-
“Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”Tevedzera Kutenda Kwavo
-
-
23. Rute akatanga kufunga nezvei, uye Mutemo waMosesi waiva neurongwa hupi hwaibatsira varombo? (Onawo mashoko omuzasi.)
23 Vakadzi vaviri ava zvavakatanga kugara muBhetrehema, Rute akatanga kufunga kuti zvii zvaaizoita kuti azviriritire iye naNaomi. Akaziva kuti Mutemo uyo Jehovha akapa vanhu vake vaIsraeri waisanganisira urongwa hwerudo hwaibatsira varombo. Vaibvumirwa kuenda muminda panguva yekukohwa votevera vakohwi, vachiunganidza zvaisaririra uyewo zvaiva kumucheto kweminda.b—Revh. 19:9, 10; Dheut. 24:19-21.
24, 25. Rute akaitei paakapinda mumunda waBhoazi, uye basa rekuunganidza zvaisaririra rainge rakaita sei?
24 Yaiva nguva yekukohwa bhari, munenge muna April maererano nekarenda yedu yemazuva ano, uye Rute akaenda kuminda kunoona kuti ndiani aizomubvumira kushanda pasi peurongwa hwevaiunganidza zvaisaririra. Zvakangoitikawo kuti akapinda mumunda waBhoazi, mupfumi aiva neminda ari hama yemushakabvu Erimereki, murume waNaomi. Kunyange zvazvo Mutemo waimupa kodzero yekuunganidza zvaisaririra, haana kungoti dzawira mutswanda; akakumbira jaya raitarisira vakohwi kuti apiwe mvumo yekuunganidza. Rakamubvumira, uye Rute akabva angotanga kuunganidza.—Rute 1:22–2:3, 7.
-
-
“Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”Tevedzera Kutenda Kwavo
-
-
b Waiva mutemo unoshamisa, uye kunenge kuti kuMoabhi kwaisava nemutemo wakadaro. Makarekare kuNear East chirikadzi dzaibatwa zvakaipa. Rimwe bhuku rinoti: “Pashure pekunge murume wayo afa, kazhinji chirikadzi yaitotarisira kuriritirwa nevanakomana vayo; kana yainge isina vanakomana, zvimwe yaitofanira kuzvitengesa muuranda, kuita zvechipfambi, kana kufa.”
-