34 “Zvino pakapera mazuva acho,+ ini Nebhukadhinezari, ndakatarira kumatenga,+ kunzwisisa kwangu kukadzoka kwandiri; uye ndakarumbidza Wokumusorosoro,+ uye ndakarumbidza ndikakudza Iye anorarama nokusingagumi,+ nokuti ushe hwake ushe husingagumi noumambo hwake huripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+