10 Iyi ndiyo nzvimbo ichava mupiro mutsvene uchapiwa vapristi.+ Ichange yakafara makubhiti 25 000 kuchamhembe, makubhiti 10 000 kumavirira, makubhiti 10 000 kumabvazuva, uye makubhiti 25 000 kumaodzanyemba. Pakati payo ndipo pachava nenzvimbo tsvene yaJehovha.