina kuroora.
Chikoro ichi chakarongwa kuti chidzidzise vakaroorana kuti vanyatsoshandiswa zvakakwana naJehovha nesangano rake. Vakawanda vacho vanozoshumira semapiyona enguva dzose kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda kunyika kwavo. Zvisinei, vamwe vacho vanova mapiyona chaiwo enguva pfupi uye vamwe vanotozodzidziswa basa romudunhu. Vashomanana vanotumirwa kune imwe nyika kana vakakodzera uye vachikwanisa.
Vaya vanonyorera kuti vapinde chikoro ichi vanofanira kunge vakasimba pakunamata uye vakazvipira. Varayiridzi veChikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora ndivo vanodzidzisa chikoro ichi chitsva, vachingoshandisa purogiramu imwe cheteyo. Zvimwe zvidzidzo zvishomanana zvinoitiswa varume chete madzimai ari mubasa romumunda. Zvakawanda zvine chokuita nezvinodiwa kune vanoda kupinda chikoro ichi zvichataurwa pamisangano inoitwa pamagungano eruwa.
Dare Rinodzora rakagadziridza zvimwe zvinhu zvine chokuita neChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Kutanga nekirasi yechi132 yakatanga musi waOctober 24, 2011, vaya vanoenda kuchikoro ichi vanofanira kunge vari mubasa renguva yakazara, semamishinari asina kupinda chikoro cheGiriyedhi, mapiyona chaiwo, vatariri vanofambira uye vashandi vepaBheteri. Kana vachikwanisa kutaura uye kunyora Chirungu zvakanaka, Dare Rebazi ringavakurudzira kuti vapinde chikoro ichi.
Vanenge vadzidza kuGiriyedhi vanozotumirwa kunoshanda semamishinari, vatariri vanofambira kana kuti vashandi vepaBheteri, izvo zvinobva zvavandudza basa rokuparidza uye mafambisirwo ezvinhu pamapazi. Vaya vanotumirwa kundima vanoendeswa kunzvimbo dzine vanhu vakawanda kwavanobatsira hama dzakawanda pakuparidza uye pamabasa emuungano. Matare eMapazi anogona kuramba achikumbira vanenge vapedza kudzidza kuGiriyedhi kana vachida kubatsirwa mundima yavo. Vanogonawo kutumira kubva mundima yavo vashumiri venguva yakazara vanonyatsokodzera kuti vanopinda Chikoro cheGiriyedhi. Dzimwe nguva, Matare eMapazi anogona kukumbira kuti vavanenge vatumira vazodzoka kundima yavo kana vapedza kudzidza.
Chikoro Chenhengo dzeDare Rebazi Nemadzimai Avo chichange chichiitwa kaviri pagore muChirungu kuPatterson. Dzimwe nguva veDare Rinotarisira Basa Munyika vanokokwawo. Nhengo dzeDare Rebazi dzakambopinda chikoro ichi dzichakokwa kuti dzizopinda kechipiri pamwe nevaya vanenge vachipinda kokutanga. Madzimai evari muDare Rebazi achapinda zvakawanda zvezvidzidzo zvacho nevarume vavo. Asi zvimwe zvidzidzo zvemafambisirwo ezvinhu musangano zvichangopindwa nehama chete, madzimai avo achishanda mabasa akasiyana-siyana paBheteri.
Makirasi maviri eChikoro Chevatariri Vanofambira Nemadzimai Avo achaitirwawo kuPatterson gore negore. Makirasi ari kuitiswa muUnited States iye zvino ane hafu yehama dzakambopinda chikoro ichi. Madzimai evatariri vanofambira achapinda zvidzidzo zvakawanda zvacho.
Zvinofadza vanhu vaMwari chaizvo kushandisa mikana yavainayo yokudzidziswa naJehovha. Jesu pachake akataura kuti: “Mune Zvakanyorwa nevaprofita makanzi, ‘Vose vachadzidziswa naJehovha.’” (Joh. 6:45; Isa. 54:13) Tinovimba kuti kugadziridzwa kwezvinhu uku kuchabatsira pabasa rinofanira kukurumidza kuitwa rokuparidza mashoko akanaka munyika yose inogarwa mugumo usati wasvika.
KUDENGENYEKA KWENYIKA KUKURU MUJAPAN
Pasi pose nhau dzakarondedzera zviitiko zvakawanda zvakadai sokudengenyeka kwenyika, tsunami, chamupupuri chine simba, madutu, mafashamo, moto, nemakomo anoputika. Hatikwanisi hedu kutaura nezvenjodzi dzose dzichangobva kuitika, asi kushinga kweZvapupu zvaJehovha pakusangana nematambudziko akadaro kwakanyatsoratidzwa nezvakaitwa nehama dzedu dzekuJapan.
Musi weChishanu, March 11, 2011, na2:46 dzemasikati, kudengenyeka kwenyika kwakakura zvikuru kwakaitika muJapan. Tsunami yakazotevera yakaparadza maguta nemisha yakawanda iri mumahombekombe egungwa rePacific. Vanhu vanenge 20 000 vakafa uye vamwe vavo havana kana kumbowanikwa. Munzvimbo iyi, Dzimba dzoUmambo ina dzakaparadzwa uye dzimwe ina dzakanga dzisisaiti kupindira misangano. Dzimba dzinenge 235 dzehama nehanzvadzi dzedu dzakakukurwa uye dzimwe dzikasara dzisisagarike, uyewo dzimwe dzinopfuura chiuru dzaida kugadziridzwa.
Kudengenyeka uku netsunami zvakakanganisa imwe nzvimbo inobikwa magetsi pachishandiswa simba renyukireya zvikaita kuti pabude mwaranzi inokuvadza. Hurumende yakabva yati vanhu vose vaigara munzvimbo iyoyo vabudiswe, zvokuti munguva duku duku nzvimbo dzakawanda dzakanga dzava matongo. Hama nehanzvadzi dzaiva munzvimbo iyi dzakabudiswawo, ungano mbiri dzikabva dzangoparara.
PaZvapupu zvaJehovha zvinopfuura 14 000 zvaigara munzvimbo yakanyanya kuparadzwa, 12 vavo vakafa, vashanu vakakuvara zvakaipisisa, uye vaviri vachiri kushaikwa. Vakawanda vakapona njodzi iyi inotyisa, vakarasikirwa nedzimba nezvinhu zvavo, uye vazhinji vavo vakafirwa nehama dzavo.
“Ndakakwanisa kuisa amai vangu vakaremara mumotokari ndokutyaira ndakananga kwatakanzi tivande,” anodaro Kiyoko wekuOfunato. “Ndakabva ndanzwa kunhuwa kweutsi. Ndakabuda mumotokari ndikaona mvura yakaita segomo chairo ichifukidza imba yedu. Apa yakanga yakananga kwataiva! Ndakabatsira amai vangu kukwira pamudhuri paipfuura nenjanji. Motokari yedu yakakukurwa takatarisa.”
Kudengenyeka kwapera, imwe hama yechiduku inonzi Koichi, yakaedza kuenda kumba kwevabereki vayo kuIshinomaki, kure negungwa nemakiromita mashanu. Zvisinei, ava kusvika akaona kuti nzvimbo yacho yose yakanga yafukidzwa nemvura. “Sezvo ndakanga ndisina igwa hapana kure kwandaikwanisa kusvika.” Pashure pemavhiki matatu akazowana baba vake mumochari, uye pashure pemamwe mavhiki matatu akawanazve amai vake mumochari.
Pakangopera kudengenyeka, Masaaki anogara kuShichigahama akanopaka motokari yake paImba yoUmambo, kure negungwa nekiromita rimwe. Masaaki anoti: “Ndakawana pava nevamwe hanzvadzi vakanga vatizirawo ipapo. Ndaifunga kuti tsunami yaisazosvika kure zvakadaro. Zvisinei, pasina nguva patakanga tiri pakanga pangova mvura yoga yoga! Motokari dzedu dzakatanga kuyangarara pamusoro pemvura. Ndakabuda nepahwindo remotokari ndokumira pamusoro payo, asi mota yahanzvadzi vaya yakakukurwa ikabva yanyangarika! Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti avabatsire.
“Kwainaya sinou, uye ndakanga ndanyatsoti nyakata apa ndava kugwagwadza. Kwakazomira kunaya, asi kwaitonhora chaizvo. Zuva rakazonyura, kuchibva kwatanga kusviba. Denga rakanga rakazara nenyeredzi, dzichiyevedza. Ndakanga ndakangomira pamusoro pemotokari yangu, yakaita sekachitsuwa kari mumvura yaitonhora zvisingaiti. Paiva nevamwewo vakaita seni, vakanga vangomira pamusoro pezvinhu zvakanga zvaparadzwa kana kuti pamusoro pezvivako. Ndaingonetseka kuti ndaizosvika mangwanani ndiri mupenyu here. Kuti ndizvivaraidze, ndakasarudza kutaura nemusoro hurukuro yavose yandakanga ndapa mavhiki maviri akanga apfuura. Yaiva nemusoro wakakodzera wokuti: ‘Ungawanepi Rubatsiro Munguva Dzenhamo?’ Ndapedza ndakaimba rwiyo rwoga rwandaiziva nemusoro rwokuti: ‘Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu.’ Ndakarwuimba ndarwuimbazve. Pandaiimba, ndakafunga zvandakanga ndaita mubasa raJehovha, misodzi ikatanga kuyerera.
“Mumwe munhu aiva pamba pamhiri pomugwagwa akadaidzira kuti, ‘Ungada rubatsiro here? Rega ndiuye kuzokubatsira!’” Murume akadaidzira uyu akanga agadzira kaigwa nemapuranga aiva akayangarara mumvura uye akanga achinunura vanhu munzvimbo iyi. Masaaki akabatsirwa nomurume uyu kupinda mumba memumwe munhu nepahwindo raiva panhurikidzwa yechipiri. Akazofara paakanzwa kuti hanzvadzi vaya vaiva nemota yakanga yakukurwa vakanga vanunurwawo.
Vanhu vakanga vachifara chaizvo vachitarisira muchato waKohei naYuko, waizoitwa paImba yoUmambo iri muRikuzentakata musi weMugovera March 12. Vachangobva kupiwa gwaro ravo romuchato neChishanu pane imwe hofisi muguta, kudengenyeka kwakabva kwaitika. Kohei akanzwa muguta muchiziviswa kuti kwaiuya tsunami achibva amhanyira pakakwirira. Anoti: “Guta rose rakanga rangova utsi neguruva. Zvinhu zvose zvakanga zvaparara kunze kwezvivako zvirefu zvishomanana. Ndakanga ndichimbofunga nezvezvataida kuzoita musi iwoyo asi ndakatozoona kuti zvakanga zvaitika zvakanga zvisiri zvokutamba nazvo.”
Kohei naYuko vakazopedzisa zuva roMugovera vava kubatsira hama nehanzvadzi dzemuungano. “Takawana ruyamuro kubva kuungano dziri pedyo,” akadaro Kohei. “Ndakafara chaizvo kunzwa kufara kwaiita mudzimai wangu nokushandisa nguva nesimba pakubatsira hama dzedu. Ndinotenda Jehovha chaizvo nekundipa mudzimai akanaka kudai. Tsunami yakakukura imba yedu itsva, motokari, nezvose zvataiva nazvo. Asi ndinotenda chaizvo rudo rwatakaratidzwa nehama.”
Kubatsirwa Nezvokushandisa, Kunyaradzwa, Uye Kusimbiswa neMagwaro. Bazi romuJapan rakakurumidza kuronga matare matatu kuti anobatsira panjodzi iyi uye rakaramba richitumira vamiririri vebazi ikoko. Muna May pakauya vatariri vanoshanyira mapazi, Geoffrey Jackson naIzak Marais vokuBrooklyn, vakaendawo kunoonana nehama nehanzvadzi dzaiva munzvimbo yakanga yanyanya kuparadzwa. Pakarongwa musangano unokosha weungano dzomunzvimbo iyi zvokuti hama dzinenge 2 800 dzaiva paDzimba dzeUmambo 21 dzakateerera pachishandiswa runhare dzikaudzwa kuti dzinodiwa nehama dzomunyika yose.
Matare okubatsira nevamwe vakazvipira vakashanda zvakaoma kuti vape vanhu zvavaida. Painyanya kudiwa zvokudya, mvura, mafuta emotokari neparafini. Matare aya akarongawo kuti ungano dzakanga dzawirwa nenjodzi dzitumirwe mbatya dzakasiyana siyana. MuDzimba dzoUmambo makaiswa pokuturika mbatya nemagirazi okuzvitarisa, mukatomboita semuzvitoro zvembatya.
Hama nehanzvadzi dzaiva mudambudziko dzakazofara padzakaona kuti Jehovha akadzipa zvadzaishayiwa uye akadzinyaradza! Vakasimbiswa zvikuru nemisangano yeungano. Imwe hanzvadzi yaigara kwakaitika njodzi iyi yakanyora kuti: “Pfungwa dzangu dzinonyatsogadzikana pandinopinda misangano. Ndiyo yakabata ukama hwangu naMwari.”
Shoko Rinopa Tariro. Hama dzemuJapan hadzina kumbononoka kuzivisa vavakidzani vakanga vachitambudzika mashoko anonyaradza ari muShoko raMwari. Boka revaparidzi mune rimwe guta risina kuitika njodzi rakaparidza mumugwagwa nechikwangwani chihombe chakanzi, “Nei njodzi iyi yaitika? Mhinduro yacho iri muBhaibheri.” Vanhu vakawanda vakafarira uye hama idzi dzakapa vanhu mabhuku 177 aBhaibheri Rinombodzidzisei? muzuva rimwe chete nehafu.
Munzvimbo dzakaitika njodzi, hama dzaitanga dzashanyira vanodzidza Bhaibheri nekudzokerera vanofarira, dzozoenda kunonyaradza vavakidzani. Akiko anoti: “Pandakaverengera mumwe saimba Mateu 6:34, akatanga kuchema. Zvakaratidza kuti aiva nezvakawanda zvaimunetsa. Pandakatsanangura kubatsira kunoita Bhaibheri kuti munhu anyatsogadzikana mupfungwa, akabvumirana nazvo akanditenda. Izvi zvandibatsira kuwedzera kutenda kuti Magwaro ane simba rokuchinja mwoyo yevanhu.”
Mumwe murume akati: “Kune machechi akawanda, asi imi ndimi moga muri kutishanyira, kunyange panguva yakaoma kudai.” Mumwezve akataura noruremekedzo kuti: “Zvinoshamisa kuti munoramba muchiita basa renyu semazuva ose kunyange mudambudziko iri.” Mumwe mukuru muungano akati: “Vakawanda vaititambira pataivashanyira. Vaiti, ‘Ndimi vokutanga kutishanyira kubva paitika njodzi iyi. Tapota mudzoke.’”
SHANDURO YENYIKA ITSVA MUMITAURO 106!
Musi weChishanu, July 15, 2011, haukanganwiki nevanhu vekuLatvia nevekuLithuania nekuti zvakaitika musi iwoyo zvinokosha munhoroondo yevanhu vaMwari. Muhurukuro yaiteererwa munyika dzacho dzose, Stephen Lett weDare Rinodzora akabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiLatvian nechiLithuanian, uye mitauro miviri iyi ndiyo yakava yechi99 ne100 yeshanduro iyi. Kwemakore manomwe adarika, Dare Rinodzora riri kukoshesa kushandurwa kweBhaibheri kupfuura zvimwe zvose. Izvi zvaita kuti Shanduro Yenyika Itsva ibudiswe mumitauro inopeta nekaviri iya yakabudiswa kusvika muna 2004, uye vashanduri munyika yose vachiri kushanda nesimba kushandura Bhaibheri mumimwe mitauro yakatowanda.
Hakusi kufara kunoita hama padzinogamuchira Bhaibheri mumutauro wadzo chaiwo. Imwe hama yekuCentral African Republic yakati, “Unogona kungova hako neBhaibheri, asi hapana chingaenzana nokuzorinzwisisa mururimi rwaamai. Shanduro yeNyika Itsva mumutauro weSango inotaura zvinosvika pamwoyo chaipo. Pandinoverenga Evhangeri, ndava kukwanisa kufungidzira nezvevanhu vomuBhaibheri uye kunzwisisa manzwiro avaiita.” Imwe hanzvadzi yokuEthiopia yakataura zvinofungwawo nevakawanda ichiti, “Kungoti ‘mazvita’ hakunyatsobudisi zviri mumwoyo mangu. Ndaigara ndichinyengetera kuna Jehovha kuti atipe Shanduro yeNyika Itsva mumutauro wedu. Zvino azondipa!”
NYAYA DZINOFADZA DZAKAITIKA KWAKASIYANA-SIYANA
Nyakutyisidzira Muvakidzani Akazogonekwa kuRussia. Imwe hanzvadzi yakura inonzi Vera, yainetswa kwemakore nemuvakidzani aisafarira Zvapupu zvaJehovha. Murume uyu aimutyisidzira uye aimutuka zvinonyadzisira vazukuru vake vaiwanzomushanyira varipo. Achifunga nezvemashoko ari pana VaRoma 12:18, Vera aipindura zvakadzikama nguva dzose uye aisakakavadzana naye. Muna January 2011, muvakidzani wake akanga otonyanya. Achityira upenyu hwake, Vera akamhan’ara kune mumwe mupurisa uyo, sezvineiwo akanga ambomushanyira muna March 2010 aine mumwe mukuru wemuguta imomo. Vakanga vamuvinga kuzoona kana iye nezvimwe Zvapupu zvaiungana pamba pake vaironga kupandukira hurumende. Asi iye zvino mupurisa uya akazonyatsoona kuti muvakidzani uyu ndiye aiva dambudziko. Akatuka muvakidzani uya akamubhadharisa faindi yemaruble 3 000 (ingada kusvika US$100). Kubvira ipapo haana kuzombonetswa nemuvakidzani uyu. Nokufarira zvaakanga aitirwa, Vera akanyorera mapurisa tsamba achiatenda. Zvakamushamisa ndezvokuti tsamba yake yakatopindurwa nemukuru wemapurisa. Akatenda Vera nemashoko ake aakanyora nezvomupurisa akanga amubatsira. Akanyorawo kuti: “Mashoko enyu anofadza, akanyatsosiyana nezvinotaurwa nevakawanda vachishora mapurisa mazuva ano, uye anoratidzawo kuti munovimba nesu.” Vera anotaura kuti mupurisa uyu anogara achipfuura nepamba pake kuti ave nechokwadi kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka.
“Madhodhabhini” kuTurkey. Vamwe vanhu vaviri vakanga vachangobva kutanga kudzidza Bhaibheri vakapinda gungano reruwa. Vakanyora kuti: “Takafunga kuti tiri kurota. Vanhu vose vainyemwerera, vaiva neushamwari uye tsika dzavo dzainwisa mvura. Pakuzorora kwemasikati, takafamba-famba panzvimbo iyi tisingambonzwi sokunge tiri vaenzi. Takazoona hama yaidzidza nesu Bhaibheri ichiuya patiri. Akanga akabata bhini. Takaedza kumunzvenga nekuti taifunga kuti basa rake nderokutakura marara, saka taisada kuonekwa seshamwari dzamadhodhabhiniwo zvake. Takabva tangomupa gotsi ndokuedza kungoverevedza tichipinda muchaunga. Takati nechemumwoyo, ‘Tiri kudzidzirei Bhaibheri namadhodhabhini, panzvimbo pokudzidza nemumwe munhu anopa hurukuro pachikuva?’
“Zvisinei, sezvo takaramba tichidzidza, takazoziva kuti munhu uya aitidzidzisa wataiti madhodhabhini akanga ari nhengo yeDare Rebazi uye akanga achishanda pabazi reZvapupu zvaJehovha. Takaramba tichifambira mberi pakunamata, tikatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha, tanzwisisa kuti hama yedu yakanga ichizvibata ‘semuduku.’ (Ruka 9:48) Tinotenda zvikuru chidzidzo chinokosha chatakawana pamusangano mukuru wokutanga watakapinda!”
Manyepo kuArmenia. Vanobudisa nhau vakatanga kufambisa manyepo nezveZvapupu zvaJehovha apo mumwe mukomana akauraya vabereki vake muguta reSevan akanzi aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Takabva tangotumira mashoko kumasangano enhau tichiruramisa nhema idzi. Asi manyepo aya akaramba achifambiswa, zvokuti paTV pakabudiswa nyaya iyi pachitoziviswa kuti mukomana uyu aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Paitaurwa nezveZvapupu pachishandiswa mashoko okutsvinya, okuzvidza, uye painge pakanyorwa mashoko aiti “Mhondi Dzakatumwa naJehovha Dzine Utsinye Dzisingafungi Dzoga.” Vaitokurudzira vanhu kuti kana vakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha, vavarwise. Izvi zvakaita kuti kutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha kuwedzere zvaitooneka munyika iyi. Nhepfenyuro yeTV yakamhan’arirwa kumatare ikanzi itaurire vanhu kuti mashoko aya haasi echokwadi, ikumbire ruregerero uye itiripe kusvibisa zita redu nomukurumbira kwayakaita. Pakaenda Bhuku Regore ra2012 kunodhindwa nhepfenyuro iyi yakanga isati yaita izvi, kunyange zvazvo vaikurukurwa navo kuti nyaya igadziriswe noushamwari.
Mainjiniya Emangwana kuVenezuela. Rimwe boka revana raienda kukireshi, raipfuura nepaivakwa Imba yoUmambo mangwanani oga oga muguta reSan José de Guaribe. Vachinakidzwa nezvose zvaiitika, vaiwanzomira kwekanguva vachitarisa. Rimwe zuva vari mukirasi, mudzidzisi wavo akavabvunza kuti vaida kuzoitei kana vakura. Akashamiswa nokuti vakati wandei vakati vaida kuzova “mainjiniya seZvapupu zvaJehovha”! Vachida kuzvionerawo, iye nomumwe mudzidzisi vakasarudza kutora kirasi yose ndokuenda nayo kwaivakwa kwacho. Pavakasvika, vaivaka vakatenderera navo vachivaratidza nzvimbo yacho yaivakwa. Vana vakanakidzwa chaizvo, kunyanya pavakabvumirwa kupfeka heremeti dzine ruvara rwakasiyana-siyana. Vadzidzisi vacho vakanga vaine mibvunzo yakawanda uye pakapiwa uchapupu hwakanaka.
Canada Inowedzera Magazini Ainodhinda. Kuti zvinhu zvakatsaurirwa zvishandiswe neungwaru, Dare Rinodzora rakakumbira bazi reCanada kuti ridhinde magazini eNharireyomurindi neAwake! eungano dzose dziri muBermuda, Guyana, Canada, United States, uye zvitsuwa zvakawanda zveCaribbean. Saka, kutanga negore rebasa ra2011, bazi reCanada rakatanga kudhinda magazini akapetwa ka12 pane araimbodhinda. Canada yava kudhinda magazini mumitauro 30 kureva kuti inodhinda zvikamu zvingada kusvika 25 muzana zvemagazini edu anobudiswa pasi rose.
Kukoka Veruzhinji kuBheteri kuFinland. Dare Rinodzora rakapa mvumo yokuti pave nomushandirapamwe wokuzivisa vanhu nezveZvapupu zvaJehovha uye mashoko avava nemakore zana vachizivisa muFinland. Hama dzakashingairira kuparadzira Awake! yaAugust 2010 yaiva nenyaya dzaitangira pabutiro dzaiti “Zvapupu zvaJehovha Ndivanaani?” Izvi zvakaita kuti pave nemikana yakawanda yokukurukura nezvebasa redu. Kupera kwaAugust hama dzakazoronga kuti vanoda vauye kuzoona zvinoitwa pahofisi yebazi. Mhuri yose yeBheteri yakabatsira pakutsanangurira vanhu basa rinoitwa ipapo. Vakabudisa zviratidzwa zvebasa redu kuti vashanyi vaone. Vamwe vashandi vepaBheteri vakapfekawo mbatya dzekare vakarembedza zvikwangwani kumusana nokumberi vachienzanisira zvaiitwa pakukoka vanhu kuhurukuro dzavose muma1940 nema1950. Madhipatimendi anoverengeka akagadzira tunhu twokupa vaenzi kuti vazoyeuka kushanya kwavo paBheteri. Vanhu vanokwana 1 500 vakauya. Mapepanhau, maredhiyo nemaTV akataura zvakanaka nezvebasa redu.
Kusagadzikana muCôte d’Ivoire. Gore rebasa ra2011 rakatanga zvakanaka uye taitarisira kuti vanhu vaizowedzera, sezvo paiva nezvidzidzo zveBhaibheri zvaisvika 23 019 zvichiitiswa nevaparidzi 8 656. Zvisinei, November ava kunopera, makakatanwa akamuka pashure pesarudzo akaita kuti munyika muve nezhowezhowe uye kurwisana. Kurwisana uku kwakazosvika muguta guru reAbidjan muna March kukaenderera mberi kusvikira muna April 2011, zvikaita kuti vanhu vakawanda vabude muguta iri kunyange munyika iyi. Pavanhu ava paiva nehama dzedu dzakawanda, dzakatiza netsoka dzichisiya misha nezvinhu.
Munguva yose iyi yakaoma, kusapindira kwehama dzedu mune zvematongerwo enyika kwakadzidzivirira. Masoja akambopinda pane chimwe chikoro chepuraimari pakanga paine vadzidzisi navanachipangamazano vaiita musangano. Vose vakanzi varare pasi uye vavape zvinhu zvavo zvaikosha. Hama yedu payakavapa bhegi rayo rakanga rakazara nemabhuku edu, masoja akabva aziva kuti aiva Chapupu chaJehovha. Vakamudzorera bhegi rake nemari yake nenhare yake yeserura, vakati: “Iwe hausi mhandu yedu.”
KUTSAURIRWA KWEMAPAZI KUNOKUDZA MWARI
KuChile, musi waDecember 18, 2006 kwakatangwa basa rokuwedzera bazi, raisanganisira kuvakwa kweimba yemahofisi ine nhurikidzwa mbiri uye imwe yedzimba dzokugara ine nhurikidzwa nhatu, pamwe nokuwedzera imba inochengeterwa zvinhu. Musi waOctober 16, 2010, vanhu 5 501 vakaungana papurogiramu yokutsaurira, uye David Splane weDare Rinodzora akapa hurukuro yacho nechiSpanish.
Musi waFebruary 19, 2011, paiva nevanhu 210 pakatsaurirwa kuwedzerwa kwehofisi muBurkina Faso. Hurukuro yacho yakapiwa naJohn Kikot, akabva kudzimbahwe. Basa rekuparidza muBurkina Faso raimbotungamirirwa nebazi rokuCôte d’Ivoire kusvikira muna May 2011, parakazotanga kutungamirirwa nebazi rekuBenin. Kuzvibata kwevanhu vaivaka kwakaita kuti zita raJehovha rirumbidzwe. Mumwe mushandi weimwe kambani hombe yaiunza zvinhu akati: “Pakanga pasina kana zhowezhowe. Hatisati tamboshanda panenge pachivakwa nevanhu vakadzikama uye vanofara zvakadaro.”
Musi waAugust 27, 2011, aiva makuwerere pakatsaurirwa mahofisi ava kushandiswa nebazi rekuHong Kong. Mahofisi aya ari munhurikidzwa yechi19 yechivako chine nhurikidzwa 37 chakatarisana neVictoria Harbor. (Pane kachiratidzo pamufananidzo wacho.) Stephen Lett weDare Rinodzora akapa hurukuro yekutsaurira yakateererwa nevanhu 290 vakanga vakagara muimba yekudyira, vamwe mumahofisi uye munosvikira mabhuku. Mahofisi aya akarerutsira madhipatimendi anoti, Reshanduro, Rebasa, Rekurekodha, Rekutenga, Rekutumira mabhuku, uye Reakaunzi.
NYAYA DZEMUMATARE
Muprofita akatendeka Jeremiya ainyatsovimba kuti Mwari Wemasimbaose aisazomusiya. Jehovha akati: “Vacharwa newe, asi havazokukundi. Nokuti ini ndinewe, kuti ndikuponese uye kuti ndikununure.” (Jer. 15:20) Sezvinoratidzwa nenyaya dzinotevera, vashumiri vaJehovha vemazuva ano vakazvionerawo kutsigira kwaanoita pavanoita basa ravakapiwa rokuparidza pasinei nokupikiswa.—Mat. 24:9; 28:19, 20.
Armenia Vahan Bayatyan mumwe weZvapupu zvaJehovha akatongerwa makore maviri nehafu nekuti akaramba kupinda muchiuto sezvo zvichipesana nehana yake. Aona pasina chakabuda paakakwidza nyaya yake mumatare emuArmenia, akazoikwidza kuEuropean Court of Human Rights (ECHR). Musi waOctober 27, 2009, vatongi vanomwe veECHR vakapa mutongo wavo vachiti Hama Bayatyan vaiva nemhosva. Asi mumwe mutongi haana kubvumirana nazvo achiti “hazvienderane nemitemo iri kushandiswa muEurope panyaya yokuramba chiuto nemhaka yehana.” Ichifunga kukosha kwenyaya yacho, ECHR yakabvuma kukwidza nyaya yacho kudare reGrand Chamber rine vatongi 17.
Musi waJuly 7, 2011, pavatongi 17 vaiumba dare racho, 16 vavo vakapa mutongo wokuti nyika yeArmenia yakanga yatyora kodzero yaHama Bayatyan yokushandisa hana yavo. Dare racho rakati harina “chikonzero chokuramba kuti kusada kupinda muchiuto kwehama yedu kwaibva pane zvainotenda, zvisiri zvokunyepedzera uye zvinonyatsopesana nezvayainzi iite.” Mutongo uyu unokosha unogona kuzoita kuti hama 69 dziri mumajeri muArmenia dzisunungurwe, pamwe nedzimwe dziri kupiwa mhosva yakadaro kuAzerbaijan nekuTurkey.a
Bulgaria Musi waApril 17, 2011 vanhu vanopfuura zana, vanosanganisira madzimai, vana, nevakwegura, vakanga vakaungana murunyararo vachirangarira rufu rwaKristu paImba yoUmambo muBurgas. Pakasvika varume vangasvika 60 vakatanga kukanda mazitombo kuZvapupu zvakanga zvakamira pamusuo. Vakaedza kupinda muImba yoUmambo zvechisimba, asi hama dzakavadzivisa. Mapurisa akabva afonerwa, asi akanonoka kuuya. Zvapupu zvakati kuti zvakakuvara, uye vashanu vakatozotakurwa neamburenzi kuendeswa kuchipatara. Pasinei nokurwiswa uku, ungano yakaenderera mberi neChirangaridzo. Zvakaitika izvi zvaisaenderana nekuremekedzwa kunowanzoitwa Zvapupu zvaJehovha muBulgaria uye zvakatoita kuti vakawanda vataure zvakanaka nezveZvapupu. Dare Rinodzora rakaronga kuti mapazi 13 ari munyika dzine vamiririri veBulgaria anyunyute nezvokurwiswa uku kuvamiririri vari munyika dzavo. Kubvira ipapo hurumende yeBulgaria yakashora chaizvo chiitiko ichi ikasungisa vasere vevarume vacho kuti vatongwe.
South Korea Hama dzinopfuura 800 dzichiri mumajeri muSouth Korea nenyaya yekusapinda kwavo muchiuto, zvichibva pane zvavanotenda. Kubvira muna 1950 Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 16 000 zvakatongerwa makore anopfuura 31 000 nechikonzero chokuramba kupinda muchiuto. Nei varume vechiduku vakawanda kudaro vachitsika madziro panyaya iyi?
Mumwe nemumwe wavo anoshandisa hana yake kuramba kupinda muchiuto. Somuenzaniso, Kim Ji-Gwan akatsanangurira dare kuti: “Ndakabayiwa mwoyo chaizvo nedzidziso dzeBhaibheri dzakaita sedzokuti ‘vanhu havazodzidzizve kurwa’ uye ‘ida muvakidzani wako sezvauzviita.’ Ndakadzidzawo kuti rudo rwechokwadi runogona kuita kuti tide vavengi vedu. Zvichibva pamagwaro aya nemamwewo uye kunyatsoziva kwangu zvandinoda nezvandisingadi, ndakasarudza kuramba basa rechiuto.”—Isa. 2:4; Mat. 5:43, 44; 22:36-39.
Parizvino, varume vechiduku kuSouth Korea havapiwi mukana wokusarudza rimwe basa risiri rechiuto. Tichiedza kugadzirisa nyaya yacho, nyaya gumi dzakakwidzwa kuDare Rinoongorora Bumbiro Remutemo muKorea. Musi waNovember 11, 2010, mudare makataurwa mativi ose enyaya, kusanganisira kuongorora kana kuramba kuri kuita Korea kupa vanhu vanoramba chiuto nechikonzero chehana mukana wokuita rimwe basa risiri rechiuto kusiri kutyora kodzero dzevanhu vayo.
Zvichakadaro, musi waMarch 24, 2011, bazi reUnited Nations Human Rights Committee (UNHRC), rakapa mutongo wokuti South Korea yakanga yatyora kodzero dzevanhu dzinozivikanwa pasi rose payakaisa Zvapupu zvaJehovha zana mumajeri nechikonzero chokuramba kupinda muchiuto. (Hama idzi dzakanga dzakwidza nyaya yadzo yokuiswa mujeri kuUNHRC.) Uyezve mutongo uya wakanaka wakapiwa panyaya yaHama Bayatyan neGrand Chamber yeECHR (ona nyaya yeArmenia pamapeji 34-35), wakaendeswa kuDare Rinoongorora Bumbiro Remutemo reKorea kuti vaone kana vangaushandisawo pakutonga nyaya gumi dzisati dzatongwa. Kunyange zvakadaro, pana August 30, 2011 dare iri rakaramba richitsigira mutemo wekunoshanda muchiuto uye kusungwa kwevanenge varamba chiuto nechikonzero chehana richinyatsopesana nemutongo weUNHRC. Vachiona kuti mutemo wekunoshanda muchiuto uri kupesana nezviri mubumbiro remutemo nezverusununguko rwokuzvisarudzira, vaviri pavatongi vapfumbamwe havana kubvumirana nemutongo wacho vachiti vanhu vanofanira kupiwa mukana wokusarudza mamwe mabasa asiri echiuto.
Turkey Musi waJuly 31, 2007, hama dzedu dzemunyika iyi dzakawana rusununguko rwokunamata zviri pamutemo. Kunyange zvazvo pachine matambudziko panyaya yekusatsigira zvematongerwo enyika uyewo pakushandisa Dzimba dzoUmambo, basa raMwari riri kufambira mberi. Musi waApril 26, 2011, Bazi redzidzo muTurkey rakabudisa mashoko richiti ‘Zvapupu zvaJehovha zvisamanikidzwe kuita zvidzidzo zvechitendero zvinoitwa muzvikoro.’ Bazi iri rakataura chikonzero chacho richiti “kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvisingabvumirani nedzidziso dzemamwe machechi echiKristu, izvo chitendero chechiKristu.” Aya mashoko akafadza hama nehanzvadzi dzedu dzechiduku dzakanga dzichimbofoiriswa makore apfuura nokuti dzairamba kupinda mumakirasi ezvidzidzo zvechitendero.
United States Muna May 2011, dare reKansas Court of Appeals, rakatonga richitsigira Mary D. Stinemetz uyo akakwidza nyaya yake achipikisana nebazi reutano remuKansas. Dare iri rakatonga kuti kuramba kwakaita hurumende yemuKansas kupa Hanzvadzi Stinemetz mvumo yokunorapwa vasingawedzerwi ropa kune imwe nyika kwaiva kutyora kodzero yavo. Sezvo rudzi rwekuvhiya pasina ropa rwaida kuitwa hanzvadzi ava rwaisawanikwa muKansas, dare rakati hurumende yeKansas ibvumire kuti hanzvadzi ava varapirwe havo kumwe. Kukunda uku hakusi kuzongobatsira Hanzvadzi Stinemetz chete, asi vaparidzi vose vemuUnited States vanorapwa vachitsigirwa nehurumende.
Musi waAugust 10, 2011, Dare Repamusorosoro rokuKansas rakatsigira Monica McGlory, mumwe weZvapupu zvaJehovha, kuti achengete mwanakomana wake. Baba vemwana wacho vakanga vachiti ndivo vanoda kumurera vachipa zvikonzero zvokuti Hanzvadzi McGlory havafaniri, nekuti (1) vaizoramba kuti mwana awedzerwe ropa, (2) vaienda nemwana muushumiri hwepaimba neimba, uye (3) vaimuparadzanisa nababa vake nevanhu pamusana pokumudzidzisa nezveAmagedhoni.
Dare Repamusorosoro rekuKansas rakanyatsoratidza mutemo uri mubumbiro ravo ra1957 parakati: “Rusununguko rwokunamata, urwo runotsigirwa nebumbiro redu remutemo, rwunofanira kuremekedzwa, uye kudzidzisa mwana zvechitendero hakufaniri kutorwa sechikonzero chokurambidza munhu kuchengeta mwana.” Panyaya yeropa, dare racho rakati: “Hatikwanisi kusarudza kuti mwana achachengetwa naani tichishandisa zvimwe zvinhu zvisati zvatomboitika zvakaita setsaona kana kurwara zvinogona kuzoita kuti awedzerwe ropa.”
France Musi waJune 30, 2011 pakava nomufaro mukuru, dare reECHR parakapa mutongo richitsigira Zvapupu zvaJehovha zvemuFrance. Apa ndipo pakaperera nyaya yakamutsa makakatanwa mumatare kwemakore 16 yakonzerwa nokuti tainzi tibvise mazimari emutero anokwana zvikamu 60 muzana zvemari yose yemipiro yaiendeswa kubazi. Pamachechi ose makuru, Zvapupu ndizvo zvokutanga kutereswa nenzira iyi. Mari yose yakanzi ibhadharwe neZvapupu zvaJehovha inodarika US$82 000 000, mari inopfuura nokure ukoshi hwezvinhu zvose zvesangano muFrance. Nyaya iyi yakazokwidzwa kudare reECHR muna February 2005, matare ose omuFrance ati mutero uyu ubhadharwe.
Musi waJune 30, 2011 vatongi vanomwe veECHR vakabvumirana kuti kana vakatsigira mutongo wematare eFrance, zvaizoreva kuti Zvapupu zvaJehovha zvaisazova norusununguko rwokunamata munyika iyi. Dare iri rakataura kuti kodzero dzinotaurwa muEuropean Convention on Human Rights dzinoshandawo kuZvapupu zvaJehovha. Mutongo uyu uchashandiswa pakuedza kuwana rusununguko rwokunamata munyika dzinotongwa nedare reECHR dzakadai seArmenia, Bulgaria, Georgia, neRussia. Chimwewo chinokosha ndechokuti, aka ndiko kokutanga kuti hurumende yeFrance iwanikwe iine mhosva yokutyora mutemo weEuropean Convention werusununguko rwokunamata. Hurumende yeFrance haina kukwidza nyaya iyi ichipikisa.
Russia Musi waJune 10, 2010, Zvapupu zvaJehovha zvakakunda hurumende yeRussia mudare reECHR. Kunyange zvazvo hurumende yeRussia yakakumbira kukwidza nyaya iyi kudare rine vatongi 17 reGrand Chamber musi waDecember 13, 2010, vatongi vedare iri vakaramba chikumbiro ichi, saka mutongo wakapiwa musi waJune 10, 2010 ndiwo wokupedzisira. Mutongo wacho waiti hurumende yeRussia “yaifanira . . . kumira kutyora kodzero dzevanhu sezvakaonekwa nedare uye kugadzirisa zvayakakanganisa nepainogona napo.” Zvisinei, nanhasi hurumende iyi haisati yaita zvakataurwa izvi. Yakatotsvaka dzimwe nzira dzokutambudza Zvapupu uye dzokuvatadzisa kunamata vakasununguka.
Somuenzaniso, mangwanani-ngwanani omusi waAugust 25, 2011, mapurisa akapinda nechisimba mudzimba 19 dzehama dzedu muguta reTaganrog uye vakatora mabhuku, makombiyuta nezvinyorwa zveungano. Zvakaitika izvi zvinoita sezvakakonzerwa nemutongo wakanga wambopiwa neDare Repamusorosoro reRussia wokuti sangano reZvapupu muTaganrog rirambidzwe kunamata uye mabhuku edu 34 anzi ndeekupandukira hurumende. Ichishandisa zvakanga zvasarudzwa nematare eRussia, hurumende yakataura kuti mabhuku edu 63 aiva okuipandukira.
Uyezve, kanokwana ka950 hama nehanzvadzi dzedu dzakapindirwa misha yadzo nechisimba, dzikarohwa, dzikasungwa, uye dzikaiswa muzvitokisi. Vakuru vakuru vekuRussia vakapa hama dzedu mhosva 11, uye vakauraya zvinhu paDzimba dzoUmambo dzakawanda. Mapurisa akaisa makamera paimba yeimwe mhuri, airekodha zvaitaurwa pamafoni uye aiongorora matsamba aitumiranwa paIndaneti nevakawanda, chinangwa chavo chiri chokuvatsvagira mhosva dzokupandukira hurumende.
Mumwe akapomerwawo zvenhema ndiAleksandr Kalistratov ane makore 35, wemuguta reGorno-Altaysk uyo ainzi “aikurudzira vanhu kuvenga zvimwe zvitendero,” zvichinzi zvinopesana nemutemo wokudzivirira hurumende uyo unowanzoshorwa nevakawanda vanotsigira kodzero dzevanhu. Paitongwa nyaya iyi, kubvira musi waOctober 7, 2010 kusvikira musi waMarch 18, 2011, pazvapupu zvedare 71 zvakabvunzurudzwa hapana kana mumwe akakwanisa kubudisa uchapupu hwokuti Aleksandr ane mhosva yaakapara kana kuti aiva nechinangwa chokudaro. Dare rakanyatsoongorora mabhuku edu uye dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha, uye musi waApril 14, 2011, mutongi akati aisava nemhosva. Zvisinei, hurumende yakakwidza nyaya yacho kuDare Repamusorosoro reAltay Republic, uye musi waMay 26, 2011 dare iri rakasarudza kudzorera nyaya yacho kudare repasi kuti itongwe nemumwe mutongi. Izvi zvakaita kuti Hama Kalistratov, avo vakanga vanzi havana mhosva, vapindezve mudare kuti nyaya yavo iongororwe izvo zvaigona kuita kuti vapiwe mhosva yavaipomerwa yokupandukira hurumende.
Kupomerwa mhosva yakakura zvakadai kuri kuita kuti ruzhinji rucherechedze basa redu muguta duku reGorno-Altaysk. Ko Zvapupu zviri munzvimbo iyi, izvo zvinogona kusungwawo, zviri kuita sei mumamiriro ezvinhu akadaro?
“Munguva iyi yakaoma, ndakawedzera kukoshesa kwandinoita Bhaibheri,” inodaro imwe hanzvadzi inonzi Inna. “Hama dzangu nehanzvadzi imhuri chaiyo kwandiri, uye ndinonzwa ndiri pedyo naJehovha zvandisati ndamboita!” Kunyange zvazvo mamwe emabhuku edu akarambidzwa, takatanga zvidzidzo zvakawanda tichishandisa Bhaibheri chete. Nhamba yevaparidzi vemuAltay Republic yakawedzera ne24 muzana. Nhamba yemaawa eZvapupu muushumiri yakawedzera ne33 muzana. Nhamba yevakapinda Chirangaridzo yakawedzera nezvikamu 16 muzana kupfuura yegore rapera uye yaipeta kaviri nhamba yevaparidzi vose vemuAltay Republic.
Iye zvino, Zvapupu zvaJehovha muRussia zvakatorera hurumende matanho nokuendesa nyaya 13 kudare reECHR. Imwe yenyaya idzi ndeyokupokana nemutongo weDare Repamusorosoro wemusi waDecember 8, 2009 uye weDare Repamusorosoro reAltay Republic wokuti mabhuku edu 18 ndeokupandukira hurumende.
[Mashoko Omuzasi]
a Kubva muna 1965, panyaya dzose 49 dzakaendeswa kuECHR neZvapupu zvaJehovha, zvakakunda munyaya dzacho dzose kunze kwembiri chete. Pambiri idzi imwe yacho inobva yadzimwa mutongo wayo nokukunda kuchangobva kuita Hama Bayatyan.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
“Mune Zvakanyorwa nevaprofita makanzi, ‘Vose vachadzidziswa naJehovha’”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]
“Kungoti ‘mazvita’ hakunyatsobudisi zviri mumwoyo mangu”
[Bhokisi riri papeji 12]
Zvavakataura Nezvebasa Roupiyona Hwebetsero:
• “Ndakakwanisa kuita upiyona hwebetsero kokutanga muupenyu hwangu. Handizivi kuti ndingatenda sei sangano nokutipa mukana uyu!”
• “Ndinokutendai chaizvo neurongwa uhwu hutsva. Hwakandipa mufaro mukuru kwazvo.”
• “Ungano yedu haizombofi yakakanganwa nguva iyi.”
• “Kuva nemapiyona ebetsero akawanda kudai kwaita kuti ungano yedu ive norugare uye ibatane.”
• “Chokwadi, Amagedhoni inofanira kunge yava pedyo!”—Mashoko emumwe asiri chapupu akaona basa redu rakawedzera muna April.
[Bhokisi riri papeji 43]
‘SHEVEDZERAI NOMUFARO’
NHAMO dziri kuramba dzichimomotera nyika ino, iyo iri kutungamirirwa naSatani akatsamwa. (Zvak. 12:12) Asi vashumiri vaJehovha vari, ku“shevedzera vachifara nokuda kwokufara kwomwoyo.” (Isa. 65:13, 14) Havasi kudzokera shure pakukoka vakawanda sezvavanokwanisa kuti vauye kuzonamata Mwari wechokwadi, vachiziva kuti “vose vanopotera [kuna Jehovha] vachafara, vachashevedzera nomufaro nokusingagumi.”—Pis. 5:11.
[Chati/Girafu riri papeji 26]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
INOWANIKA MUMITAURO 106
Shanduro yeNyika Itsva Magwaro echiKristu
yakazara: 62 echiGiriki: 44
Afrikaans Mutauro Wemasaini wekuAmerica
Albanian Amharic
Arabic Azerbaijani
Armenian Azerbaijani (Cyrillic)
Bulgarian Mutauro Wemasaini wekuBrazil
Cebuano Cambodian
Chichewa Chitonga
Chinese (Simplified) Mutauro Wemasaini wekuColombia
Chinese (Traditional) Estonian
Cibemba Ewe
Croatian Fijian
Czech Gun
Danish Haitian Creole
Dutch Hiligaynon
Efik Hindi
English Hiri Motu
Finnish Mutauro Wemasaini wekuItaly
French Kannada
Georgian Kazakh
German Kikaonde
Greek Kiribati
Hungarian Latvian
Igbo Lithuanian
Iloko Luganda
Indonesian Luvale
Italian Malayalam
Japanese Mutauro Wemasaini wekuMexico
Kinyarwanda Myanmar
Kirghiz Nepali
Kirundi Pangasinan
Korean Papiamento (Curaçao)
Lingala Punjabi
Macedonian Mutauro Wemasaini wekuRussia
Malagasy Sango
Maltese Silozi
Norwegian Sranantongo
Ossetian Tamil
Polish Thai
Portuguese Tok Pisin
Romanian Tongan
Russian Tumbuka
Samoan Ukrainian
Sepedi Uzbek
Serbian Vietnamese
Serbian (Roman)
Sesotho
Shona
Sinhala
Slovak
Slovenian
Spanish
Swahili
Swedish
Tagalog
Tsonga
Tswana
Turkish
Twi (Akuapem)
Twi (Asante)
Xhosa
Yoruba
Zulu
[Girafi]
◀ 76% ◁ 24%
Pakazosvika 2011, inopfuura 76 muzana yevanhu pasi rose yakanga yava ne“Shanduro yeNyika Itsva” (yakakwana kana kuti Magwaro echiGiriki chete) mumutauro waamai vavo
110
100
90
80
70
60
50
40
30
20
10
0
0
1950 1955 1960 1965 1970 1975 1980 1985 1990 1995 2000 2005 2010
[Girafu riri papeji 8]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Pasi Pose, Vaparidzi 2 657 377 Vakaita Basa Roupiyona Hwebetsero
2.5 (MAMIRIYONI)
2.0
1.5
1.0
0.5
0
2008 2009 2010 2011
[Mepu iri papeji 35]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
UNITED STATES
FRANCE
BULGARIA
TURKEY
ARMENIA
AZERBAIJAN
RUSSIA
SOUTH KOREA
[Mufananidzo uri papeji 6]
Pamusoro: Mapiyona nevaparidzi vakauya kuzoitisira zvidzidzo zvavo zveBhaibheri kumba kwaJeannette. (Ona mapeji 8-9)
[Mufananidzo uri papeji 7]
Boka remapiyona enguva dzose neebetsero richienda mubasa roushumiri kuMadrid, Spain
[Mufananidzo uri papeji 10]
Toshi achiparidzira mumwe mushandi wepamusha unochengeterwa vakwegura
[Mufananidzo uri papeji 11]
Alejandro nababa vake musi wekupedzisira wemwedzi muSant Celoni, Barcelona, kuSpain
[Mufananidzo uri papeji 13]
Watchtower Educational Center kuPatterson, New York, U.S.A.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Imba yoUmambo kuRikuzentakata, Japan
[Mufananidzo uri papeji 22]
Pamusoro: Hama dzakazvipira dzichitakura zvakasara pakaparara imba yeimwe hama muShibata, kuMiyagi
[Mufananidzo uri papeji 22]
Kuruboshwe: Nhengo yeDare Rebazi ichipa hurukuro pamba peimwe hama muRikuzentakata
[Mufananidzo uri papeji 22]
Pazasi: Hama dzakazvipira dzichigadzira zvokudya zvemasikati zvepamusangano unokosha wakaitwa munzvimbo yakaitika njodzi
[Mufananidzo uri papeji 24]
Shanduro yechiLatvian neyechiLithuanian
[Mifananidzo iri papeji 31]
Mashoko ari panofamba nevanhu pedyo neNhandare yeYankee, muNew York, U.S.A. anoti vanhu vakawandisisa vakamboshandisa nhandare iyi vaiva Zvapupu zvaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 32]
Vaishanda pakuvaka hofisi yokuBurkina Faso
[Mufananidzo uri papeji 32]
Hofisi yekuBurkina Faso
[Mufananidzo uri papeji 32]
Bazi rekuChile
[Mifananidzo iri papeji 33]
Mahofisi ava kushandiswa nebazi rekuHong Kong
[Mufananidzo uri papeji 34]
European Court of Human Rights, kuStrasbourg, muFrance
[Mifananidzo iri papeji 38]
Vadzidzi vakabata maripoti avo. Vanofara nekuti vakanzi vanogona kusapinda mukirasi yaiita zvidzidzo zvechitendero
[Mufananidzo uri papeji 41]
Zvapupu zvichiparidza muGorno-Altaysk, kuRepublic of Altay