Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kubata Nokutsoropodza Kwavabereki Vangu?
“VABEREKI vakawanda vanodavira kuti nzira yakanakisisa yokuti vabetsere vana vavo kuti vavandudzike iri kupfurikidza nokutsoropodza chavanoita zvisina kururama.” Akanyora kudaro Clayton Barbeau mubhuku rake rinonzi How to Raise Parents.
Hapana panikiro pamusoro pako, kana uri munhu muduku, zvimwe unoruramiswa navabereki vako kanenge kakawanda sakaunofinhwa. Sokutsamwisa kungaita ikoku pane dzimwe nguva, kutsoropodza kwakadaro hakusati zvako kuri chinhu chakashata.a Isu tose tinoda ruramiso nguva nenguva; kutsoropodza kunoshanda kunogona kuva kwakanaka, kunobetsera.
Zvisinei, vabereki pane dzimwe nguva vanova vasina mufungo, vachituka vana vavo kusvikira kupfundo rokuodza mwoyo. (VaKorose 3:21) Kana kuti vangabvumira mirangariro yavo kuvadzora uye vanonyomba nokuninipisa vaduku vavo pakukanganisa kuduku. Pasinei zvapo nomutoo uyo kutsoropodza kunopiwa nako, kunyange zvakadaro, kunobvira kubetserekana makuri. Pashure pokurangarira zvose, vabereki vako sezvingabvira vane fariro dzako dzakanakisisa pamwoyo. Sokutaura kwakaita Bhaibheri kare kare, “mavanga anotemwa neshamwari angatendwa.” (Zvirevo 27:6) Chokwadi, nemhaka yokuti vabereki vako vari pedyo zvikuru newe, kukuwanira mhaka kwavo kunogona kukuvadza zvikuru. Asi kana ukadzidza kugamuchira nokuchenjera kutsoropodza, unogona kuderedza marwadzo ndokukudziridza betsero.
Nzira Isina Kururama
Rangarira chinoitika chaStephanie muduku: “Apo amai vangu vakauya kumba vachibva kubasa,” anotsanangura kudaro Stephanie, “vakatanga kutuka pamusoro pokuti ndakanga ndisati ndachenesa mumba kana kuti kurasa marara. Ivo vakati, ‘Haugoni kuita chinhu chipi nechipi zvakarurama mumba muno, asi kana toreva nezvokundotamba, unoita ikoko zvakarurama.’ Ndakati, ‘Pakureva nezvokutuka, munoita ikoko zvakarurama.’ Vakatanga kundipopotera uye ndakabva ndokupfiga suo rekamuri rangu kuti ndidzivise inzwi ravo. Vakafufutirwa zvikuru, vachizhamba vachiti ndaizorangwa.”—My Parents Are Driving Me Crazy, rakanyorwa naJoyce L. Vedral.
Kunonzwika kuva kwakarovedzeka here? Ipapo unoziva kuti kunokuvadza sei kuudzwa kuti “haugoni kuita chinhu chipi nechipi zvakarurama.” Kunyanguvezvo, chii icho Stephanie akaita kupfurikidza nokushatirirwa amai vake? Kupopota, kuzhamba, kana kuti kupandukira kungangoita bedzi kuti mavara akaipa aonekwe mumubereki. Gutsikano duku inowanwa nokuratidzira kunzwa kwako kwokushatirwa haikoshi mukuenzaniswa nechirango chine chokwadi chokuuya. Uyezve, pwere yechiKristu inotaura noruzvidzo kumubereki inotambura kuvadziko yomudzimu—uye inowana hasha dzaMwari.—Zvirevo 30:17; VaEfeso 6:1, 2.
Amai vaStephanie vangave vasina kubata zvinhu nenzira yakanakisisa. Asi hakusi here kuti pakanga pane chokwadi mukunyunyuta kwavo pamusoro paStephanie? Naizvozvo kupfurikidza nokudzivisa kutsoropodza, Stephanie haana bedzi kuita kuti upenyu huome zvikuru nokuda kwake amene asiwo akarasikirwa nebanza rokuita vandudziko dziri madikanwa.
Ukoshi Hwokuteerera
Bhaibheri rinopa iyi pangiro: “Teerera kana uchirairwa, unzwe kana uchidzidziswa, kuti pashure ugova wakachenjera.” (Zvirevo 19:20) Hungu, bvisa sundo yokuzviruramisa umene, kupopota, kana kuti kudzosera kutsoropodza kwako umene, uye ipa ngwariro pane chiri kutaurwa chaizvoizvo. Magazini ye’Teen inokutaura neiyi nzira: “Teerera kukutsoropodza nomusoro wako uye kwete mirangariro yako.”
Kuita saizvozvo kunokubetsera kudzivisa kukudziridza kana kuti kuwedzera izvo mubereki wako ari kutaura. Mubereki wako ari kukuidza asina maturo zvomenemene here kana kuti mukundikani chose chose, kana kuti ari kungotaura bedzi kuti wakaita basa roupfende rokupenda garaji kana kuti kuchenesa chitofu? Kana kwapashure kuri kwechokwadi, kushatirirweiko? “Hapana munhu anoita zvakarurama nguva dzose uye asingatongoiti chikanganiso,” rinodaro Bhaibheri. (Muparidzi 7:20, Today’s English Version) Uye kunyange kana ukakundikana pane rimwe basa rakati, hakutongorevi kuti uri mukundikani muupenyu humene. Naizvozvo zviyeuchidze umene kuti une rimwe simba nezvakanaka.
Kudzikama Mudzvinyiriro
“Nguva yose yaanoita chimwe chinhu choufuza,” vanobvuma kudaro vamwe baba, “ndinoti, ‘Iwe fuza.’” Zvakadiniko kana mubereki wako nenzira yakafanana akatanga kutuka kana kuti kutaura kumwe kusina kunaka? Kutanga, dzora mirangariro yako! “Unozvidzora pamashoko ake, une zivo; uye une mweya wakagadzikana, munhu wenjere.”—Zvirevo 17:27.
Usapa ngwariro pakusaruramisira kunofungidzirwa kwezviri kutaurwa; ikoko kuchangoita bedzi kuti utsamwe zvikuru. Ipa ngwariro, panzvimbo pezvo, panharaunda apo unoda kuvandudza. Zviyeuchidze umene kuti vabereki vako vanokuda uye kuti zvimwe havasiri kuva noruvengo. (Baba vanokorwa mashoko pamusoro apa vakabvuma kuti: “Handifaniri kumutumidza kuti fuza nguva dzose. Nokukurumidza achakudavira.”) Vimba nevavariro dzavabereki vako kana vakaratidzika kuva vakaneta kana kuti vakakurirwa nemirangariro yokubasa. “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.”—Zvirevo 19:11.b
Nepo kuzvidza kungava kusina kukodzera, ungakwanisa kudzora kumwe kutsamwa kwokuvirima. Somuenzaniso, edza kudzokorora mashoko omubereki wako, uchianangidzirazve pachinetso. Kana baba vako vakakuidza fuza nemhaka yokuti havadi nzira yawapukuta nayo motokari yemhuri, edza kupindura, kuti: “Mashatirwa nemhaka yokuti ndaita basa rakashata rokupukuta motokari.” Kana kuti ungangobvumirana zvako nokutsoropodza kwacho. (“Ichokwadi Baba. Ndaifanira kudai ndaita basa riri nani.”) Kana kuti edza kubvunza nzira chaidzo dzokuita nadzo vandudziko. Zvirevo 15:1 inoti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.”
Unoyeuka Mutongi Gidheoni here? Bhaibheri rinotaura kuti akatungamirira rudzi rwaIsraeri kurukundo runokatyamadza parudzi rwomuvengi rwavaMidhiani. Gidheoni ipapo akatuma nhume kurudzi rwakakurumbira rwaEfraimi uye akavakumbira kudzivisa kutiza kwavaMidhiani vakakundwa. VaEfraimi vakapindura, vachibata vaviri vamachinda avaMidhiani. Asi varume vorudzi vanozvikudza “vakamupopotera kwazvo” Gidheoni! Vakanga vashatirwa nokuti vakanga vasina kukokwa kutora rutivi mukurwa kwapamberi pezvi.—Vatongi 8:1.
Uku kudenha kwokutaura kwakanga kusina kururamiswa nenzira yakajeka. Uye kudai Gidheoni akanga ari rudzi rwokushatirwa, akadai akatuka vaEfraimi nokushatirwa—uye akatanga hondo yavagari vemo. Panzvimbo pezvo, iye akapindura, kuti: “Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi? Handiti zvakaunganidzwa naEfraimi zvinopfuura kukohwa kwose kwaAbhieseri here?” (Vatongi 8:2) Mhinduro yaGidheoni yakareva kuti mukubata machinda avaMidhiani, vaEfraimi vakanga vaita zvinopfuura Gidheoni iye amene. Mhinduro nyoro neyokuzvininipisa yaGidheoni nokudaro yakadzivisa kutsoropodza kusina kunaka ndokuchengeta rugare.
Chidzidzo chacho? Dzivisa kunyanyoshatirwa apo vabereki vako vanokutsoropodza. Kuramba wakaterama kunogona kukudzivisa kutaura kana kuti kuita chimwe chinhu chauchazodemba gare gare.—Enzanisa naMuparidzi 10:4.
Kuita Chiito
Mashoko manyoro haana kuringana, zvisinei. Ita chiito! Yeuka, “kuchenjera kunobva kumusoro, . . . kunoteerera.” (Jakobho 3:17) Tanga kuchenesa kamuri iroro, kupukuta motokari, kugera musoro wako, kuwana zvipfeko zvakasiana, kana kuti kuita gadziridzo dzipi kana dzipi vabereki vako vanoda kuti uite. Iyi ndiyo nzira yakanakisisa yokudzivisa kumwe kuwanira mhaka.
Pane rumwe rutivi, ungasabvumirana zvapachokwadi nokutsoropodza. Pashure pokurangarira zvose, kunyange vabereki vakanakisisa havasati vari vasingakanganisi. Asi panzvimbo pokuedza kugadzikisa zvinhu mukupopota kukuru, mirira “nguva yakafanira,” ipapo taura navabereki vako. (Zvirevo 15:23) “Uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa,” inodaro Zvirevo 13:10. Ipa kunyunyuta kwako nenzira yakaterama, youkuru, uchipa vabereki vako zvikonzero chaizvo zvokuti nei usingabvumirani. Zvimwe unogona kuvanyengetedza kuona zvinhu nenzira yaunoita nayo. Kana ukasadaro, ungangofanira bedzi kuteerera chiremera chavo savabereki.—Zvirevo 6:20.
Pakupedzisira, kunyange zvazvo, kuteerera chirango chavo kunogona kukubetsera. Chokwadika, kunyange munhu akakwana Jesu “akadzidza kuteerera nezvaakatambudzika.” (VaHebheru 5:8) Iwewo une zvidzidzo zvakawanda zvinokosha zvokudzidza. Unotofanira kugonana nokutsoropodza kunobva kuvadzidzisi. Munguva yemberi, ungagona kuva navashandirwi vokubata navo. Dzidza zvino kugamuchira kutsoropodza.
Mukufambira mberi kwenguva ungatosvika pakunzwisisa murangariro wavabereki vako. Murume muduku anonzi James anotaura nezvavabereki vake, kuti: “Vakanga vakasimba neni munzvimbo dzakadai sechikoro, ungano, uye shamwari. Pane dzimwe nguva ndaisagona kuzorora! Asi sezvandakakura, ndakasvika pakunzwisisa kuti kubudirira kunoda basa rakaoma.” Ichocho chakanga chisiri chifundo chakafanira chokudzidza here? Uye uchadzidza zvifundo zvinokosha zvakafanana iwe umene kupfurikidza nokudzidza kubata nokutsoropodza.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya yatangireyi inoti “Neiko Pasina Chinhu Chandinoita Chinombova Chakanaka Zvikuru?”
b Hatisiri kutaura nezvokutuka kana kuti kurova zvinoitwa navabereki vanotambura zvakajeka zvinetso zvendangariro kana kuti vane zvinetso zvoudhakwa kana kuti kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Vakadarovo vangada betsero yenyanzvi.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kuzhamba, kupopota, kana kuti kuzviruramisa umene kunowanzoparira zvakanyanyoshata mumubereki
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kukumbira mubereki wako tsananguro panzira dzaunogona kuvandudza nadzo kungapedza kukuvadza kwokutsoropodza