Zvimwe Zvezvakaitika Gore Rapera
“UYAI kwandiri, . . . uye ndichakuzorodzai.” Mashoko iwayo aJesu Kristu, anowanikwa pana Mateu 11:28, ndiwo aiva rugwaro rwedu rwegore rwa2002. Mugore rebasa rapfuura, vakawanda vakauya zvechokwadi—265 469 vakabvuma kukokwa naMwari, vakabhabhatidzwa, uye vakazorodzwa pamwe chete nevamwe vanopfuura mamiriyoni matanhatu vanoshanda vari pasi pejoko romutsa rokuva mudzidzi wechiKristu.
Mumapeji anotevera, uchaverenga kuti Jehovha anoramba achikomborera sei vanhu vake nezvinhu zvakawanda pasi pose. Iye zvino ngationei zvimwe zvinhu zvokunamata zvinokosha zvakaitika mugore rebasa ra2002.
Kokorodzano Dzoruwa Dzinokurudzira Kushingaira
Somuitiro wazvo, Zvapupu zvaJehovha zvakaungana mumazana enzvimbo pasi pose kuti zvipinde kokorodzano yazvo yoruwa inoitwa gore negore. Musoro wekokorodzano ya2002 na2003 waiti “Vazivisi voUmambo Vanoshingaira.” Hurukuro inokosha yakaratidza kuti vanhu vaMwari nhasi vanotevedzera kushingaira nokushinga kwaJesu Kristu pakuita ushumiri hwavo. Dzimwe hurukuro dzakatsanangura kuti kushingaira kunovapo nokudzidza Shoko raMwari uye kunoratidzwa nokuita zvakanaka uye zvikurukuru nokuzivisa Umambo hwaMwari kwokushingaira.
Mutambo unoitwa vanhu vakapfeka zvipfeko zvaipfekwa nevanhu vanotaurwa muBhaibheri waiva nomusoro unoti “Mira Wakasimba Munguva Dzinotambudza” wakataura nezvaJeremiya. Iye, saJesu, akaratidza kushingaira kunoshamisa nokutsungirira pasinei nezvinetso. Jeremiya aivimba naJehovha uye akazivisa shoko raMwari asingatyi. Uyu muenzaniso wakanaka kwazvo kuvaKristu nhasi!
Mabhuku maviri akabudiswa pakokorodzano iyi. Musi weChishanu vakapinda vakagamuchira bhuku rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi. Bhuku iri rine mapeji 192 richashandiswa sebhuku rechipiri rokudzidza Bhaibheri kuti chokwadi cheShoko raMwari chinyatsopinzwa mumwoyo yevadzidzi veBhaibheri. Tine chivimbo chokuti bhuku iri richabatsira vatsva kukura mumudzimu uye kufamba mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu munyika yaMwari yakarurama.
Bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha rakabudiswa musi woMugovera. Rine zvikamu zvinokurukura zvinhu zvina zvinokosha paunhu hwaJehovha: simba, kururamisira, uchenjeri, uye rudo. Chinangwa charo chinotsanangurwa musumo yaro, kuti: “Bhuku rino ngarikubatsire kuramba uchiswedera pedyo naJehovha Mwari, kusimbisa ukama husingambozoparadzwi, kuitira kuti ugone kurarama uchimurumbidza nokusingaperi.” Purogiramu yekokorodzano, pamwe chete nemabhuku matsva aya, zvichabatsira vane mwoyo yakatendeseka vari kwose kwose kuwedzera kuda kwavanoita Musiki wedu.
Kugona Kurarama Mu“nguva Dzinonetsa”
Muapostora Pauro akanyorera Timoti kuti “mazuva okupedzisira” aizoratidzwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Njodzi, dzinongozvitikira dzoga uye dzimwewo, dzinoita kuti zvinhu zviome uye pave nezvinetso. Asi dzinopawo vaKristu mikana yokuratidza kudanana kwavanoita. Kwakaitika njodzi dzakawanda mugore rebasa rapfuura. Regai titaure nezvembiri dzacho.
Njodzi yepaWorld Trade Center: Mhemberero yokupedza kudzidza kwekirasi yechi111 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi yakaitwa musi woMugovera, September 8, 2001. Mazuva matatu pashure peizvi, musi waSeptember 11, vadzidzi nemhuri dzavo vakanga vachitenderera vachiona Guta reNew York, muUnited States. Zuva iroro rakatanga richidziya uye rakanaka, mudenga musina kana kakore zvako. Ipapo, nguva dzichiti 8:46 mangwanani, ndege inotakura vanhu yakabondera panhurikidzwa yokuchamhembe yeWorld Trade Center muManhattan yezasi. Maminitsi mashomanana gare gare imwe ndege inotakura vanhu yakarovera panhurikidzwa yokumaodzanyemba.
Nguva dzichiti 9:59 mangwanani, nhurikidzwa yokumaodzanyemba yakadhirika, pakaita gore dema reguruva nemarara zvakapwititikira muManhattan yezasi yose. Pashure pacho, nhurikidzwa yokuchamhembe yakadhirika. Vanhu vanoda kusvika zviuru zvitatu vakafa. Nhurikidzwa idzi, idzo dzakapedza kuvakwa muna 1973, dzaiva nouriri 110 imwe neimwe. Guruva gobvu rakatibuka pakudhirika kwezvivako zviviri izvi rakatakurwa nemhepo rikasvika kuBheteri yokuBrooklyn, asingasviki makiromita matatu kubva panzvimbo iyi.
Hama dzepahofisi yebazi yomuUnited States dzakabva dzangotanga kutsvaka kuti Zvapupu zvipi zvakanga zvabatanidzwa munjodzi inotyisa iyi uye kuti pangadiwa rubatsiro rwakadini. Pakasvika manheru eChipiri, September 11, zvakanga zvava kuzivikanwa kuti nhengo dzemhuri yeBheteri kunzvimbo dzose nhatu—Brooklyn, Patterson, uye Wallkill—dzakachengeteka. Pakasvika masikati eChina vadzidzi vose vakanga vapedza kudzidza kuGiriyedhi vakanga vataura neHofisi yeGiriyedhi vachisimbisa kuti ivo nemhuri dzavo vakanga vakachengeteka. Zvichakadai, vatariri vematunhu 37 vomunharaunda yeNew York vakaridzirwa runhare. Vakataura nevakuru veungano, uye vakuru vakatsvaka vaparidzi vose. Pakasvika manheru eChishanu, September 14, bazi rakanga rava kuziva kuti hama nehanzvadzi dzedu 14 dzakanga dzafa kana kuti dzisiri kuzivikanwa kwadziri. Nhamba iyoyo haina kuzombochinja mumazuva akatevera.
Vakapukunyuka vanorondedzera zvavakaona. Cynthia Tucker, piyona wenguva dzose, aishanda muWorld Financial Center pamhiri pomugwagwa pakatarisana neWorld Trade Center. Aiva muuriri hwechi37 paakaona ndege yokutanga ichibondera panhurikidzwa yacho. Achifunga kuti iyi yakanga iri tsaona yakaipa kwazvo, akabuda panze ndokutarira kumusoro achitarira chivako chakanga charohwa nendege. Ungwandangwanda hwaiva pose pose. Pakabva papfuura imwe ndege zvakare, iri muzasizasi. Hanzvadzi Tucker vakati: “Ndege yacho yaiva hombe. Ndakaona kuti yakanga yava kunobondera pachivako. Ndakada kumhanya, asi ndakangooma ndakadaro—ndakashaya chokuita. Ndege yacho yakaita seyapinda nomuchivako ikanobudira seri. Ruzha rwacho rwakanga rwakakura kwazvo zvokudzivira nzeve; ndakanzwa kudedera mumuviri mangu. Mhepo yairema uye inenge yaiva nejecha. Kufema kwanga kwava kunetsa. Vanhu vakaita bararamhanya. Ndakapinda mune chimwe chivako ndikaona nhurikidzwa yokutanga ichidhirika. Vanhu vaibvisa hembe dzavo vachivhara kumeso kwavo nemhaka yeguruva racho. Vanhu vaiva nevana nezvipfuwo zvinochengetwa mudzimba vakabuda muzvivako. Munhu wose akanzwa kutya. Kunyange mhuka dzakanga dzava kupengereka. Handigoni kutsanangura matyiro acho.” Hanzvadzi Tucker vanofara nokubatsira kwevakuru avo vakauya kuzotaura navo mashoko anonyaradza anobva muBhaibheri.
Mumwedzi yakatevera, hama dzokuNew York dzakaenda neshoko reBhaibheri renyaradzo netariro kuvanhu vomunharaunda yacho. Hama dzinoverengeka dzakabvumirwa kuparidzira dziri paGround Zero (Pakaitikira Njodzi), nzvimbo yakadhirikira maTwin Towers. Mumwe wehama idzi aiva Roy Klingsporn, piyona. Akati: “Achionga, mumwe chiremba wemauto omuchadenga uyo aiitawo basa rokuyamura akati: ‘Munhu wose anotiunzira zvokudya, kofi, uye mbatya dzakaoma, asi ndiwe wokutanga kuverenga rugwaro. Tinoda Mwari panguva yakaita seino.’”
Kuputika Kwegomo kuEast Africa: Hama dzedu dzakawanda kumabvazuva kweCongo (Kinshasa) dzakaona hondo yevagari vemo, urwere, urombo, nokushaya mabasa. Vamwe vave vari kana kuti vachiri vapoteri. Chakawedzera nhamo iyi kwaiva kuputika kwakangoerekana kwaitika kweGomo reNyiragongo, gomo rinoputika, iro risiri kure netaundi reGoma. Mumangwanani omusi waJanuary 17, 2002, gomo racho rakatanga kubudisa utsi nomoto. Kuzoti ava manheru, madhaka anopisa akayerera kubva mugomo rokuputika iri akananga kuGoma. Zviuru zvevanhu vakanga vavhunduka zvakatiza zvakananga kutaundi riri pedyo reGisenyi, kuRwanda. Migwagwa yakanga isingatarisiki nevanhu vakanga vakatakura zvinhu zvishomanana zvavaikwanisa. Gisenyi yaivawo pangozi, asi hama ikoko dzakaronga kuti Imba yoUmambo ishandiswe somusasa wevapoteri wehama dzaibva kuCongo. Dzimwe hama muGisenyi dzakakurumidza kuzvipira kugamuchira mumisha yadzo vaya vaitiza kuputika kwegomo.
Mumwe mukuru womuguta iri akati: “Patakaona zvakanga zvichiitika, ini nedzimwe hama takakurumidza kuenda kumugwagwa mukuru unobatanidza Goma neGisenyi. Taiva nemagazini eNharireyomurindi neMukai! mumaoko edu tikaasimudza. Kwaiva nerima, asi takaenda panzvimbo dzataigona kuonekwa. Hama dzedu padzakaona magazini, dzakaziva kuti tiri Zvapupu, uye takadziratidza kune Imba yedu yoUmambo, yakanga iri kushanda somusasa wevapoteri. Takamira mumugwagwa wacho kusvikira mangwanani. Nenzira iyi takatevedzera zvatakanga taitirwa nehama kuGoma makore akati kuti apfuura. Pashure pehondo muRwanda, mazana ezviuru zvehama akatizira kuGoma. Panguva iyoyo Zvapupu zvokuGoma zvakamira masikati nousiku mumigwagwa zvakabata magazini kuti atibatsire kuziva hama dzacho. Dzakatiratidza kwaiva nemisasa yevapoteri yakanga yarongwa neZvapupu.”
Vazhinji vevaitiza kuputika kwegomo vakarara kunze usiku hwose. Ivava vaisanganisira hama dzakanga dzisina kuona vaya vaiva vakasimudza magazini nemhaka yenyonga nyonga kana kuti rima. Mumwe mukuru akataura kuti: “Mangwanani-ngwanani akatevera, hama nehanzvadzi dzakabudazve nemagazini mumaoko. Vakapota neGisenyi yose kuitira kuti vanhu vose vavaone. Nenzira iyi vakawana hama dzose dzokuGoma dzakanga dzisina kuona Zvapupu usiku hwakanga hwapfuura. Munguva pfupi madhaka aya anopisa aiyerera akanga ava kuda kusvika kuImba yedu yoUmambo. Takabva taronga kuti dzimwe Dzimba dzoUmambo shanu dzishande semisasa yevapoteri.” Dzimwe hama dzomuungano 24 dzokuGoma dzakatiza dzichipinda nechomukati meCongo, asi dzakawanda dzacho—dzinenge 2 000—dzakatizira kuRwanda.
Hofisi yebazi yokuKigali, Rwanda, yakakurumidza kutenga zvokudya, mishonga, magumbeze, nezvigubhu zvemvura. Zvinhu izvi zvakatumirwa nokukurumidza kumisasa. Hama dzokuGoma dzakafara kwazvo pakasvika rori rine zvinhu zvokuyamura nazvo, pashure pezuva rimwe bedzi njodzi yaitika! Mashoko akanaka akawanda akanzwiwa achitaurwa nevasiri Zvapupu. Imwe hama yakanzwa vanhu vachiti: “Ichi chitendero chakanaka. Vanodanana zvechokwadi.”
Chinenge chikamu chimwe muzvitatu cheGoma chakaparadzwa. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakarasikirwa nezvinhu zvose. Zvisinei, Zvapupu zvaiva nedzimba dzakanga dzisina kukuvadzwa zvakazvipira kuchengeta mhuri dzehama dzaiva nedzimba dzakanga dzaparadzwa. (VaR. 12:12, 13) Gare gare, hama dzokuRwanda dzakaronga kuti vapoteri vose vadzoke zvakanaka kuGoma. Zvapupu zvokuEurope zvakabatsirawo nokutumira ndege mbiri dzakazara nezvinhu zvokuyamura kubva kuBelguim.
Kuputika kweGomo reNyiragongo yaiva njodzi. Kwakauraya vakawanda kukaparadza zvinhu zvakawanda, asi vaKristu vechokwadi vakazvizivisa norudo rwavakaratidzirana.—Joh. 13:35.
Chikoro Choushumiri choUmambo Chinosimbisa Kusimba Pakunamata
Chikoro Choushumiri choUmambo chakatanga muna 1959 iri kosi yomwedzi mumwe chete. Chakaitirwa kuSouth Lansing, nechokunze kweNew York, U.S.A. Mune dzimwe nyika, chakaitirwa munzvimbo dzakarongwa nehofisi dzemapazi. Pakutanga, chikoro chacho chaipindwa nevakuru veungano (panguva iyoyo vainzi varanda veungano) nemapiyona chaiwo. Zvisinei, muna 1966, kosi yacho yakagadziridzwa; yakanga yava yevhiki mbiri chete, uye vakuru chete ndivo vaipinda. Muna 1977, pakaitwa urongwa hwokuti vakuru vose vapinde kosi yemaawa 15. Kubvira ipapo, purogiramu dzakadaro dzine urefu hwakasiyana-siyana dzave dzichirongwa pashure pemakore mashomanana oga oga. Kubvira muna 1984, vashumiri vanoshumira vave vachidzidziswawo paChikoro Choushumiri choUmambo.
Gore rino chikoro chacho chaiva nemakirasi matatu. Chokutanga, chakaitwa musi weChipiri kusvikira China, chaiva chevatariri vanofambira; chechipiri, chakaitwa musi weChishanu noMugovera, chaiva chevakuru veungano; uye chechitatu, chakaitwa musi weSvondo, chaiva chevashumiri vanoshumira. Purogiramu dzacho dzakasimbisa kuramba takasimba pakunamata. Kare kare Mosesi akanyengetera kuna Jehovha kuti: “Chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu.” (Eks. 33:13) Munyengetero uyu wakataurwa pashure pokunge Mosesi aona Matambudziko Gumi, aona kuparadzaniswa kweGungwa Dzvuku, ataura naJehovha kwemazuva 40 muGomo reSinai, uye agamuchira Mitemo Gumi. Pazera remakore 80 uye ashandiswa naJehovha zvinoshamisa, Mosesi akaona kuti aiva achiri kuda kubatsirwa pakunamata. Maererano nomuenzaniso uyu, vakuru nevashumiri vanoshumira vakakurudzirwa kufambira mberi sevarume vakasimba pakunamata, pasinei nokuti vave vachishumira Jehovha kwenguva yakareba sei.
Mashoko akadzidzwa pakosi yacho akashandurwa akashandiswa nemapazi pasi pose. Tsamba dzokuonga dzakauya dzichibva kunyika dzakawanda. Mumwe mukuru wokuGuinea akanyora kuti: “Handidembi kufamba kwandakaita rwendo rwemakiromita 1 000 kuti ndipinde chikoro ichi.” Mumwe akanyora kuti: “Ndinoshaya mashoko okutsanangura nawo kuonga kwandinoita kosi iyi. Ndinotenda zvikuru!”
Imwe hama yokuKorea yakanyora kuti: “Chikoro chacho chakandibatsira kufungisisa kana ndiri munhu akasimba pakunamata kana kuti kwete.”
Hofisi yebazi yeEl Salvador yakanyora kuti: “Chakanyanya kufarirwa urongwa hutsva hweChidzidzo Chebhuku Cheungano. Tinofunga kuti izvi zvichatibatsira kuti tiyamure zviri nani vari muboka rimwe nerimwe uye somunhu oga oga.”
KuGermany, rimwe dare revakuru rakanyora kuti: “Mazano acho nemirayiridzo zvinonzwisisika uye zvinogona kushandiswa zvichabatsira vaya vatakanzi titarisire.”
Bazi reSwitzerland rakati: “Chikoro chacho chakabatsira kupa kurudziro inodiwa yokurwisa kurerutsa zvinhu zvokunamata.”
Nyaya Dzepamutemo
ARMENIA: Nyaya yomudare yaLyova Margaryan yakapararira munyika dzakawanda. Hama Margaryan vakapomerwa kunzi vakapara mhosva nokuita basa ravo somumwe weZvapupu zvaJehovha. Mhosva dzavaipomerwa dzaisanganisira “kuparidza chitendero chisina kunyoreswa.” Musi waSeptember 18, 2001, dare rakati Hama Margaryan havana mhosva dzose dzavaipomerwa. Nyaya yacho yakakwidzwa kudare rokukwirira, uye dare iri rakatsigira mutongo wokuti havana mhosva, richitsanangura kuti kudzidzisa kwake zvechitendero somumwe weZvapupu zvaJehovha hakusi kupara mhosva uye kunodzivirirwa neBumbiro Romutemo reArmenia. Vachuchisi vakabva vakwidza nyaya yavo kudare repamusorosoro renyika yacho, rinonzi Court of Cassation. Musi waApril 19, 2002, magweta matanhatu eDare racho akatsigira mitongo yacho yose yokuti Hama Margaryan havana mhosva. Nepo tichifara nokubudirira uku, hama dzechiduku dzezera rinogona kupinzwa chiuto dzichiri kusungwa nokuiswa mujeri muArmenia nokuramba kwadzinoita kuita basa rechiuto nezvikonzero zvechitendero.
GEORGIA: Pasina chirango chisimba choutsinye chinoenderera mberi chichiitirwa Zvapupu zvaJehovha munyika yeGeorgia. Kubvira muna October 1999, pane kurwisa kwechisimba kunozivikanwa kunopfuura 80 kwakaitirwa vanhu vanopfuura 1 000—varume, vakadzi, vana, chembere, nevakaremara. Misha yezvimwe Zvapupu yakapambwa zvinhu, kubiwa, uye kupiswa kuti rororo. Mhosva dzinopfuura 700 dzakamhan’arwa, asi hapana kana mupari wemhosva mumwe chete zvake akawanikwa ane mhosva idzi. Pakupedzisira, muna September 2001, Petre Ivanidze nomupristi weOrthodox akabviswa pachigaro anonzi Vasili Mkalavishvili vakapomerwa mhosva nokuda kwokubatanidzwa kwavo mukurwisa kwacho. Zvisinei, kuedza kwakawanda kuti mhosva yacho itange kutongwa kwave kusingabudiriri nemhosva yezviri kuitika mudare macho. Vateveri vevari kupomerwa mhosva vacho vave vachibvumirwa kupinda mudare vakatakura michinjikwa mihombe, inenge yamboshandiswa sezvombo, nezvinhu zvakanyorwa mashoko okushora Zvapupu zvaJehovha. Kusvika pana May 30, 2002, nyaya iyi yakapfuudzirwa mberi kanomwe. Zvapupu zvaJehovha zvakanyora zvikumbiro zviviri kudare reEuropean Court of Human Rights (ECHR), chimwe chaiva chokugunun’una nokunyarara kwehurumende pamhirizhonga isingadzorwi uye chimwe chacho chaipikisa mutongo weDare Repamusorosoro reGeorgia wokuti masangano maviri epamutemo eZvapupu zvaJehovha haasisiri epamutemo. Pakasvika October 2001, ECHR yakanga yabatanidza zvikumbiro zviviri izvi kuti zvikurumidze kukurukurwa.
Musi waJuly 23, 2002, Zvapupu zvaJehovha zvakanyora chimwezve chikumbiro chepamutemo kuECHR. Chikumbiro ichi chinotaura nyaya makumi matatu umo Zvapupu muGeorgia zvakarwiswa nevatenderi vanopfurikidza mwero, vafundisi veOrthodox, nemapurisa. Chinobatsira pane imwe yenyaya dzacho rimwe gwaro rinokosha. Gwaro racho rinotaura nezvourongwa, hwakaitwa nemapurisa 100, hwokuvhara imwe kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha yaiitwa murunyararo muna September 2000. Gwaro iri rakatenderwa rikasainwa nevakuru vakuru veBazi Rezvinoitika Mukati Menyika rokuguta rokumavirira reZugdidi.
RUSSIA: Nyaya yomudare yokuda kurambidza Zvapupu zvaJehovha muMoscow yakamutsidzirwa musi waFebruary 12, 2002. Aka ndekechinomwe Zvapupu zvaJehovha zvichizvidzivirira pamhosva dzakafanana dzisina hwaro. Musi waApril 4, 2002, pashure pokuongororazve kwemwedzi miviri chikumbiro chakaitwa nehofisi yevachuchisi, Dare rakapa mutongo wokuti nyanzvi dziongorore mabhuku echitendero eZvapupu zvaJehovha netsamba dzazvinonyorerana. Dare rakaita mutongo uyu kunyange zvazvo muchuchisi asina kumbopa uchapupu hwakajeka hwokuratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinokonzera nyonganyonga yechitendero, zvinoparadza mhuri, kana kukanganisa kodzero nokusununguka kwevagari vemo. Nyaya yacho yakambosendekwa pachimirirwa zvaizobuda pakuongorora kwaizoitwa nenyanzvi.
SOUTH KOREA: Pakupera kwaDecember 2001, nhamba yeZvapupu zvaJehovha muSouth Korea zvakanga zvichipika mujeri nokuda kwokuramba kwazvo basa rechiuto nezvikonzero zvehana dzazvo yakanga yasvika 1 640. Nhamba yacho inowedzera zvishoma nezvishoma gore rimwe nerimwe. Mutemo Webasa Rechiuto unotaura kuti vaya vanoramba kutakura zvombo vanogona kutongerwa kupika kwemakore anosvika matatu. South Korea haina mutemo unoti vashumiri vechechi kana kuti vaya vasingadi pamusana pezvikonzero zvehana varege kupinda muchiuto. Kubvira kuma1950, Zvapupu zvinopfuura 7 000 muSouth Korea zvakavharirwa mujeri nokuramba kutakura zvombo. Musi waJanuary 29, 2002, munyaya yokutanga yorudzi irworwo, Mutongi Mukuru Si-hwan Park weSeoul District Court akaendesa nyaya yaKyung-soo Lee kuDare Rinoongorora Kutevedzerwa Kwebumbiro Romutemo. Mutongi Park akakumbira kunzwa zvinofungwa pamusoro pokutaura kwaHama Lee kwokuti kukundikana kugamuchira kodzero dzomunhu anoramba kuita zvimwe zvinhu pazvikonzero zvechitendero kwaityora kodzero yake yorusununguko rwokunamata uye rwehana. Paakaisa nyaya iyi kudare, Mutongi Park akasendeka nyaya yacho ndokubudisa Hama Lee vabhadhara bherauti. Kutongwa kwenyaya iyi kuchatozotangazve pashure pokunge Dare Rinoongorora Kutevedzerwa Kwebumbiro Romutemo rasarudza kuti chikamu chemashoko chiri kupikiswa chinoenderana nebumbiro romutemo here.
UNITED STATES: Musi waJune 17, 2002, Dare Repamusorosoro reUnited States rakapa mutongo usati wamboitwa panyaya yeWatchtower Bible and Tract Society of New York, iri kupikisana neVillage of Stratton. Nyaya iyi yakabva pakuomerera kwevanhu vanogara mumusha uyu kuti Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuwana tsamba inozvipa mvumo kubva kuna meya zvisati zvaita ushumiri hwazvo hwepaimba neimba. Dare racho rakati: “[Zvapupu zvaJehovha] zvakatsanangura pakutongwa kwenyaya iyi kuti hazvikumbiri tsamba inozvipa mvumo nokuti zvinopiwa simba rokuparidza neMagwaro. [Zvapupu zvacho zvakati:] ‘Kuti titsvake tsamba inotipa mvumo kubva kukanzuru yokuti tiparidze tinofunga kuti kungava kutuka Mwari.’” Pakuratidza kuti murayiro wacho haushandi, Dare rakaona kuti murayiro wokuti pave netsamba inopa mvumo “haungokanganisi zvinhu zvinokosha zvinodzivirirwa noKugadzirisa Mutemo Kwokutanga chete, asi kunokanganisawo pfungwa chaiyo yokuva nenzanga yakasununguka, kuti pakukurukurirana nevanhu kwemazuva ose mugari womunharaunda anofanira kutanga azivisa hurumende kuti anoda kutaura nevavakidzani vake, zvadaro owana tsamba inomupa mvumo yokuita kudaro.” Dare rakawedzerazve kuti: “Kunyange dai kupiwa kwetsamba dzinopa mvumo nehofisi yameya uri mutoro wehofisi unoitwa nokukurumidza uye pasina mutengo kumunhu anoida wacho, mutemo unoda kuti munhu ave netsamba inopa mvumo kuti aite kurukurirano dzakadaro unoratidza kutsauka panhaka yenyika netsika yebumbiro romutemo.”
Dare racho rakarumbidzawo kubatsira zvikuru kwakaita Zvapupu zvaJehovha pakuita kuti pave nomutemo unoenderana nebumbiro romutemo reU.S. Dare racho rakati: “Kwemakore anopfuura 50, Dare rave rakadzima mitemo yairambidza vanhu kutaura nevamwe pasuo nesuo uye kudhinda tubhuku nokutuparadzira. Haisi tsaonawo zvayo kuti dzakawanda dzenyaya idzi dzaiva nechokuita noKugadzirisa Mutemo Kwokutanga kwakambokumbirwa neZvapupu zvaJehovha, nokuti chitendero chazvo chinorayira kuti zvitaure nevamwe pasuo nesuo.” Sezvakataurwa neDare, “nyaya [idzi] dzinoratidza kuti zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha zvokuramba kurambidzwa kutaura, kwakanga kusiri kungonetsekera kodzero dzazvo bedzi.”
Kuwedzera kune izvi, musi waJuly 1, 2002, Dare Repamusorosoro reSouth Carolina rakatsigira kodzero yomumwe weZvapupu zvaJehovha yokuramba kuwedzerwa ropa. (Mab. 15:28, 29) Charles Harvey akasungisa chiremba wake achida kubhadharwa nokuti chiremba uyu akanga asina kuteerera nemaune kuramba kwaakanga aita kuwedzerwa ropa. Vasati vavhiyiwa, Hama Harvey vakanga vanyatsotaurira chiremba wavo zvavanodavira zvinoenderana neBhaibheri. Zvisinei, kuti aise ropa pane zvakanga zvanetsa pashure pokuvhiya apo Hama Harvey vakanga vakakotsira, chiremba wacho akawana mvumo kuna amai vaHama Harvey vasiri Chapupu. Richiramba kubvumira kwaamai vacho, Dare Repamusorosoro reSouth Carolina rakataura kuti “kana murwere akazivisa chiremba kurapwa kwaasingadi kana kupindira kwomumwe munhu, asati atanga kuvhiyiwa, chiremba ari kumurapa anofanira kutevedzera izvozvo.” Nokudaro, dare rakatonga kuti Hama Harvey vaiva nekodzero yokuti vatongi vasarudze kana chiremba akanga atyora chibvumirano chake chokuvarapa pasina ropa uye kana chiremba wacho akanga aita chikanganiso mukurapa nokuwedzera Hama Harvey ropa vasina kubvumirana nazvo.
Tichirangarira Kuvimbika Kwavo
Kwemakore anopfuura 30, Buchenwald Memorial, iri kune waimbova musasa wevasungwa weNazi, haina kumbotaura nezveZvapupu zvaJehovha. Zvapupu zvakanga zvisingambokwani pane vainzi nezviremera zveEast German vakatambudzwa kana kuti vaipikisa utongi hweNazi. Kunyange nanhasi vanhu vakawanda muGermany vanoona zvakaoma kubvuma mukurumbira wakasiyana wokuvimbika kweZvapupu. Naizvozvo, musi waMay 9, 2002, raiva zuva rinokosha zvikuru. Dombo rakanyorwa mukurangarira Zvapupu zvakatambura muBuchenwald rakagadzirwa naVaR. Lüttgenau, mutevedzeri womutungamiriri weBuchenwald and Mittelbau-Dora Memorial Foundation.
Kunze kwaidziya uye kwaiva kwakanaka musi iwoyo. Nzvimbo yaimbova nomusasa iyi, iri pachikomo chine miti chakatarisana nenzvimbo yakaisvonaka, yakanga ine kakusvibirira kanoyevedza komuchirimo. Asi, nzvimbo iyi yaimbonzi nzvimbo inotyisa yeBuchenwald. Vashanyi vakawanda mazuva ano vanoona zvisingaiti kufungidzira rusuruvaro rwevasungwa vomumusasa avo pavaidaidzwa mazita avo vaitarira seri kwomusasa wavaigara panzvimbo iyoyo yakaisvonaka asi vasina tariro yokuzomboiona zvakare vakasununguka.
Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvaiva netariro yakavakirwa muBhaibheri nechivimbo chizere muna Jehovha. Izvi zvakaita kuti zvikwanise kuramba zvakatendeseka uye kuti zvishinge kutevedzera muenzaniso wevaapostora, avo vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 5:29) Pamusana pechivimbo chazvaiva nacho, Zvapupu zvinopfuura 38 zvakafira mumusasa wacho kana kuti kunze kwawo, zvichiita rimwe remabasa pamusasa wacho. Rugwaro rwataurwa ruri muna Mabasa rwakanyorwa padombo racho, ruchiteverwa nemashoko anoti: “Tichirangarira Zvapupu zvaJehovha Zvakatambura Zvikafira Pano, Zvichitambudzirwa Zvitendero Zvazvo.”
Vasungwa vanenge 800 vaizivikanwa sevaBibelforscher (Vadzidzi veBhaibheri) nechigamba chepepuru chine mativi matatu chakasonerwa pazvipfeko zvavo vaiva pakati pevanopfuura 250 000 vakanga vakavharirwa mumusasa wacho mumakore ose aya nevaNazi. Zvimwe Zvapupu zvacho zvaivako muna 1937 uye zvakamanikidzwa kuvaka musasa wacho. Muna 1945, pakasunungurwa vasungwa vakanga vachiri vapenyu, Zvapupu zvakasunungurwa zvakarumbidza Jehovha nokuda kwokusunungurwa kwazvo. Panguva zhinji yokuvapo kwayo somusasa weNazi, nguva dzose paiva neZvapupu zviri pakati pe300 ne450 muBuchenwald.
Dombo racho rinopa vasungwa vaipfeka chigamba chepepuru chine mativi matatu nzvimbo yavo yakakodzera pakati pevakatambudzwa noutongi hweNazi. Rinoyeuchidzawo vashanyi nezvokutsunga kweZvapupu. “Dombo iri,” vakadaro VaLüttgenau, “rinoratidza kuti munzanga yanhasi dambudziko reZvapupu zvaJehovha rakaonekwa rikabvumwa.”
Musi weChina, March 7, 2002, vakuru vakuru mutaundi reKörmend kurutivi rwokumavirira kweHungary vakafudugura dombo rakagadzirwa rokurangarira Zvapupu zvaJehovha zvitatu zvakanga zvafira kutenda. Vaiva Bertalan Szabó, Antal Hőnisch, naJán Žondor. Vose vari vatatu vakaramba basa rechiuto muHondo Yenyika II uye vakaurayiwa vanhu vakatarisa. Dombo racho rine mashoko anoti: ‘Tichirangarira vaKristu vakaurayiwa sevanhu vanoramba kuita zvimwe zvinhu pazvikonzero zvechitendero muna March 1945.’ Bazi rinoshuma kuti vanhu vanopfuura 500 vakafamba vachienda kune rimwe divi retaundi racho kuchivako chakanga chaurayirwa hama idzi kuti vanopinda chiitiko chokurangarira ichi.
Dare Rebazi Rinogadzwa muUnited States
Musi weChishanu, February 9, 2001, Dare Rinodzora rakazivisa kumhuri yeBheteri reUnited States kuti kutanga nomusi waApril 1, 2001, Dare Rebazi raizotanga kushanda muUnited States. Mugore rebasa ra2002, Dare Rebazi rakaenderera mberi kuita mabasa aro. Bazi reUnited States rinotarisira basa rokuparidza Umambo muUnited States yose uyewo kuBermuda nezvitsuwa zveTurks neCaicos. MuUnited States mune vaparidzi vanopfuura miriyoni imwe, 215 000 vavo vanopinda neungano dzinotaura chiSpanish. Paungano dzinopfuura 11 700, dzinenge 2 600 ndedzomutauro wechiSpanish. Mugore rebasa rapfuura iri, ungano itsva 210 dzakaumbwa. Padzose idzi, 123 ndedzomutauro wechiSpanish, 63 ndedzomutauro wechiRungu, uye 24 ndedzemimwe mitauro.
MuUnited States, mava neungano kana mapoka emitauro 37 kunze kwechiRungu nechiSpanish. Muungano dzakawanda dzechiSpanish nemimwe mitauro yokune dzimwe nyika, vanopinda Hurukuro Yavose vanowanzopfuura 200 muzana. Dzimwe ungano dzinoshuma vadzidzi veBhaibheri vakawanda kudarika vaparidzi. Hama nehanzvadzi dzinotaura chiRungu dziri kudzidza mimwe mitauro kuti dzibatsire mundima iyi iri kukura nokukurumidza.
Bazi reUnited States rakasiyana nemamwe mukuti zvivako zveBheteri zviri munzvimbo nhatu—Brooklyn, Patterson, uye Wallkill. Pane mapurazi ari pedyo neSouth Lansing, New York, uye kuImmokalee, Florida okurima michero yemhuri yeBheteri. Yose pamwe chete, mhuri yeBheteri inosvika vanhu 5 465.
Panguva ino kune mapazi 109 pasi pose. Urongwa hwokuva neMatare Emapazi anotarisira zvinodiwa pakunamata zvehama dzinogara munyika dzakasiyana-siyana hwave huripo kubvira muna 1976. Matare aya anotevera nhungamiro yeMagwaro uye kutungamirira kweDare Rinodzora. Matare Emapazi ane mutoro wokutarisira kuparidzwa kwemashoko akanaka mundima dzakapiwa bazi racho. Dare racho rinotarisira zvakakodzera ungano dzechiKristu, mamishinari, nemapiyona. Rinorongawo ungano kuva matunhu nemaruwa nokurumbidza kuDare Rinodzora kugadzwa kwevatariri vematunhu nevemaruwa, nhengo dzemhuri yeBheteri, uye vadzidzi veChikoro cheGiriyedhi. Kunze kwokungotarisira basa mumunda, Dare Rebazi rinoona nezvokuronga basa paBheteri. Hapana mubvunzo kuti Jehovha ave achikomborera urongwa uhwu zvikuru.
Kushandura Kuti Zvakawanda Zvinodiwa Zvigoverwe
Mumakore achangobva kupfuura, mabhuku akawanda kwazvo ave achiwanikwa mumitauro inoramba ichingowedzera. Mazana evashanduri vanoshanda nesimba vasingaonekwi noruzhinji anoedza kuti pave nemabhuku akarurama, anonzwisisika, uye anonakidza kuverenga.
Chinhu chikuru chinodiwa nevanhu vaMwari ishanduro yeBhaibheri yakarurama. Nechinangwa ichocho, Shanduro yeNyika Itsva iye zvino yabudiswa mumitauro 44. Payose iyoyo, 29 maBhaibheri akazara. Mugore rebasa rapfuura, Magwaro echiKristu echiGiriki akapedzwa mumitauro mitatu yomuAfrica—Cibemba, Igbo, neLingala—uye Bhaibheri rose rakabudiswa muchiAfrikaans.
Shanduro dzeBhaibheri dzichangobva kubudiswa dziri kufarirwa zvikuru. Mumwe mushumo wakabva kuEurope wakati: “Hama dzinoshanda mundima yemaChina dzakaratidza kuonga kwadzo Bhaibheri mumutauro wadzo, dzichiti riri kuonekwa se‘shanduro yakanaka kwazvo.’” Vamwe vadzidzi veBhaibheri vanofarira vechiChina muCanada vakati: “Bhaibheri iri rinofanira kuva rakashandurwa nemaChina! Tinogona kurinzwisisa zviri nyore!” MuSouth Africa mumwe saimba weXhosa akabvunza kuti: “Makawanepi Bhaibheri iri rinotaura zvakajeka kudai?” MuAlbania imwe hama yakangoti: “Nzira inotaura nayo Shanduro yeNyika Itsva inoita kuti pfungwa dzaJehovha dzisvike pamwoyo.” Mumwe muparidzi muCroatia akanyora kuti: “Iye zvino ndinogona kuona zvinhu nepfungwa zviri nani, uye zvinoita sokuti ndiri kutaura mashoko iwayo. Shanduro itsva yacho inonzwika zviri nyore chaizvo, ine mutauro wakajairwa nevanhu, asi iri youchenjeri. Iye zvino ndinogona kunzwisisa zvizere manakiro akaita shoko raJehovha nemirayiro yake.”
Mabhuku makuru achiri kudiwa kuti mashoko akanaka oUmambo aparadzirwe “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvak. 7:9) Mumakore achangobva kupfuura, mabhurocha mumutauro weLahu, unotaurwa nevanhu vemadzinza omuzvikomo zvokumabvazuva kweThailand nenyika dziri pedyo nayo, ari kubatsira. Mumwe mumishinari akanyora kuti: “Bhurocha raAnodei ndicho chishandiso chinokosha kwazvo muLahu. Hapana parisina kugoverwa. Izvi zvakaguma nei? “Takakokwa nevanhu vari kumisha yakawanda, asi pamusana pedaro racho nemigwagwa yacho, hatina kukwanisa kusvika kwavari vose. Mateu 9:37 ndeyechokwadi zvikuru kwatiri. Somuenzaniso, takaudzwa kuti kune mumwe musha uri kure anenge makiromita 160 kuchamhembe kweChiang Mai, mumwe mukadzi anofarira ave achidzidzisa boka renherera bhurocha raAnodei nguva dzose ari oga.”
MuUnited States, Zvizvarwa zvokuAmerica zvakawanda zviri kupupurirwa mumutauro wazvo. Mabhuku anoverengeka ava kuwanikwa mumutauro weNavajo, kusanganisira makaseti okuteerera ebhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Mumwe muparidzi akanyora kuti: “KuGomo reNavajo, kumapeto chaiko kwendima yedu, kune mumwe aimbova mufudzi wemakwai ava nemakore ari kuma80 asingachagoni kunyatsoona. Muzukurusikana wake akamubvunza kana aida kuteerera tepi yezveBhaibheri, mumutauro weNavajo. Akati aida. Akamuka pamubhedha waaigara akarara nokurwara akanogara pachigaro kuti ateerere. Dai makangoona kuti chiso chake chaitaridzika sei sezvaaiteerera magwaro omuBhaibheri mumutauro wake. Ndinonzwa misodzi pandinozvirondedzera. Zvadaro akati, ‘Nizhoni,’ izvo zvinoreva kuti ‘yakanaka.’”
KuMozambique, mabhuku akabudiswa mumitauro yemo mishanu. Kuitira kuti vaverengi vabatsirwe, bhurocha raApply Yourself to Reading and Writing [Shingairira Kuverenga Nokunyora] rakabudiswa mumitauro iyi, uye nhimbe huru yokudzidzisa kuverenga iri kutoitwa. Izvi zvakafadza VaChissano Mutungamiriri wokuMozambique zvokuti vakati vanotsigira nomwoyo wose basa redu rokudzidzisa Bhaibheri nerokudzidzisa kuverenga.
Magazini yeNharireyomurindi yava kuwanikwa mumitauro 146 uye Mukai! mumitauro 87—kuparadzirwa munyika dzose chaiko. Anofarirwa zvikuru pasi pose nokuda kwokukosha kwawo pakunamata nepakudzidzisa. Somuenzaniso, vagari vanenge 80 000 vokuKiribati, zvitsuwa zvinoverengeka zviri muPacific Ocean, vanotaura mutauro weGilbertese. Zvapupu zviri ikoko, izvo zvisingasviki 100, zvave zvichiparadzira avhareji yemagazini anoda kusvika 20 pamwedzi munhu mumwe mumakore achangobva kupfuura aya. Vaparidzi 1 200 vari muBulgaria vakaparadzira magazini anopfuura 100 000 muna April 2002.
Hapana mubvunzo wokuti Jehovha anoshongedza vanhu vake kuti vaite basa raakavapa kuti vaite. Pasi pose, basa iroro riri kuitwa mumitauro yakawanda zvikuru.—VaF. 4:20.
Kutsaurirwa Kwemapazi
Mugore rebasa ra2002, bazi rakatsaurirwa pachitsuwa chakaisvonaka cheCaribbean chinonzi Trinidad. Zvivako zvebazi ikoko zvakatsaurirwa kuna Jehovha muna 1985, asi kubvira ipapo Trinidad yakava nokuwedzera kwevaparidzi kwe94 muzana. Pakupedzisira, zvivako zvebazi zvaifanira kugadziridzwa chaizvo nokuwedzerwa kuti uriri hukure zvakapetwa nekaviri. Iye zvino bazi rava nezvivako zvokugara zvitsva, mahofisi, raibhurari, panosvikira vaenzi, imba yokudyira, neimba yokubikira. Imba yoUmambo iripo yakagadziridzwawo ikawedzerwa. Chirongwa ichi chakapedzwa chose nevazvipiri vomunyika macho.
Musi waSeptember 29, 2001, vaenzi vanenge 220 vanobva kunyika 14 pamwe chete nehama nehanzvadzi dzomunyika iyi 695 vakaungana pakutsaurirwa kwaro. Vakateerera mishumo inofadza yenhoroondo yezvokunamata yebasa racho, kusanganisira mabasa akaitwa naEvander J. Coward naWilliam R. Brown. Mamishinari anobva kune dzimwe nyika anoverengeka, kusanganisira imwe hanzvadzi ine makore 88 ichiri kuita basa roupiyona hwenguva dzose, vakarondedzera zvimwe zviitiko zvinobaya mwoyo maererano nemabasa avo muTrinidad kwemakore anopfuura 50 adarika.
Stephen Lett weDare Rinodzora akapa hurukuro yokutsaurira. Pakukurukura musoro unoti “Kukoshesa Dzimba Dzokunamatira dzaJehovha Dzekare Nedzazvino,” akasimbisa kuti vanhu, kwete zvivako, ndivo vanonamata Jehovha. Pakupedzisira, Hama Lett vakakurudzira hama norudo kuti dzive vanamati vanoonga kuburikidza nokuteerera kwavo uye mufambiro.
Zuva rakatevera racho musangano chaiwo wakaitwa muguta rePort of Spain nokuda kwevaya vasina kugona kupinda purogiramu yokutsaurira. Vanopfuura 13 000 vakapinda. Pachitsuwa chakavakidzana neichi cheTobago, hama dzinopfuura 300 dzakateerera purogiramu yacho yaiunzwa netambo yenhare. Hama Lett vakapa hurukuro yaiti “Chengetedza Ukama Hwako naJehovha Nokuzvininipisa.” Vose vakapinda ‘vakafara kwazvo’ nokutsaurirwa kwezvivako zvakawedzerwa izvi zvebazi.—Dheut. 16:15.
Nguva ichangopfuura iyi, kuCzech Republic kwakawedzerwawo bazi. Samuel F. Herd weDare Rinodzora akaenda ikoko kunotsaurira chivako cheBheteri, chivako chokuwedzera, neDzimba Dzemagungano mbiri. Purogiramu yokutsaurira yakaitwa musi woMugovera, May 4, 2002, uye vanhu 2 125 vaiteerera hurukuro yaHama Herd. Zuva rakatevera racho, musangano chaiwo wakaitwa, uye vanhu 5 286 vakanzwa hurukuro inovaka yaHama Herd yaiva nomusoro unoti “Kuwanazve Simba—Kwete Kuneta.” Hama dzomuCzech Republic dzakakurudzirwa chaizvo nepurogiramu dzacho.
Pasi pose vashumiri vakazvitsaurira vanokwana 19 823 vanoshanda pazvivako zvakadaro. Vose inhengo dzeBoka Repasi Pose Revashumiri Chaivo Venguva Yakazara reZvapupu zvaJehovha.
[Chati/Mifananidzo iri papeji 12, 13]
ZVIMWE ZVAKAITIKA MUGORE REBASA RA2002
September 1, 2001
September 11: Kuparadzwa kweWorld Trade Center.
September 29: Kutsaurirwa kwebazi reTrinidad.
November 20: Chikoro Choushumiri hwoUmambo chinotanga.
January 1, 2002
January 17: Gomo rinoputika muCongo.
April 4: Nyaya yomudare yokurambidza Zvapupu zvaJehovha kuMoscow inombosendekwa.
May 1, 2002
May 4: Kutsaurirwa kwebazi reCzech Republic.
May 9: Dombo rakanyorwa mukurangarira Zvapupu zvakatambura mune yaimbova misasa yevasungwa yeNazi.
June 17: Dare Repamusorosoro reU.S. rinotsigira kodzero yokuparidza paimba neimba pasina kutanga kukumbira mvumo yokuita kudaro.
August 31, 2002
August 31: Vaparidzi 6 304 645 munyika 234.
[Mifananidzo iri papeji 11]
Pamusoro: Kana paitika njodzi dzakadai, hama nehanzvadzi dzedu dzinoratidza rudo rwechiKristu
[Mufananidzo uri papeji 11]
Pazasi: Imba yoUmambo iyi iri kuRwanda yakashanda somusasa wevapoteri
[Mufananidzo uri papeji 22]
Dare Rebazi reUnited States richangobva kugadzwa, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: (vakagara) John Kikot, Max Larson, George Couch, Maxwell Lloyd; (vakamira) Baltasar Perla, Harold Corkern, Leon Weaver, William Van De Wall, John Larson, uye Ralph Walls
[Mufananidzo uri papeji 26]
“Shanduro yeNyika Itsva” muchiAfrikaans
[Mufananidzo uri papeji 27]
“Mwari Anodei Kwatiri?” mumutauro weNavajo
[Mifananidzo iri papeji 28, 29]
“Vaenzi vanobva kunyika 14 vanobatana nehama nehanzvadzi dzomuTrinidad pakutsaurirwa kwebazi renyika iyi
[Mifananidzo iri papeji 29]
Hama dzomuCzech Republic dzakafara pakutsaurirwa kwechivako chitsva cheBheteri, chivako chokuwedzera, neDzimba Dzemagungano mbiri