-
“Nyaradzai Vanhu Vangu”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
14. (a) Isaya anoenzanisira sei nzira younyoro iyo Jehovha achatungamirira nayo vanhu vake? (b) Muenzaniso upi unoenzanisira nzira iyo vafudzi vanotarisira nayo makwai avo nounyoro? (Ona Bhokisi riri papeji 405.)
14 Zvisinei, Mwari ane simba uyu ane rimwe divi rounyoro. Isaya anonyatsorondedzera nzira iyo Jehovha achatungamirira nayo vanhu vake kudzokera kunyika yokumusha kwavo. Jehovha akaita somufudzi ane rudo anounganidza makwayana ake oatakura pa“chipfuva” chake. Shoko rokuti “chipfuva” pano sezviri pachena rinoreva nechokumusoro kwenguo kwakapetwa. Apa ndipo apo vafudzi dzimwe nguva vanotakurira makwayana achangoberekwa asingagoni kufambirana neboka racho. (2 Samueri 12:3) Kurondedzera chiitiko chinofadza kudaro choupenyu hwokufudza pasina mubvunzo kunosimbisa kuvanhu vaJehovha vakatapwa kuva nehanya navo kwake kworudo. Zvechokwadi Mwari ane simba kudaro asi ari munyoro anogona kuvimbwa naye kuzadzika zvaakavapikira!
-
-
“Nyaradzai Vanhu Vangu”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
16. Jehovha anotungamirira vanhu vake sei nhasi, uye izvi zvinosiya muenzaniso wei?
16 Mashoko aIsaya 40:10, 11 ane kumwezve kushanda chaiko kwatiri nhasi. Zvinonyaradza kuziva nzira younyoro iyo Jehovha anotungamirira nayo vanhu vake. Kungofanana nomufudzi anonzwisisa zvinodiwa negwai rimwe nerimwe—kusanganisira makwayana maduku asingagoni kufambirana nemamwe ose—Jehovha anonzwisisa zvisingagoni kuitwa nomumwe nomumwe wevashumiri vake vakatendeka. Pamusoro pazvo, Jehovha, soMufudzi munyoro, anoratidza vafudzi vechiKristu gwara. Vakuru vanofanira kubata boka nounyoro, vachitevedzera kuva nehanya kworudo kunoratidzwa naJehovha pachake. Vanofanira kugara vachiziva manzwire anoita Jehovha pamusoro penhengo imwe neimwe yeboka, “yaakatenga neropa reMwanakomana wake.”—Mabasa 20:28.
-