-
Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani WeduNharireyomurindi—2006 | December 1
-
-
Muvakidzani Wangu Ndiani?
4. Maererano nechitsauko 19 chaRevhitiko, vaJudha vaifanira kuratidza rudo kunaani?
4 Paaiudza muFarisi wacho kuti murayiro wechipiri mukuru pane yose ndewokuda muvakidzani sezvaunozvida, Jesu akanga ari kutaura nezvomutemo chaiwo wakapiwa vaIsraeri. Wakanyorwa pana Revhitiko 19:18. Muchitsauko chimwe chete ichi, vaJudha vakaudzwa kuti vaifanira kuona vamwe vanhu vakanga vasiri vaIsraeri sevavakidzani vavo. Ndima 34 inoti: “Mutorwa anogara nemi ngaave somunhu womunyika yenyu; uye munofanira kumuda sezvamunozviita, nokuti imi makava vatorwa munyika yeIjipiti.” Saka, kunyange vanhu vakanga vasiri vaJudha, zvikurukuru vakanga vatendeuka, vaifanira kubatwa norudo.
-
-
Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani WeduNharireyomurindi—2006 | December 1
-
-
Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu
8. Chitsauko 19 chaRevhitiko chinoti kudii nezvemaratidzirwo aifanira kuitwa rudo?
8 Kuda muvakidzani, kungofanana nokuda Mwari, haasi manzwiro chete; kunosanganisira chiito. Zvinobatsira kuongororazve mashoko akapoteredza murayiro wakanyorwa muna Revhitiko 19 unokurudzira vanhu vaMwari kuti vade vavakidzani vavo sezvavanozviita. Ipapo tinoverenga kuti vaIsraeri vaifanira kubvumira vaitambura nevatorwa vavaigara navo kuti vakohwewo zvimwe zvinhu. Kuba, kunyengera, kana kunyengedza zvakanga zvisingabvumirwi. Pakutonga nyaya vaIsraeri vakanga vasingafaniri kusarura. Kunyange zvazvo vaifanira kutsiura pazvaidiwa, vakanyatsoudzwa kuti: “Usavenga hama yako mumwoyo mako.” Mirayiro iyi nemimwe yakawanda yakapfupiswa nemashoko aya anoti: “Ida wokwako sezvaunozviita.”—Revhitiko 19:9-11, 15, 17, 18.
9. Nei Jehovha akarayira vaIsraeri kuti varambe vakazviparadzanisa nevanhu vemamwe marudzi?
9 Kunyange zvazvo vaIsraeri vaifanira kuda vamwe, vaifanirawo kuramba vakazviparadzanisa nevaya vainamata vanamwari venhema. Jehovha akanyevera nezvengozi nemigumisiro yokushamwaridzana nevanhu vakaipa. Somuenzaniso, nezvemarudzi aizotorerwa nyika nevaIsraeri, Jehovha akarayira kuti: “Usaroorerana navo. Usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, uye usatorera mwanakomana wako mwanasikana wake. Nokuti achatsausa mwanakomana wako kuti arege kunditevera, uye vachashumira vamwe vanamwari; Jehovha achakutsamwirai kwazvo.”—Dheuteronomio 7:3, 4.
-