Mashoko Emuzasi
c Ichi chakanga chiri chikanganiso chakaitwa namasangano echiKristudhomu akawanda. Lutheran rakanga riri zita ramadunhurirwa iro vavengi vaMartin Luther vakapa vateveri vake, avo ipapo vakarigamuchira. Nenzira yakafanana, vaBaptist vakagamuchira zita ramadunhurirwa iro vokunze vakanga vavapa nemhaka yokuti vaiparidza rubhapatidzo kupfurikidza nokunyudza. Nenzira yakada kuti fananei, vaMethodist vakagamuchira zita rakapiwa kwavari nomumwe wokunze. Pamusoro pokuti Society of Friends yakasvika sei pakunzi vaQuaker, The World Book Encyclopedia rinoti: “Shoko rokuti Quaker pakuvamba rakarehwa sokudenha kuna Fox [muvambi wacho], uyo akaudza mutongi weEngland ku‘dedera paShoko raIshe.’ Mutongi akaidza Fox kuti ‘quaker.’”