19 Haiwa Jehovha, simba rangu nenhare yangu, nzvimbo yangu yokutizira muzuva rokutambudzika,+ marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika,+ uye achati: “Chokwadi madzitateguru edu akagara nhaka nhemawo zvadzo,+ zvinhu pasina uye zvinhu zvakanga zvisina zvazvinobatsira.”+