Mamwe Mashoko
^ [1] (ndima 14) Pane zvakawanda zvakafanana pakugara kwakaita vaJudha senhapwa muBhabhironi kwemakore 70 nezvakaitika kuvaKristu pashure pekunge vamwe vatsauka pakutenda. Asi hatigoni kutaura kuti kutapwa kwakaitwa vaJudha kunofananidzira zvakaitika kuvaKristu vakazodzwa. Nguva dzekutapwa kwacho dzainge dzakareba zvakasiyana. Saka hatifaniri kuedza kutsvaga kuti zvese zvakaitika pakatapwa vaJudha zvaifananidzirei, sekunge kuti pane pazvinobatana nezvakaitika kuvaKristu vakazodzwa gore ra1919 rava pedyo kusvika.