Rambira “Muguta Routiziro” Ndokurarama!
“Aifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira muprista mukuru afa.”—NUMERI 35:28.
1. Ndiani Mutsivi weropa, uye chiitoi chaachakurumidza kuita?
MUTSIVI weropa waJehovha, Jesu Kristu odokurovanya. Neuto rake rengirozi, uyu Mutsivi nokukurumidza achaita chiito chokurwisa avo vose nokusapfidza vane mhaka yeropa. Hungu, Jesu achabatira soMuurayi waMwari mukati mo“kutambudzika kukuru” kuri kuswedera nokukurumidza. (Mateo 24:21, 22; Isaya 26:21) Rudzi rwomunhu ipapo ruchanangana nemhaka yarwo yeropa.
2. Ndeipi iri nzvimbo bedzi yechokwadi youtiziro, uye mibvunzoi inoda mhinduro?
2 Nzira yokuenda nayo kuchengeteko kupinda mumugwagwa unoenda kuguta routiziro rokufananidzira ndokumhanya nokuda kuponesa upenyu hwako! Kana akagamuchirwa kuguta racho, mupoteri anofanira kurambira ikoko, nokuti ndiyo nzvimbo yechokwadi bedzi youtiziro. Asi ungashamisika kuti, ‘Sezvo vakawanda zvikurusa vedu tisina kumbouraya munhu upi noupi, chaizvoizvo tine mhaka yeropa here? Neiko Jesu ari Mutsivi weropa? Chii chiri guta routiziro romuzuva rino? Munhu upi noupi anogona kumbobuda mariri nenzira yakakotsekana here?’
Chaizvoizvo Tine Mhaka Yeropa Here?
3. Rutivi rwupi rwoMutemo waMosesi ruchatibetsera kuona kuti mabhiriyoni apasi anogoverana mhaka yeropa?
3 Rutivi rwoMutemo waMosesi ruchatibetsera kuona kuti mabhiriyoni apasi anogoverana mhaka yeropa. Mwari akaisa pana vaIsraeri mutoro unogoveranwa wokudeurwa kweropa. Kudai mumwe munhu aionekwa aurawa uye muurayi wake akanga asingazivikanwi, vatongi vaifanira kuyera daro rokuenda kumaguta akapoteredza kuti vasarudze guta raiva pedyosa. Kuti vabvise mhaka, vakuru veguta iroro sezviri pachena raiva nemhaka yeropa vaifanira kutyorera mutsipa wetsiru, risina kumboshanda parwizi runoyerera nomumupata usina kurimwa. Izvozvi zvaiitwa pamberi pavaprista vechiRevhi ‘nemhaka yokuti Jehovha akavasarudza kuti vagadzikise magakava pamusoro pezviito zvamasimba masimba.’ Vakuru veguta vaigezera maoko avo pamusoro pemombe yacho ndokuti: “Maoko edu haana kuteura ropa iro, nameso edu haana kuriona. Imi Jehovha, kanganwirai henyu vanhu venyu vaIsraeri, vamakadzikinura; musatendera kuti ropa risina mhosva rigare pakati pavanhu venyu vaIsraeri.” (Dheuteronomio 21:1-9) Jehovha Mwari aisada kuti nyika yaIsraeri isvibiswe neropa kana kuti vanhu vayo kuti vave nemhaka yeropa inogoveranwa.
4. Bhabhironi Guru rine chinyorwai chemhaka yeropa?
4 Hungu, kune chinhu chakadaro semhaka yeropa inogoveranwa, kana kuti yenzanga. Rangarira mhaka huru yeropa iri paBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Chokwadika, rakadhakwa neropa ravabatiri vaJehovha! (Zvakazarurwa 17:5, 6; 18:24) Marudzidziso echiKristudhomu anotaura kuti anotevera Muchinda woRugare, asi hondo, bvunzurudzo dzorudzidziso, uye hondo tsvene dzinouraya dzakariita kuti rive nemhaka yeropa pamberi paMwari. (Isaya 9:6; Jeremia 2:34) Kutaura idi, rinofanira kuva nemhaka huru nokuda kworufu rwamamiriyoni muhondo mbiri dzenyika dzezana rino ramakore. Naizvozvo, vateveri vorudzidziso rwenhema pamwe chete navatsigiri uye vagoverani muhondo dzavanhu vane mhaka yeropa pamberi paMwari.
5. Vamwe vanhu vave vakaita sei seaisauraya munhu namaune muna Israeri?
5 Vamwe vanhu vakaparira rufu rwavanhu namaune kana kuti nokuregeredza. Vamwe vakatora rutivi mukuuraya kwavakawanda, zvichida vapesvedzerwa navatungamiriri vorudzidziso kuti ikoku kwakanga kuri kuda kwaMwari. Zvisinei vamwe vakatambudza ndokuuraya vabatiri vaMwari. Kunyange kana tisina kuita zvinhu zvakadaro, kunyange zvakadaro, tinogoverana mutoro wenzanga nokuda kwokuparara kwoupenyu hwavanhu nemhaka yokuti takanga tisingazivi mutemo uye kuda kwaMwari. Takafanana neasingaurayi munhu namaune ‘akauraya munhu biyake asingazivi uye aisamuvenga kare.’ (Dheuteronomio 19:4) Vanhu vakadaro vanofanira kuteterera Mwari nokuda kwengoni uye vanofanira kumhanyira muguta routiziro rokufananidzira. Zvikasadaro vachava nokusangana kunouraya noMutsivi weropa.
Basa raJesu Rinokosha
6. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Jesu ndiye hama yokunyama yapedyosa yorudzi rwomunhu?
6 Muna Israeri mutsivi weropa akanga ari hama yokunyama yapedyosa yanyajambwa. Kuti atsive vose vakaurawa mupasi uye zvikurukuru vabatiri vaJehovha vakaurawa, Mutsivi weropa womuzuva razvino aizofanira kuva hama yokunyama yorudzi rwose rwomunhu. Rutivi irworwo rwakaitwa naJesu Kristu. Akaberekwa ari munhu akakwana. Jesu akapa upenyu hwake husina chivi murufu sechibayiro chorudzikinuro, uye pashure pokumutsirwa kwake kudenga, akapa ukoshi hwacho kuna Mwari nokuda kwavazukuru vane chivi vaAdhama vanofa. Kristu nokudaro akava Mudzikinuri worudzi rwomunhu, hama yedu yokunyama yapedyosa—Mutsivi weropa akakodzera. (VaRoma 5:12; 6:23; VaHebheru 10:12) Jesu anozivikanwa sehama kuvakazodzwa vanotevera makwara ake. (Mateo 25:40, 45; VaHebheru 2:11-17) SaMambo wokudenga anova “Baba vokusingaperi” waavo vachabetserwa nechibayiro chake savadzorwi vake vapasi. Ivava vachararama nokusingaperi. (Isaya 9:6, 7) Naizvozvo Jehovha nenzira yakakodzera akagadza iyi Hama yokunyama yorudzi rwomunhu soMutsivi weropa.
7. SoMuprista Mukuru zvikuru, Jesu anoitirei vanhu?
7 Jesu Muprista Mukuru asina chivi, akaedzwa, anonzwirawo tsitsi. (VaHebheru 4:15) Munzvimbo iyoyo anoshandisa kufanira kwechibayiro chake chinoyananisa chivi kurudzi rwomunhu. Maguta outiziro akagadzwa “kuvana vaIsraeri, nokumweni, nokumutorwa ugere pakati pavo.” (Numeri 35:15) Naizvozvo Muprista Mukuru zvikuru akatanga ashandisa kufanira kwechibayiro chake kuvateveri vake vakazodzwa, “vana vaIsraeri.” Zvino chiri kushandiswa ku‘vagari vokumwe’ uye ku‘vatorwa’ muguta routiziro rokufananidzira. Aya “mamwe makwai” aIshe Jesu Kristu anokarira kurarama nokusingaperi pasi pano.—Johane 10:16; Pisarema 37:29, 34.
Guta Routiziro Ranhasi
8. Chii chiri guta routiziro rokufananidzira?
8 Chii chiri guta routiziro rokufananidzira? Harisati riri nzvimbo inowanikwa kunzvimbo yakati yakadai seHebroni, rimwe ramaguta outiziro matanhatu avaRevhi uye musha womuprista mukuru waIsraeri. Guta routiziro ranhasi igadziriro yaMwari yokutidzivirira parufu nokuda kwokuputsa mutemo wake pamusoro poutsvene hweropa. (Genesi 9:6) Zvimwe namaune kana kuti kusati kuri noune, muputsi ari wose womutemo iwoyo anofanira kutsvaka kukanganwira kwaMwari uye kudzimwa kwechivi chake kupfurikidza nokutenda muropa roMuprista Mukuru, Jesu Kristu. VaKristu vakazodzwa vane tariro yokudenga ne“vazhinji-zhinji” vane kariro dzapasi vakazviyamura vamene nebetsero dzechibayiro chaJesu chinoyananisa chivi uye vari muguta routiziro rokufananidzira.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 1 Johane 1:7; 2:1, 2.
9. Sauro weTarso akaputsa sei murayiro waMwari weropa, asi akaratidza sei kuchinja kwechimiro chendangariro?
9 Asati ava muKristu, muapostora Pauro akanga aputsa mutemo pamusoro peropa. SaSauro weTarso, akatambudza vateveri vaJesu uye akatotendera kupondwa kwavo. “Asi,” akadaro Pauro, “ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda.” (1 Timotio 1:13; Mabasa 9:1-19) Sauro aiva nechimiro chendangariro chokupfidza, icho gare gare chakabvumikiswa namabasa akawanda okutenda. Asi zvinopfuura kutenda chibayiro zvinodikanwa kuti tipinde muguta routiziro rokufananidzira.
10. Kunobvira sei kuwana hana yakanaka, uye chii chinofanira kuitwa kuichengeta?
10 Aisauraya munhu namaune aigona kugara murimwe ramaguta outiziro aIsraeri bedzi kana aigona kubvumikisa kuti akanga ane hana yakanaka kuna Mwari pamusoro pokudeurwa kweropa. Kuti tiwane hana yakanaka, tinofanira kutenda chibayiro chaJesu, kupfidza zvivi zvedu, uye kuchinja nzira yedu. Tinofanira kukumbira hana yakanaka mumunyengetero wokuzvitsaurira kuna Mwari kupfurikidza naKristu, tichiratidzira ikoku kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. (1 Petro 3:20, 21) Iyi hana yakanaka inotibvumira kuwana ukama hwakachena naJehovha. Nzira bedzi yokuchengeta nayo hana yakanaka kuwirirana nezvinodikanwa zvaMwari ndokuita basa rakagoverwa kwatiri muguta routiziro rokufananidzira, kunyange sezvo vapoteri mumaguta outiziro ekare vaifanira kuteerera Mutemo ndokuita migove yebasa ravo. Basa guru ravanhu vaJehovha nhasi ndeiro rokuzivisa shoko roUmambo. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Kuita basa iroro kuchatibetsera kuva vagari vanobetsera veguta routiziro romuzuva razvino.
11. Chii chinofanira kudziviswa kana tichizoramba nenzira yakakotsekana tiri mukati meguta routiziro ranhasi?
11 Kubuda muguta routiziro ranhasi kuzviratidzira timene kukuparadzwa, nokuti Mutsivi weropa nokukurumidza achaita chiito chokurwisana navose avo vane mhaka yeropa. Ino haisati iri nguva yokuwanwa tiri kunze kweiri guta rinodzivirira kana kuti munharaunda ine ngozi pedyo nokunze kwomuganhu wemafuro aro. Taizoguma tava kunze kweguta routiziro rokufananidzira kudai taizorasikirwa nokutenda chibayiro chinoyananisa zvivi choMuprista Mukuru. (VaHebheru 2:1; 6:4-6) Nesuwo taisazova vakakotsekana kudai taizogamuchira nzira dzenyika, kumira pamiganhu yesangano raJehovha, kana kuti kutsauka pamipimo yaBaba vedu vokudenga.—1 VaKorinte 4:4.
Kusunungurwa Muguta Routiziro
12. Vaichimbova nemhaka yeropa vanofanira kugara muguta routiziro rokufananidzira kwenguva yakareba sei?
12 Muurayi womunhu asiri wamaune muna Israeri aifanira kurambira muguta routiziro “kusvikira muprista mukuru afa.” (Numeri 35:28) Naizvozvo vaichimbova nemhaka yeropa vanofanira kugara muguta routiziro rokufananidzira kwenguva yakareba sei? Kusvikira vasisade betsero dzoMuprista Mukuru, Jesu Kristu. “Une simba rokuponesa kwazvo kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye,” akadaro Pauro. (VaHebheru 7:25) Chero bedzi mavara api naapi echivi uye mhaka yeropa yekare zvichipfuurira, betsero dzoMuprista Mukuru dzinodikanwa kuitira kuti vanhu vasina kukwana vagone kuva nokumira kwakanaka naMwari.
13. Ndivanaani vari “vana vaIsraeri” vomuzuva ranhasi, uye vanofanira kugara mu“guta routiziro” kwenguva yakareba sei?
13 Yeuka kuti maguta outiziro ekare akaitirwa “vana vaIsraeri,” vagari vokumwe, uye vatorwa. “Vana vaIsraeri” ndivo vaIsraeri vomudzimu. (VaGaratia 6:16) Vanofanira kugara muguta routiziro rokufananidzira chero bedzi vachigara pasi pano. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti vachiri munyama isina kukwana naizvozvo vanoda yananiso yakafanira yoMuprista wavo Mukuru wokudenga. Asi apo ava vaKristu vakazodzwa vanofa uye vanomutsirwa kuupenyu hwomudzimu mudenga, havazodizve betsero dzinoyananisa dzoMuprista Mukuru; vachave vasiya nokusingaperi nyama uye mhaka yeropa yakabatana nayo. Kuna vakazodzwa vakadaro vanomutswa, Muprista Mukuru achave afa mumwero unoyananisa, unodzivirira.
14. Chiizve chinoda kuti avo vane kariro dzokudenga vagare muguta routiziro ranhasi?
14 Kuva namavara omunhu kumene kunoda kuti avo vachava “vadyi venhaka pamwe chete naKristu” vokudenga vagare muguta routiziro rokufananidzira kusvikira vapedza nokutendeka upenyu hwavo hwapasi murufu. Apo vanofa, vachabayira mavara omunhu nokusingaperi. (VaRoma 8:17; Zvakazarurwa 2:10) Chibayiro chaJesu chinoshanda bedzi kuna avo vane mavara omunhu. Nokudaro, Muprista Mukuru anofira avo vari Israeri womudzimu apo vanomutswa sezvisikwa zvomudzimu izvo zvichagara nokusingagumi mudenga savaka“goverwa umwari.”—2 Petro 1:4.
15. Ndivanaani vari ‘vagari vokumwe’ na‘vatorwa’ vomuzuva razvino uno, uye Muprista Mukuru achavaitirei?
15 Muprista Mukuru acha“fa” rini maererano na‘vagari vokumwe’ vomuzuva razvino uno uye ‘vatorwa,’ kuchivabvumira kubuda muguta routiziro rokufananidzira? Iyi mitezo yeboka guru haigoni kubuda muiri guta routiziro nokukurumidza pashure pedambudziko guru. Zvokona nei? Nemhaka yokuti vachave vachiri mumamiriro ezvinhu avo okusakwana, enyama inotadza uye vachada kuramba vari mudziviriro yoMuprista Mukuru. Kupfurikidza nokuzviyamura vamene nebetsero dzake dzinoyananisa mukati moushe nouprista zvake zvamakore ane chiuru, vachawana kukwana kwomunhu. Jesu ipapo uchavapa kuna Mwari nokuda kwomuedzo wokupedzisira, unosarudza zvokugumisira kuperera kwavo kupfurikidza nokusunungura Satani namadhimoni ake kwenguva duku. Nemhaka yokuti vanopfuura uyu muedzo netendero youmwari, Jehovha uchavati vakarurama. Nokudaro vachasvika kukwana kwomunhu kwakazara.—1 VaKorinte 15:28; Zvakazarurwa 20:7-10.a
16. Ndirini apo vapukunyuki vedambudziko guru vasati vachizodazve betsero dzinoyananisa dzoMuprista Mukuru?
16 Naizvozvo, ipapoka, vapukunyuki vedambudziko guru vachafanira kuchengeta hana yakanaka kupfurikidza nokurambira muguta routiziro rokufananidzira kusvikira mugumo woKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu. Savanhu vakakwaniswa, havasati vachizodazve betsero dzinoyananisa dzoMuprista Mukuru uye vachabuda mudziviriro yake. Jesu ipapo achafa kwavari soMuprista Mukuru, nokuti haasati achadikanirwazve kuvamiririra neropa rinochenesa rechibayiro chake. Panguva iyeyo vachabuda muguta routiziro rokufananidzira.
17. Neiko kusati kuchizova madikanwa nokuda kweavo vanomutswa mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu kuti vapinde muguta routiziro rokufananidzira ndokugara imomo?
17 Avo vanomutswa mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu vanofanira kupinda muguta routiziro rokufananidzira ndokurambira imomo kusvikira rufu rwomuprista mukuru here? Aiwa, nemhaka yokuti kupfurikidza nokufa vakaripa chirango chokutadza kwavo. (VaRoma 6:7; VaHebheru 9:27) Zvisinei, Muprista Mukuru achavabetsera kusvika pakukwana. Kana vakapasa nokubudirira muedzo wokugumisira pashure peMireniyumu, Mwari achavatiwo vakarurama nevimbiso youpenyu husingagumi pasi pano. Chokwadika, kukundikana kuwirirana nezvinodikanwa zvaMwari kuchaunza rutongeso rweshurikidzo nokuparadzwa pavanhu vapi navapi vasingabudiriri muedzo wokugumisira savachengeti veperero.
18. Pamusoro poumambo nouprista zvaJesu, chii chicharamba chine rudzi rwomunhu nokusingaperi?
18 Vaprista vakuru vechiIsraeri pakupedzisira vaifa. Asi Jesu “muprista mukuru nokusingaperi, une rudzi naMerkisedheki.” (VaHebheru 6:19, 20; 7:3) Naizvozvo kuguma kwebasa raJesu soMuprista Mukuru anoreverera kune rudzi rwomunhu hakugumisi upenyu hwake. Tapuro dzakanaka dzebetsero yake saMambo noMuprista Mukuru dzicharamba dzine rudzi rwomunhu nokusingaperi, uye vanhu vachava nomungava kwaari nokusingagumi nokuda kwokuva akabatira mune aya mativi. Uyezve, kusvikira nokusingagumi Jesu achatungamirira mukunamatwa kwakachena kwaJehovha.—VaFiripi 2:5-11.
Zvidzidzo Zvinokosha Nokuda Kwedu
19. Chidzidzoi pamusoro poruvengo norudo chinogona kudzidzwa mugadziriro yamaguta outiziro?
19 Tinogona kufunda zvidzidzo zvakasiyana-siyana kubva mugadziriro dzamaguta outiziro. Somuenzaniso, pakanga pasina muurayi womunhu aiva noruvengo rwokuponda nokuda kwanyajambwa wake aitenderwa kugara muguta routiziro. (Numeri 35:20, 21) Naizvozvo munhu upi noupi ari muguta routiziro rokufananidzira angagona sei kubvumira kuvenga hama kutanga mumwoyo wake? “Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muurayi,” akanyora kudaro muapostora Johane “munoziva kuti hakuna muurayi une upenyu husingaperi hugere maari.” Naizvozvo ngati“dane; nokuti rudo runobva kuna Mwari.”—1 Johane 3:15; 4:7.
20. Nokuda kwokudzivirirwa kubva paMutsivi weropa, avo vari muguta routiziro rokufananidzira vanofanira kuitei?
20 Kuti vadzivirirwe kubva kune mutsivi weropa, vasina kuuraya munhu namaune vaifanira kurambira muguta routiziro ndokusadzungaira kunze kwamafuro aro. Zvakadiniko naavo vari muguta routiziro rokufananidzira? Nokuda kwokuchengeteka paMutsivi weropa mukuru, havafaniri kubuda muguta. Zvirokwazvo, vanodikanirwa kungwarira zvinokwezva kuti vaende kumuganhu wemafuro, kutaura nenzira yokufananidzira. Vanofanira kungwarira kusarega kuda nyika yaSatani kuchitanga mumwoyo yavo. Ikoku kungada munyengetero nenhamburiko, asi upenyu hwavo hunotsamira pairi.—1 Johane 2:15-17; 5:19.
21. Ibasai rinotusa riri kuitwa naavo vari muguta routiziro ranhasi?
21 Vasina kuuraya munhu namaune vaiva mumaguta outiziro ekare vaifanira kuva vashandi vanobetsera. Nenzira yakafanana, “vana vaIsraeri” vakazodzwa vakagadza muenzaniso wakaisvonaka savashandi vanokohwa navazivisi voUmambo. (Mateo 9:37, 38; Marko 13:10) Sa‘vagari vokumwe’ na‘vatorwa’ muguta routiziro ranhasi, vaKristu vane kariro dzapasi vakaropafadzwa kuita iri basa rinoponesa upenyu pamwe chete navakazodzwa vachiri pasi pano. Uye irori ibasa rinotusa zvakadini! Avo vari kushanda nenzira yokutendeka muguta routiziro rokufananidzira vachapukunyuka rufu rwokusingagumi pamaoko oMutsivi weropa. Panzvimbo pezvo, vachawana betsero dzisingagumi mubasa rake soMuprista Mukuru waMwari. Ucharambira muguta routiziro ndokurarama nokusingaperi here?
[Mashoko Omuzasi]
Waizopindura Sei?
◻ Neiko kuchigona kutaurwa kuti mabhiriyoni apasi ane mhaka yeropa?
◻ Mabasai ayo Jesu Kristu anoita pamusoro porudzi rwomunhu?
◻ Chii chiri guta routiziro rokufananidzira, uye munhu anopinda sei mariri?
◻ Ndirini apo vanhu vachasunungurwa muguta routiziro rokufananidzira?
◻ Zvidzidzoi zvinokosha zvatinogona kudzidza mugadziriro yamaguta outiziro?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Unoziva kuti mabasai anokosha anoitwa naJesu Kristu here?