Chii Chinoreva Mirairo Ine Gumi Kwauri?
MUKATI memwedzi mitatu yokusunungurwa kwavo muEgipita muna 1513 P.N.V., vaIsraeri vakagara mumusasa pamberi peGomo reSinai murenje. Pakudana kwaJehovha, muporofita Mosesi akakwira mugomo ndokunzwa Mwari achipikira kuti Iye aizoita rudzi rwaIsraeri “pfuma [Yake] chaiyo mumamwe marudzi ose.” Mosesi ipapo akataura ikoku kuvanhu kupfurikidza navarume vakuru vorudzi rwacho. “Pashure paikoko vanhu vose vakapindura nomurangariro mumwe ndokuti: ‘Zvose izvo Jehovha ataura tinodisa kuita.’”—Eksodho 19:1-8, NW.
Pashure paikoko, Mwari akataura nenzira yakajeka Mirairo Ine Gumi kuna Mosesi, achitanga iyi mitemo netsinhiro, inoti: “Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeEgipita, muimba yavaranda.” (Eksodho 20:2, NW) Iyi Decalogue yakanga iri nokuda kwavaIsraeri, avo vakaudzwa muMurairo Wokutanga, kuti: “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.”—Eksodho 20:3.
Gare gare, Jehovha akapa Mosesi muraidzo mumimwe mirairo youmwari nokuda kwaIsraeri. (Eksodho 20:4–23:19) Pamwe chete, iyoyi yakasvika kumitemo 600. Uye wakanga uri mufaro wakadini kuziva kuti ngirozi yaMwari yakanga ichienda iri pamberi porudzi rwacho kugadzirira nzira yokupinda muNyika Yakapikirwa! (Eksodho 23:20-22) Jehovha akazivisa, kuti: “Ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.” Uyewo, chii chaida Mwari kuvanhu vake? “Rangarira zvandinokuraira nhasi.” Hungu, teerero kumitemo yose yaJehovha nemirairo yakanga ichikosha.—Eksodho 34:10, 11.
Icho Mashoko Gumi Akareva Nokuda kwaIsraeri
Somuuyo wokutiza kwavo kwakadzivirirwa nenzira youmwari vachibva muusungwa hweEgipita, vaIsraeri vakasvika pakuziva zita raMwari mupfungwa itsva. Jehovha akanga ava Musununguri wavo. (Eksodho 6:2, 3) Somuuyo, murairo wechitatu wakava nerevo chaiyo nokuda kwavo, sezvo ivo nokudaro vakarambidzwa kushandisa zita roumwari nenzira isina maturo.—Eksodho 20:7.
Asi zvakadiniko nezvomurairo wechina, uyo une chokuita nezuva reSabata? Uyu murairo wakasimbisa kuremekedzwa kwezvinhu zvinoyera, sezvo Jehovha akanga aratidzira kare pakutanga “kuchengetwa kwesabata” pamusoro pokuunganidzwa kwemana. (Eksodho 16:22-26) Nemhaka yokuti vamwe vaIsraeri havana kuteerera nokukurumidza, Jehovha akavayeuchidza nenzira yakajeka kuti akanga avapa murairo iwoyo. ‘“Tarirai, Jehovha zvaakakupai sabata,’ . . . Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.” (Eksodho 16:29, 30) Gare gare, Jehovha akaratidza kuti iyi gadziriro yaibatanidza zvose sei, achiti: “Pakati pangu navanakomana vaIsraeri chiratidzo kusvikira kunguva isingazivikanwi.”—Eksodho 31:17, NW.
Ipapo, rangarira murairo wechigumi wechienzi, unorambidza kuchiva. Pano pane mutemo usina munhu aigona kutarisira kuteererwa kwawo. MuIsraeri mumwe nomumwe akanga achizvidavirira kuna Mwari wake, Jehovha, uyo ainzvera mwoyo womunhu kuti awane vavariro dzake.—Eksodho 20:17; 1 Samueri 16:7; Jeremia 17:10.
Murangariro Wakachinjwa
Jesu Kristu, uyo akaberekerwa murudzi rwaIsraeri, akaudza vadzidzi vake, kuti: “Musafunga kuti ndakauya kuparadza Murairo kana Vaporofita: handina kuuya kuparadza, asi kuzadzisa.” (Mateo 5:17) KumaKristu eHebheru muapostora Pauro akanyora, kuti: “Murairo zvauno mubvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo.” (VaHebheru 10:1) Kudai iwe wakanga wave uri mutendeukiri wechiHebheru kuchiKristu, ungadai wakanzwisisa sei idzi tsinhiro? Mimwe mitezo yeungano yechiKristu yapakuvamba yaidavira kuti mazana ose emitemo iyo Mwari akapa kupfurikidza naMosesi, kubatanidza Mirairo Ine Gumi, akanga achiri kushanda. Asi iwoyo wakanga uri murangariro wakarurama here?
Rangarira awa mashoko aPauro kuvaJudha vakanga vava maKristu muruwa rweGaratia: “Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni, zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuwo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakune nyama icharuramiswa namabasa omurairo.” (VaGaratia 2:15, 16) Zvamazvirokwazvo, chimiro chakarurama naMwari chaisatsamira pakuteerera kwakakwana kuMutemo waMosesi, nokuti mumugariro womunhu usakakwana, ikoko kwakanga kusingabviri. Pauro akawedzera, kuti: “Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: ‘Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubhuku yomurairo, kuti vazviite.’ . . . Kristu wakatidzikinura pakutonga kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu.”—VaGaratia 3:10-13.
Kana vateveri vechiJudha vaJesu vakanga vachasiri mukutuka kwoMutemo, ko maKristu api naapi aisungirwa kuchengeta mirairo yose yakapiwa kuna Israeri here? KuvaKorose, Pauro akanyora, kuti: “[Mwari] akatikanganwira kudarika kwedu kwose, akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pa[danda rokutambudzira, NW]” raKristu. (VaKorose 2:13, 14) Pasina panikiro, maKristu apakuvamba akawanda aifanira kuchinja kufunga kwawo ndokuziva kuti iwo akanga “asunungurwa paMurairo.” (VaRoma 7:6) Kupfurikidza nokushandisa kutenda murufu rwechibairo rwaJesu, urwo rwakagumisa Mutemo ndokugadzirira nzira yokutangwa kwe“sungano itsva” yakadeya kutaurwa, iwo aiva nekariro yokuwana chimiro chakarurama naJehovha.—Jeremia 31:31-34; VaRoma 10:4.
Icho Inoreva Nokuda Kwedu
Ikoku kunoreva here kuti Mirairo Ine Gumi, rutivi rukuru rwoMutemo, yakarasikirwa nerevo yose nokuda kwamaKristu? Nyangwe! Kunyange zvazvo Mashoko Ane Gumi asingakoshi pamutemo pamaKristu, iyi mitemo inopfuurira kupa nhungamiro dzakanaka, sezvinoita mimwe mirairo yoMutemo waMosesi. Somuenzaniso, Jesu akataura kuti mirairo miviri mikurusa ndeiyo inoda rudo rwaMwari nomuvakidzani. (Revhitiko 19:18; Dheuteronomio 6:5; Mateo 22:37-40) Mukupa zano maKristu eRoma, Pauro akadudza murairo wechitanhatu, wechinomwe, wechisere, uye wechigumi, achiwedzera, kuti: “Kana murairo upi noupi, zvakaunganidzwa pashoko rokuti: ‘Ude wokwako sezvaunozvida iwe.’”—VaRoma 13:8, 9.
Naizvozvo, ipapoka, sorutivi rweShoko raMwari rakafuridzirwa, idonzoi rinobatira Mirairo Ine Gumi nhasi? Iyo inozivisa murangariro waJehovha pamusoro pezvinhu. (2 Timotio 3:16, 17) Rangarira kuti inoita sei izvozvi.
Mirairo mina yokutanga inosimbisa mitoro yedu kuna Jehovha. (Wokutanga) Iye ndiye Mwari uyo achiri kuraira kuzvipira kwapoga. (Mateo 4:10) (Wechipiri) Hakuna nomumwe wavanamati vake anofanira kushandisa zvifananidzo. (1 Johane 5:21) (Wechitatu) Kushandisa kwedu zita raMwari kunofanira kuva kwakafanira nokune chiremera, kusati kuchitongova kusingaremekedzi. (Johane 17:26; VaRoma 10:13) (Wechina) Upenyu hwedu hwose hunofanira kuvakirwa pazvinhu zvinoyera. Ikoku kunotigonesa kuzorora, kana kuti ‘kuchengeta sabata,’ panzira yokuzviruramisa.—VaHebheru 4:9, 10.
(Wechishanu) Teerero yavana kuvabereki vavo inopfuurira kubatira sechinhu chinokosha kuchinzwano chemhuri, ichiunza zvikomborero zvaJehovha. Uye uyu “murairo wokutanga une chipikirwa” unopa tariro inoshamisa zvakadini! Hakusati kuchingova bedzi “kuti kugokuitira zvakanaka” asiwo kuti “ugogara kwenguva ndefu pasi pano.” (VaEfeso 6:1-3, NW) Zvino zvatiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” etsika yakaipa ino yezvino, teerero youmwari yakadaro inopa vanhu vaduku kariro yokusatongofa.—2 Timotio 3:1; Johane 11:26.
Rudo rwomuvakidzani wedu ruchatidzivisa kumuparira kuvadziko kupfurikidza namabasa akaipa akadai so(Wechitanhatu) kuuraya, (Wechinomwe) upombwe, (Wechisere) kuba, uye (Wechipfumbamwe) kuita kutaura kwenhema. (1 Johane 3:10-12; VaHebheru 13:4; VaEfeso 4:28; Mateo 5:37; Zvirevo 6:16-19) Asi zvakadiniko nezvevavariro dzedu? Murairo (Wechigumi), pamusoro pokuchiva, unotiyeuchidza kuti Jehovha anoda kuti vavariro dzedu nguva dzose dzive dzakarurama mumeso ake.—Zvirevo 21:2.
Ipfuma yakadini yerevo yatinowana muMirairo Ine Gumi! Sezvo yakavakirwa panheyo dzoumwari idzo dzisati dzichizotongova dzisingawirirani nomusi, tinofanira kuikoshesa sezviyeuchidzo zvinokosha zvomusengwa wedu wokuda Mwari nomuvakidzani wedu.—Mateo 22:37-39.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Rufu rwaJesu rwakagumisa Mutemo, kubatanidza Mirairo Ine Gumi yakapiwa kuvaIsraeri paGomo reSinai