8 Hamani akabva ati kuna Mambo Ahashivheroshi: “Pane vamwe vanhu vakapararira+ uye vari kwese kwese pakati pemarudzi ari mumatunhu ese eumambo hwenyu,+ vane mitemo yavo yakasiyana neyevamwe vanhu vese; uye havateereri mitemo yamambo, uye kuvasiya vakadaro kunokanganisa zvido zvamambo.