18 Pese pavaipiwa vatongi naJehovha,+ Jehovha aibva ava nemutongi wacho ovaponesa kubva mumaoko evavengi vavo mazuva ese emutongi wacho; nekuti Jehovha aivanzwira tsitsi+ nekugomera kwavaiita kwaikonzerwa nevaya vaivadzvinyirira+ nevaya vaivaitira utsinye.