Zviono Zvomunyika Yakapikirwa
Kupfuurira Kubva Tabhori Kuenda Kurukundo!
FUNGIDZIRA uri mushongwe uchitarira pasi panzvimbo apo nzira dzenhau dzaigurana! Iwe ungagona kupupurira zvomenemene nhau ichiitika.
Nzvimbo yeBhaibheri yeMegidho ingakodzera zvakanakisisa rondedzero iyoyo, nokuti iyo yaiva kumativi ose ari maviri enzira dzinokosha dzokutengeserana nedzehondo. Bva, mhiri kwoMupata weJezreeri kunobuda Gomo reTabhori, iro raitarirawo pasi paVia Maris, nzira yakakurumbira inoenda kumaguta eFertile Crescent.a
Kana ukatarira kuTabhori uri panodokuva panzvimbo ipi neipi munharaunda yacho, hauna chaunogona kuita kunze kwokuororwa. (Enzanisa naJeremia 46:18.) Tabhori rinobuda riri roga zvakaisvonaka mumhoteredzo dzaro, chimiro charo chakatetepa pamusoro chichizivikanwa munzira dzose. Iro rinopfuura bani riri pamberi paro kumaodzanyemba, Mupata weJezreeri wakaibva, uyo unobatanidza mhenderekedzo yegungwa noMupata waJoridhani.
Uri paurengarenga hwakaurungana zvakaisvonaka hweTabhori, unogona kutarira kumaodzanyemba wakananga kuguta reJezreeri, uko kungayeuchidza kutasva kwokutsamwa kwaJehu achikwira kuugaro hwoumambo hwaAhabhi nomugumo unonyadzisa waIzebheri. (1 Madzimambo 21:1; 2 Madzimambo 9:16-33) Pedyopo pane Megidho. Kumadokero unogona kuona Gomo reKarmeri, uko Eria akava nomuedzo womwoto. (1 Madzimambo, ganhuro 18) Uri paTabhori unogona kuonawo uko Rwizi Kishoni runoyerera rwakananga kugungwa, uye makiromita masere kuchamhembe kwakadziva kumadokero mumakomo okwakaderera kweGarirea kune Nazareta.
Asi inhauroi yeBhaibheri iyo kududzwa kweTabhori kunokuyeuchidza? Sezvingabvira iya yaDebhora naBharaki. Mukati menguva yavo, vaKanani vachitungamirirwa naMambo Jabhini weHazori vakanga vadzvinyirira Israeri kwamakore 20. Ipapo muporofitakadzi Debhora akakurudzira Bharaki kuchiito. Iyewo, akanyandura vaIsraeri vane zviuru zvine gumi, zvikurukuru vamarudzi aNafitari naZebroni muGarirea, uye akaita kuti vaungane paTabhori. Ivo vakanga vakashongedzerwa zvisina kutsarukana, nokuti kwakanga kusina nhovo kana kuti pfumo muna Israeri.—Vatongi 5:7-17.
Gadziriro inotyisa yehondo yakarwisana navo. Mutungamiriri wehondo waJabhini Sisera akaunza varwi veKanani vakashongedzerwa zvikuru kuMupata weJezreeri. Ivo vanofanira kuva vakatarisika vakati fananei navarume vakashongedzerwa vanoratidzwa mumifananidzo yapamadziro yeEgipita, inoratidzirwa papeji inotevera, pamusoro kurudyi. Gadziriro yehondo yeEgipita yakapesvedzera iyo yakashandiswa muKanani, kubatanidza rutivi runotyisa zvikurusa rwezvombo zvaSisera—ngoro dzehondo 900!
Ngoro idzodzo dzeKanani dzaizova dziri nzvimbo chaidzoidzo dzinofamba dzokupfuurira vari. Muchairi angave akasungira zvitomu muchiuno chake zvokuti maoko ake akanga akasununguka kuti abate zvombo. Kana kuti iye angave akanangidzira ngwariro pamabhiza ake anodenha apo shamwari yaishandisa zvombo. Ngoro dzaiva namapanga esimbi anobva mumahabhu amavhiri. Kuvarume vaBharaki vaitarira vari paTabhori, ngoro dzakaungana dzinofanira kuva dzakaratidzika kuva dzisingamiswi zvinotyisa, dzisingakundwi.
Bva, Jehovha akanga apikira Bharaki, kuti: “Neni ndichatumira kwauri kurukova Kishoni Sisera . . . nengoro dzake navanhu vake vazhinji.” Panguva yakarurama, vaIsraeri vakashinga vakadirana vachidzika parutivi peTabhori.—Vatongi 4:1-14.
Yaiva youkoshi hukuru kupfuura betserowo zvayo yechishamiso yakanga iri betsero Israeri akagamuchira kuna Mwari wavo ane simba mudenga. Dhebhora gare gare akaimba, achiti: “Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga, dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo. Rwizi Kishoni rwakavakukura . . . Mweya wangu, pfuura nesimba.” (Vatongi 5:20, 21) Hungu, kunyange zvazvo vaIsraeri vakanga vakashongedzerwa zvishoma asi vane ushingi vakatandanisa vaKanani vakashongedzerwa, Mwari akasarudza muuyo chaiwoiwo. Iye akaparira mafashamo makuru akamwe kamwe mugova, achijombesa ngoro dzinotyisa.
Pasi unoona rutivi rwerwizi Kishoni. Mumwaka wemvura, runogona kufashamira mhenderekedzo dzaro ndokushandura nharaunda yacho kuva murove. Fananidzira ngoro dzehondo dzeKanani dzichiedza kunzvenga nomumadhaka akadaro. Mvura dzinopenga dzakaeredza varwi vanomhanya kana kuti ngoro, kana kuti zvose zviri zviviri. Rukundo rwaIsraeri rwakatosvikira Mutungamiriri wehondo Sisera, uyo akanga asiya ngoro yake, achinzvenga netsoka achibva panzvimbo yehondo. Pashure pokunge ahwanda mutente romukadzi Jaeri, akasarudza nguva yakanaka ndokuuraya muvengi wake.—Vatongi 4:17-22.
Nokudaro, nguva inokosha neyerukundo munhau yaIsraeri yakapetunuka pamberi paDebhora navamwe vanhu vapi navapi vangave vaitarira vari pakakwirira peGomo reTabhori.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona mepu nomufananidzo mukuru, wakajeka weTabhori mu 1990 Karenda yeZvapupu zvaJehovha.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 17]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.