17 Akati kwaari kechitatu: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akanetseka nekuti akanga amubvunza kechitatu kuti: “Unondida here?” Saka akati kwaari: “Ishe, munoziva zvinhu zvese; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari: “Ipa makwai angu madiki zvekudya.+