17 Munofanira kuuya nezvingwa zviviri kubva kudzimba dzenyu, kuti zvive mupiro unovheyeswa. Zvinofanira kubikwa nefurawa yakatsetseka inokwana zvegumi zviviri zveefa. Zvinofanira kubikwa zviine mbiriso,+ sezvibereko zvinotanga kuibva zvinopiwa Jehovha.+