21 Ngirozi yaJehovha yakabva yatambanudza tsvimbo yaiva muruoko rwayo ikagunzva nyama nechingwa chisina mbiriso nekunoperera tsvimbo yacho, moto ukabva wati ngandu uchibuda padombo ukapisa nyama nechingwa chisina mbiriso.+ Ngirozi yaJehovha yakabva yanyangarika.