Chitatu, April 17
[Ivai] nehana yakachena pamberi paMwari nevanhu.—Mab. 24:16.
Zvisarudzo zvakawanda zvatinoita zvine chekuita neutano hwedu uye marapirwo atinoda kuitwa tinozviita tichitungamirirwa nehana yedu yakadzidziswa neBhaibheri. (1 Tim. 3:9) Patinenge tichiita zvisarudzo uye tichizvikurukura nevamwe, zvakanaka kuyeuka zano riri pana VaFiripi 4:5 rekuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.” Kana tiri vanhu vanonzwisisa, hatizonyanyi kunetseka nezveutano hwedu. Tinoda hama nehanzvadzi dzedu uye tinodziremekedza, kunyange dzikaita zvisarudzo zvakasiyana nezvedu. (VaR. 14:10-12) Tinoratidza kuti tinotenda Jehovha uyo akatipa upenyu kana tikachengetedza upenyu hwedu uye tikaita zvese zvatinogona pakumushumira. (Zvak. 4:11) Pari zvino tinorwara uye tinosangana nenjodzi. Asi Musiki wedu aisada kuti tirarame upenyu hwakadaro. Munguva pfupi iri kuuya, achatipa upenyu husingaperi pasina marwadzo uye rufu. (Zvak. 21:4) Panguva ino, tinofara kuti tiri vapenyu, uye kuti tiri kushumira Baba vedu vekudenga vane rudo, Jehovha. w23.02 25 ¶17-18
China, April 18
Umambo hwenyu hwapatsanurwa hukapiwa vaMedhiya nevaPezhiya.—Dhan. 5:28.
Jehovha akaratidza pachena kuti simba rake rinopfuura ‘revanhu vane masimba.’ (VaR. 13:1) Funga nezvemienzaniso mitatu. Farao weIjipiti akaita kuti vanhu vaJehovha vave varanda uye aigara achiramba kuvasunungura. Asi Mwari akavasunungura uye akanyudza Farao muGungwa Dzvuku. (Eks. 14:26-28; Pis. 136:15) Mambo Bheshazari weBhabhironi akaita mutambo uye “akazvikwidziridza pamberi paIshe wekudenga” uye “[akarumbidza] vanamwari vesirivha nevegoridhe” pane kuti arumbidze Jehovha. (Dhan. 5:22, 23) Asi Mwari akaninipisa murume iyeye aizvikudza. “Usiku ihwohwo,” Bheshazari akaurayiwa uye umambo hwake hwakapiwa vaMedhiya nevaPezhiya. (Dhan. 5:30, 31) Mambo Herodhi Agripa I weParestina akaita kuti muapostora Jakobho aurayiwe uye akabva aita kuti muapostora Petro aiswe mujeri nechinangwa chekuti naiyewo aurayiwe. Asi Jehovha akatadzisa Herodhi kuita zvaainge aronga. “Ngirozi yaJehovha yakamurova,” akabva afa.—Mab. 12:1-5, 21-23. w22.10 15 ¶12
Chishanu, April 19
Ini ndichakuteererai.—Jer. 29:12.
Patinoverenga nezvekuti Jehovha aichengeta sei vaya vakavimbika kwaari kare, tariro yedu inowedzera kusimba. Zvinhu zvese zviri muShoko raMwari “zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva pakutsungirira kwedu uye pakunyaradza kunobva muMagwaro.” (VaR. 15:4) Fungisisa kuti Jehovha akazadzisa sei vimbiso dzake. Funga zvakaitwa naMwari kuna Abrahamu naSara. Vakasvika zera rekuti vakanga vasingachakwanisi kuva nevana. Asi Mwari akavavimbisa kuti vaizova nemwana. (Gen. 18:10) Abrahamu akaita sei? Bhaibheri rinoti: ‘Aitenda kuti aizova baba vemarudzi mazhinji.’ (VaR. 4:18) Kunyange zvazvo mukuona kwevanhu zvaiita sekuti pakanga pasisina tariro, Abrahamu aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizozadzisa vimbiso yake. Murume iyeye akatendeka haana kuodzwa mwoyo. (VaR. 4:19-21) Nyaya dzakadai dzinotidzidzisa kuti nguva dzese tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anozadzisa vimbiso dzake. w22.10 27 ¶13-14