RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Nguva Yacho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
    • Munyori uyu weBhaibheri akanga asiri kutaura kuti upenyu hwomunhu mumwe nomumwe hwakafanorongwa kana kuti hungazoguma sei, asi aitaura nezvechinangwa chaMwari uye kuti chaizochinja sei upenyu hwevanhu. Tinozviziva sei? Ndiyo pfungwa yemashoko acho ose. Soromoni paakanga ataura pamusoro pezvinhu zvinoita sokuti zvine “nguva yakatarwa,” akanyora kuti: “Ndakaona basa iro Mwari akapa vanakomana vevanhu ravanofanira kuita. Iye akaita zvinhu zvose zvakanaka panguva yazvo.”—Muparidzi 3:10, 11.

      Mwari akapa vanhu zvinhu zvakawanda zvokuita, uye Soromoni akanyora nezvezvimwe zvacho zvinoverengeka. Mwari akatipawo rusununguko rwokusarudza zvatinoda kuita. Zvisinei, basa rimwe nerimwe rine nguva yakakodzera kuti riitwe, zvichizoita kuti ribudirire. Somuenzaniso, chimbofunga nezvemashoko aSoromoni okuti “nguva yokudyara nenguva yokudzura zvakadyarwa,” ari pana Muparidzi 3:2. Varimi vanoziva kuti chirimwa chimwe nechimwe chine nguva yakakodzera yokuti chidyarwe. Zvakadini kana murimi akatadza kutevedzera chokwadi ichocho chiri nyore odyara panguva isiri iyo kana kuti mumwaka usiri iwo? Angati zvakanga zvakafanorongwa here kana akatadza kuwana goho rakanaka, kunyange akashanda nesimba? Kwete! Anenge angokanganisa nguva yokudyara zvirimwa zvacho. Murimi wacho aizobudirira kudai aizoita zvinoenderana nemarongerwo akaitwa mwaka noMusiki.

      Saka, Mwari haana kuronga zvichaitika kumunhu mumwe nomumwe kana kuti zvimwe zvinhu zvinozoguma sei, asi akaisa mitemo inotungamirira zvinoitwa nevanhu ichienderana nechinangwa chake. Kuti vanhu vabudirire pane zvavanenge vachiita, vanofanira kunzwisisa uye vanofanira kuita zvinowirirana nechinangwa chaMwari uye nenguva. Zvinhu zvakafanorongwa uye zvisingachinjiki hausi upenyu hwomunhu mumwe nomumwe asi zvinangwa zvaMwari. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akazivisa kuti: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu . . . harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”—Isaya 55:11.

  • Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Nguva Yacho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
    • Kunzwisisa Nguva yaMwari

      Soromoni akambozvitaura. Apedza kutaura kuti: “[Mwari] akaita zvinhu zvose zvakanaka panguva yazvo,” akaenderera mberi achiti, “Akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo, kuti vanhu varege kumboziva basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.” Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona pandima iyi rinoti: “Akaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.”—Muparidzi 3:11.

      Pane mashoko akawanda akanyorwa pamusoro pendima iyi. Asi pfungwa inongovapo ndeyokuti pakati-kati pemwoyo yedu, dzimwe nguva tose tinombozvibvunza chinangwa chokurarama uye nezveremangwana redu. Kubvira kare, vanhu vave vachiomerwa nokubvuma kuti upenyu hunongova hwokushanda tichibuda dikita kuti zvatinoda zviitike, zvadaro tofa. Isu vanhu takasiyana nezvimwe zvisikwa pakuti hatingofungi zvanhasi chete asiwo nezveremangwana. Tinotoshuva kuti dai taikwanisa kurarama nokusingaperi. Nei? Sezvinotsanangurwa norugwaro, Mwari “akaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo.”

      Kuti vagutse chishuvo chavo ichocho, vanhu vanowanzonetseka kuti kune upenyu here pashure porufu. Vamwe vanogumisa kuti pane chinhu chiri matiri chinoramba chichirarama kana tafa. Vamwe vanodavira kuti tinoramba tichizvarwa patsva pose patinenge tichifa. Kune vamwewo vanofunga kuti zvinhu zvose zvinoitika muupenyu zvakafanorongwa naMwari kana kuti nerimwewo simba uye kuti hapana zvatinokwanisa kuita kuti zvichinje. Zvinosuruvarisa kuti patsanangudzo dzose idzi hapana inonyatsogutsa. Nokuti Bhaibheri rinoti kunyange vakaedza sei, “vanhu [havakwanisi] kumboziva basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.”

      Nyaya yakaoma iyi yave ichinetsa vazivi kwemakore nokuti vanoda zvikuru kunzwisisa asi havakwanisi kuwana mhinduro. Zvisinei, sezvo Mwari akaisa chishuvo kana kuti chido ichocho mumwoyo yedu, hazvina musoro here kuti titarisire kuti iye agutse chishuvo chacho? Ndosaka Bhaibheri richitaura nezvaJehovha richiti: “Munopfumbanura ruoko rwenyu mogutsa zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:16) Kana tikadzidza Shoko raMwari, Bhaibheri, tinogona kuwana tsanangudzo dzinogutsa nezvoupenyu norufu uye nezvechinangwa chaMwari chichagara nokusingaperi nokuda kwepasi nevanhu.—VaEfeso 3:11.

  • Nguva Yokusarudza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
    • “Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika munhurume nomunhukadzi.”—Genesisi 1:27.

      MASHOKO iwayo anozivikanwa nevakawanda anowanika mumapeji okutanga-tanga eBhaibheri anotsanangura chimwe chezvinhu zvikuru izvo Mwari “akaita . . . zvakanaka panguva yazvo”—kusika kwaakaita vanhu vaviri vokutanga vaive vakakwana, Adhamu naEvha. (Muparidzi 3:11) Somusiki wavo, Jehovha Mwari akavaudza kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”—Genesisi 1:28.

Mabhuku eChiShona (1973-2021)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2021 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe