Vakaramba Vachiparidza Panguva Yechirwere cheCOVID-19
Kubva pakatanga chirwere cheCOVID-19, hama nehanzvadzi dzedu dzakatsvaga nzira dzekuti dzikwanise kuudza vamwe mashoko eBhaibheri anonyaradza. Vakatanga kunyanya kuparidza vachishandisa foni uye kuita zvekunyora tsamba, pane kuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda kana kuti kuenda padzimba dzevanhu.a Vanhu vakawanda vari kutenda zviri kuitwa neZvapupu uye zviri kuitika zviri kuratidza kuti Jehovha ari kukomborera basa ravo. (Zvirevo 16:3, 4) Inzwa zvakaitika pane chimwe chitsuwa.
Chirwere cheCOVID-19 chisati chatanga, imwe hanzvadzi inonzi Helen yaigara ichishanyira mumwe mukadzi achimukumbira kuti vadzidze Bhaibheri. Mukadzi wacho airamba. Kwangosara zuva rimwe chete kuti lockdown itange, Helen akapa mukadzi wacho Bhaibheri uye bhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei? Vanhu pavairambidzwa kubuda mudzimba, Helen akakumbirazve mukadzi wacho kuti vadzidze Bhaibheri, achimuudza kuti vaizodzidza vachishandisa foni. Akabva abvuma kudzidza. Akanakidzwa chaizvo nekudzidza kwavaiita uye akakumbira Helen kuti vadzidze mazuva ese! Mukadzi wacho akatangawo kupinda misangano nguva dzese achishandisa foni. Ari kushandisa zvaari kudzidza muupenyu hwake uye ari kuudzawo vamwe zvaari kudzidza.
Pavaiita basa rekuparidza, vamwe vaparidzi vakanyorera mapurisa ekwavanogara tsamba vachitenda basa rakanaka ravanoita. Mapurisa akashamisika paakaona tsamba dzacho. Mumwe mupurisa akaudza Jefferson, mumwe mukuru wemuungano yacho kuti, “Ndaifunga kuti Zvapupu zvaJehovha hazvifariri mapurisa.” Jefferson akamutsanangurira kuti ichocho hachisi chokwadi. Mapurisa akafarira chaizvo mashoko aiva mutsamba dzacho zvekuti vakadzinamira panopinda nevanhu mukamba yacho. Mumwe mupurisa akati, “Izvi zvinogona kuitawo kuti vamwe vanhu vatifarire.”
Edna naEdnalyn mapiyona enguva dzese.b Havana indaneti pamba pavo saka vaisakwanisa kupinda misangano yeungano vachishandisa foni. Saka vakafonera muvakidzani wavo asiri Chapupu vachimukumbira kushandisa Wi-Fi yake vopota vachibhadhara. Mukadzi wacho akavabvumira kushandisa WI-FI yake vasingabhadhari. Edna naEdnalyn vakamukoka kuti apindewo misangano yacho uye akabva atopinda. Iye zvino, mukadzi wacho nemwanakomana wake ane makore 12 nevazukuru vake vaviri, vari kudzidza Bhaibheri neZvapupu uye vari kugara vachipinda misangano yechiKristu.
Hama nehanzvadzi dzakakoka vavakidzani vavo, vavanoshanda navo nevamwewo kuti vazonzwa hurukuro yeBhaibheri yaizopiwa pachishandiswa mafoni vanhu vachiita zvekuonana pavhidhiyo. Ellaine, uyo anoshanda pane chimwe chipatara chemunzvimbo iyoyo, akambotanga achizeza kukoka vaanoshanda navo. Aifunga kuti vamwe vanachiremba vanogona kunge vasingafariri Zvapupu. Kunyange zvakadaro, akatumira vanachiremba vacho mameseji achivakoka. Ellaine ainyanya kuzeza kukoka mumwe murume nemudzimai vanoshanda savanachiremba. Asi akafunga nezvenyaya yacho achibva anyengetera, achibva azovatumira meseji achivakoka. Mudzimai wacho akapindura kuti: “Saka uri kuda kuti ndive Chapupu chaJehovha here?” Ellaine akati munhu wese aigona kupinda musangano wacho, kunyange vasiri Zvapupu zvaJehovha. Mangwana acho, Ellaine akashamisika paakaona murume nemudzimai wacho vakurumidza kupinda pamusangano wacho! Anoti: “Musangano usati watombopera, mudzimai wacho akanditumira meseji achiti: ‘Aka ndiko kekutanga kupinda musangano weZvapupu zvaJehovha. Ndanakidzwa chaizvo. Wakaita hako nekundikoka.’”
Ellaine akakoka vanachiremba 20 kuti vapinde musangano wacho uye akafara kuona kuti 16 vakapinda. Achitevedzera zvakataurwa nemuapostora Pauro, Ellaine anoti: “Ndinofara kuti ‘ndakazvishingisa’ kuti ndiudze vandinoshanda navo ‘mashoko akanaka aMwari.’”—1 VaTesaronika 2:2.
Chirwere cheCOVID-19 chiri kuita kuti upenyu hwevanhu vese huome. Asi hama nehanzvadzi dzedu dzepachitsuwa ichi uye dziri pasi rese dziri kuramba dzichifara uye dzichiita zvese zvadzinogona kuti dzinyaradze uye dzibatsire vamwe.—Mabasa 20:35.
a Zvapupu zvaJehovha zvinoita ushumiri hwazvo zvichitevedzera mitemo yemunyika dzavanogara.
b Mapiyona vashumiri vechiKristu venguva yakazara.