19 Haiwa Jehovha, simba rangu nenhare yangu,
Nzvimbo yangu yekutizira pazuva rekutambudzika,+
Marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika,
Uye achati: “Madzitateguru edu akagara nhaka nhema dzisingaiti,
Zvinhu pasina uye zvisina maturo, zvisina zvazvinobatsira.”+