Rarama Nguva Refu Uchifara
FUNGIDZIRA kuti upenyu hwevanhu mujaho wokusvetuka matanda—mujaho vamhanyi wavanosvetuka matanda. Vamhanyi vose vanotanga mujaho wacho pamwe chete; asi sezvavanosvetuka uye nguva nenguva vachirovera pamatanda acho, vamhanyi vacho vanomhanya zvishoma, uye vakawanda kwazvo vanorega mujaho wacho.
Saizvozvowo, upenyu hwevanhu hune mavambo nematanda okusvetuka akakwirira mukurarama. Muupenyu hwavo vanhu vanosvetuka danda nedanda. Kusvetuka kumwe nokumwe kwavanoita kunovapedza simba, uye nokufamba kwenguva, vanorega. Kukwirira kwakaita matanda acho, ndikowo kukurumidza kwaachaita kurega, kana kufa. Kana mumwe munhu achigara munyika dzakasimukira, anorega mujaho wacho pamakore anenge 75. Nguva iyi inonzi avhareji youpenyu hwemunhu—ichienzaniswa nedaro rinonyanyosvikwa nevamhanyi vakawanda.a (Enzanisa naPisarema 90:10.) Zvisinei, vamwe vanhu, vanomhanya daro refu, uye vashomanana vanotosvika upenyu hurefu hwemunhu, hunofungidzirwa kuti anenge makore 115 kusvikira ku120—chinhu chisingawanzoitiki chakakodzera kuva musoro mukuru wenhau dzenyika yose.
Kuziva Matanda Acho
Vanhu zvino vanogona kuramba vari mumujaho nekanoda kusvika kaviri kupfuura zvavaigona kuita pakatanga zana rino remakore. Nei? Kunyanya imhaka yokuti vanhu vave kugona kuderedza matanda acho. Kunyange zvakadaro, matanda acho chii? Uye angaderedzwa kupfuura zvaari here?
Nyanzvi yeutano hwevanhu yeWorld Health Organization (WHO) yakatsanangura kuti mamwe ematanda acho, kana kuti zvinhu zvinotapura upenyu hunotarisirwa kuraramwa nevanhu miitiro, nzanga, uye zvekurapa.b Saka, kana miitiro yako, nzanga, uye gadziriro dzako dzezvekurapwa zvakanaka, ndokuderera kwakaita matanda ako uye upenyu hwako hungangova hurefu. Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu evanhu achisiyana-siyana kwazvo, anenge munhu wose—kubvira kumutungamiriri webhangi muSydney kusvikira kumutengesi womumugwagwa muSão Paulo—anogona kuita chimwe chinhu kuderedza matanda omuupenyu hwake. Sei?
Miitiro Inotapura Mujaho Wako
“Vanhu vane miitiro yakanaka youtano havangorarami nguva refu chete, asi muvanhu vakadaro, urema hunosundirwa mberi ndokutsvikinyidzirwa mumakore mashomanana kumagumo oupenyu hwavo,” inodaro The New England Journal of Medicine. Zvechokwadi, danda rokutanga rinogona kuderedzwa nokuchinja miitiro yakadai sokudya, kunwa, kurara, kuputa, uye kurovedza muviri. Somuenzaniso, chimbofunga nezvemiitiro yokurovedza muviri.
Miitiro yokurovedza muviri. Kurovedza muviri zvine mwero kunogona kubatsira kwazvo. (Ona bhokisi rinoti “Kurovedza Muviri Kwakawanda sei uye Kwerudzii?”) Zvakanzverwa zvinoratidza kuti kurovedza muviri kwakapfava mumusha nokunze kunobatsira vakwegura, kubatanidza ‘hari dzofanzirofa,’ kuwanazve simba uye kuchangamuka. Somuenzaniso, boka rimwe revanhu vakwegura raiva nemakore aitangira pa72 kusvikira ku98 rakawana kuti raigona kufamba nokukwira masitepisi nyore nyore pashure pokurovedza muviri kwokusimudza zvinorema mumavhiki gumi chete. Uye hazvishamisi! Zvakanzverwa pashure pepurogiramu yokurovedza muviri zvakaratidza kuti simba retsandanyama dzevaibatanidzwa rakanga rawedzera nekaviri. Rimwe boka, raiumbwa nevakadzi vemakore ekuma70 kazhinji vanenge vakangogara chete, vanorovedza muviri kaviri pavhiki. Pashure pegore, tsandanyama dzavo dzakanga dzawedzera, vasimbawo, vatsiga, uye mapfupa asimba. “Patakatanga, taitya kuti taizobvarura marunda, kubvarura madzira, kubvarura tsandanyama,” yakadaro nyanzvi yemashandire ezvinhu zvipenyu Miriam Nelson, akanzvera izvi. “Asi zvatakawana vaiva vanhu vakasimba, vane utano.”
Richipfupikisa migumisiro yakawanda yezvakanzverwa nesayenzi nezvekukwegura uye kurovedza muviri, rimwe bhuku rinoti: “Kurovedza muviri kunononotsa kukwegura, kunorebesa upenyu, ndokupfupisa nguva yokutarisirwa inowanzovapo kazhinji rufu rusati rwaitika.”
Miitiro yokurovedza pfungwa. Tsumo inoti “Chishandise kana kuti ucharasikirwa nacho” inooneka seinoshanda kwete patsandanyama chete asiwo papfungwa. Kunyange zvazvo kukwegura kuchiwanzofambidzana nokukanganwa, kunzvera kwakaitwa neU.S. National Institute on Aging kunoratidzira kuti uropi hwakwegura hunogona kuchinjika zvokugona kutarisana nezvinoparirwa nokukwegura. Saka, purofesa wetsinga dzeuropi Dr. Antonio R. Damasio anogumisa kuti: “Vanhu vakwegura vanogona kupfuurira kuva noupenyu hune zvahunoreva kwazvo nehune pfungwa dzakanaka.” Chii chinoita kuti pfungwa dzevakwegura dzipfuurire kuchinjika kudaro?
Uropi hune mabhiriyoni 100 emasero, kana kuti tsinga dzeuropi, nematiririyoni ezvinoabatanidza. Zvinoabatanidza izvi zvinoshanda setambo dzenhare zvichigonesa tsinga dzeuropi “kutaurirana” pachadzo kuti dzigadzire, pane zvimwe zvinhu, kuyeuka. Uropi zvahunokwegura, tsinga dzahwo dzinofa. (Ona bhokisi rinoti “Kunzvera Kutsva Masero Europi.”) Asi, uropi hwakwegura hunogona kutsiva tsinga dzinofa. Kana pane tsinga inenge yangofa, vavakidzani vayo vanobetsera nokugadzira zvinobatanidza zvitsva kudzimwe tsinga ndokutakura mutoro webasa wetsinga inenge yafa. Nenzira iyi, uropi hunotamisa chaizvoizvo mutoro webasa kubva kune rimwe divi kuendesa kune rimwe. Naizvozvo, vanhu vakwegura vakawanda vanoita mabasa anoda pfungwa sezvinongoita vanhu vaduku, asi vangashandisa mativi akasiyana-siyana europi kudaro. Mune zvimwe zvinoitika, uropi hwakwegura hunoshanda zvakada kuti fananei nemutambi akura wetenisi anotsiva kumhanya neunyanzvi hungangove husina vatambi vechiduku. Asi, pasinei zvapo nokushandisa zvitaera zvakasiyana nezvevaduku, mutambi akura anongonwisa.
Vanhu vakwegura vanogona kuitei kuti varambe vachingonwisa? Anzvera vanhu vanopfuura 1 000 vemakore ari pakati pe70 ne80, munzveri wezvekukwegura Dr. Marilyn Albert akawana kuti kurovedza pfungwa chimwe chinhu chinoratidza kuti ndevapi vakwegura vanogona kupfuurira kushandisa unyanzvi hwavo. (Ona bhokisi rinoti “Kuchengeta Pfungwa Dzichichinjika.”) Kurovedza pfungwa kunobetsera ‘zvakabatanidza’ pfungwa kuramba zviri zvipenyu. Kune rumwe rutivi, dzinodaro nyanzvi, kuderera kwepfungwa kunotanga “vanhu pavanopiwa penjeni, pavanofunga zvokusada kuita zvakawanda voda kuzorora, nepavanoti havanei nezvinoitika munyika zvachose.”—Inside the Brain.
Saka heanoi mashoko akanaka, inotsanangura kudaro nyanzvi yezvekukwegura Dr. Jack Rowe, “zvinhu zvatinogona kudzora kana kuti kuchinja zvinofanira kuvandudza mano edu kuwana zvakanaka zvezera roukweguru.” Kupfuurirazve, hakusi kunyanyononoka kutanga miitiro yakanaka. “Kunyange kana waiva nemiitiro isina kunaka yeutano muupenyu hwako hwose uye wakachinja makore gare gare,” anodaro mumwe munzveri, “unofanira kuwana mimwe mibayiro yemararamiro ane utano hwakanaka.”
Nzanga Inoita Musiyano
Musikana aberekwa nhasi muLondon dai aizodzoswazve muLondon yemuMiddle Ages, upenyu hwake hunotarisirwa kuraramwa hwaizova hupfupi nehafu kupfuura zvahuri nhasi. Musiyano iwoyo waizokonzerwa, kwete nokuchinja kwokukurumidza kwomuviri womusikana wacho, asi nokuchinja kwokukurumidza kwokukwirira kwemamwe matanda maviri—nzanga uye zvekurapa. Kutanga, chimbofunga nezvenzanga.
Mamiriro ezvinhu ekunze. Kare, mamiriro ezvinhu ekunze emunhu—somuenzaniso, musha wake—ndiwo waiva ngozi huru yeutano. Zvisinei, mumakumi amakore achangobva kupfuura, ngozi dzinoparirwa nemamiriro ezvinhu ekunze dzaderedzwa. Utsanana, mvura yakachena, uye kushomeka kwezvinhu zvakaita seinda mumusha kwavandudza mamiriro ezvinhu ekunze emunhu, kwatsigira utano hwake, nokurebesa upenyu hwake. Somugumisiro, munzvimbo dzakawanda dzenyika, munhu zvino ava kugona kumhanya daro refu.c Asi, kuderedza danda iri kunobatanidza zvakawanda kupfuura kungovandudza zvepamba pako. Zvinodawo kupoteredzwa nenzanga nechitendero zvakanaka.
Mamiriro ezvinhu akapoteredza enzanga. Nzanga yako inoumbwa nevanhu—vaunogara navo, kushanda, kudya, kunamata, uye kutamba navo. Nzanga yako inovandudzika kana uchiwana mvura yakachena; nenzira yakafanana, nzanga yako ingavandudzika kana une shamwari dzakanaka, kungotaura chinhu chimwe chinokosha. Kukwanisa kutaura zvinokufadza nezvinokusuwisa, zvido zvako uye zvinokukangaidza nevamwe vanhu, zvinoderedza kukwirira kwematanda enzanga ndokukubatsira kumhanya daro refu.
Zvisinei, zvakasiyana neizvi ndezvechokwadiwo. Kushayikwa kweshamwari kungaparira kusurukirwa nokuzviparadzanisa nenzanga. Unoita seuri kusvava kana uchirarama pasina vamwe munzanga vane hanya newe. Mumwe mukadzi anogara mumusha unochengeterwa vakwegura akanyorera waaizivana naye kuti: “Ndine makore 82 uye ndave ndiri pano pamusha kwemakore 16 akareba. Vanotibata zvakanaka, asi imwe nguva kusurukirwa kwakaoma kubata nakwo.” Zvinosuruvarisa kuti, mamiriro ezvinhu emukadzi uyu akafanana neevamwe vakwegura vakawanda, kunyanya munyika dzokuMadokero. Kazhinji vanorarama munzanga inoshivirira asi isinganyanyi kuvaonga. Somugumisiro, “kusurukirwa ndicho chimwe chezvinhu zvikuru chinopfuurira kutyisidzira utano hwevakwegura munyika dzakasimukira,” anodaro James Calleja, weInternational Institute on Ageing.
Chokwadi, ungasakwanisa kubvisa zvinoita kuti usurukirwe kwazvo—zvakadai sokumanikidzwa kutora penjeni, kufamba kwokunetsekera, kufirwa neshamwari dzenguva refu, kana kuti kufirwa newawakaroorana naye—asi unogona kuitazve mamwe matanho kuderedza danda iri pamwero waunogona. Kutanga, ziva kuti kunzwa kusurukirwa hakungoparirwi noukweguru; vamwe vanhu vaduku vanosurukirwawo. Kukwegura hakusi honzeri yechinetso chacho—asi kuzviparadzanisa nenzanga. Unogona kuitei kuti usasurukirwa?
“Ita kuti vanhu vade kuva newe,” inopa zano imwe chirikadzi yakwegura. “Vanhu vashoma vanonakidzwa nekushamwaridzana nemunhu anonyunyuta. Unofanira kuedza kuva anofara. Izvozvo zvinoda simba, ichocho ichokwadi, asi simba raunoshandisa rinopa mibayiro. Mutsa unobereka mutsa.” Anowedzera kuti: “Kuti ndive nechokwadi chokuti nyaya dzangu dzekurukurirano dzakafanana nevanhu vandinosangana navo, vaduku kana vakuru, ndinoedza kufambirana nezvemazuva ano nokurava magazini achangobva kubuda ane mashoko nokuteerera nhau.”
Heanoi mamwewo mazano: Dzidza kufarira zvinodiwa nevamwe vanhu. Bvunza mibvunzo. Pazvinobvira, ipa. Kana usina zvinhu, unogona kuzvipa pachako; kupa kune mufaro. Nyora tsamba. Ita basa rokuzvifadza. Bvuma kushanyira vamwe vanhu pavanokukoka kana kubvakacha navo. Musha wako ngaurambe uchifara uchikwezva vaeni. Tsvaka vanhu vanoda rubatsiro uye vabatsire.
Mamiriro ezvinhu zvechitendero. Uchapupu hunoramba huchiwedzera hunoratidza kuti zvechitendero zvinobatsira vanhu vakwegura kuwana “zvinorehwa uye kukosha kweupenyu” uye kuwana “mufaro,” “pfungwa yokuti unobatsira,” “kugutsikana kwazvo noupenyu,” kuva ne“pfungwa yokunzwa vari venzanga uye vachifara.” Nei? Bhuku rinonzi Later Life—The Realities of Aging rinotsanangura kuti: “Kutenda kwemuchitendero kunopa vanhu zivo youpenyu neunhu hwakasiyana-siyana, zvinokosha, uye zvinodavirwa zvinovabatsira kududzira nokunzwisisa nyika yakavapoteredza.” Mukuwedzera, zvinoitwa muzvitendero zvinosanganisa vanhu vakwegura nevamwe vanhu saka “zvoderedza mukana wokuparadzana nenzanga uye kusurukirwa.”
Kana ari Louise naEvelyn, vose ichirikadzi dzine makore 80 uye inhengo dzeungano yeZvapupu zvaJehovha, zvakanzverwa izvi zvinosimbisa zvavange vachiziva kwemakumi emakore. “PaHoro yedu yoUmambo,d ndinofarira kutaura nevamwe, vakuru nevaduku,” anodaro Louise. “Misangano yacho inodzidzisa. Patinokurukura pashure pemisangano, chokwadi tinofarawo zvinobva pamwoyo. Inguva inofadza.” Evelyn anobatsirwawo nemibato yake yechitendero. “Kubuda kunotaura zveBhaibheri nevanhu vomunharaunda yangu,” anodaro, “kunondiita ndisasurukirwe. Asi kupfuura izvozvo, kunondifadza. Kubatsira vamwe kusvika pakuziva chinorehwa noupenyu chaicho ibasa rinogutsa.”
Zviri pachena kuti, Louise naEvelyn vane chinangwa muupenyu. Magumisiro okunzwa vari vakagadzikana anoderedza danda rechipiri—nzanga—ndokuvabatsira kuramba vari mumujaho.—Enzanisa naPisarema 92:13, 14.
Zviripo—Gadziriro Dzokurapa Dzisingadhuri asi Dzichirapa Kwazvo
Kubudirira mune zvesayenzi yokurapa muzana rino remakore kwaderedza kwazvo danda rechitatu, gadziriro dzokurapa—asi kwete mupasi rose. Munyika dzakawanda dzine urombo, inodaro The World Health Report 1998, “chaizvoizvo upenyu hunotarisirwa kuraramwa hwakaderera pakati pa1975-1995.” Mutungamiriri mukuru weWHO akataura kuti “vanhu 3 pavanhu 4 voga voga munyika dzakaderera kwazvo pakubudirira vari kufa vasati vasvitsa makore 50—makore eupenyu hwaitarisirwa kuraramwa mupasi rose hafu yezana remakore rapfuura.”
Kunyange zvakadaro, nhamba yavanhu vakwegura nevaduku munyika dzine urombo iri kuderedza danda iri nokushandisa gadziriro yezveutano iripo neisingadhuri. Somuenzaniso chete, chimbofunga nezvekurapa tibhii (TB) kutsva.
Mupasi rose, TB inouraya vanhu vakawanda kupfuura AIDS, marariya, uye hosha dzemunzvimbo dzinopisa kana zvabatanidzwa—vanhu 8 000 pazuva. Pavarwere 100 veTB voga voga, 95 vanogara munyika dzichiri kusimukira. Mamiriyoni 20 zvino anorwara neTB chaiyo, uye mamwe mamiriyoni 30 angangofa nayo mumakore gumi ari kutevera, nhamba inoenzana nevagari vemuBolivia, Cambodia, neMalawi yabatanidzwa.
Hazvishamisi kuti muna 1997 WHO yakafara kuzivisa kuti yakanga yavamba nzira yokurapa TB mumwedzi mitanhatu pasina kugara muchipatara kana kushandisa nzira dzemberi dzokurapa. “Kekutanga,” rakadaro bhuku reWHO rinonzi The TB Treatment Observer, “Nyika ine zvishandiso nenzira dzakanaka dzokurwisa denda reTB kwete munyika dzakapfuma chete, asiwo munyika dzine urombo kwazvo dzenyika.” Nzira iyi—yakarondedzerwa nevamwe se“chinhu chinopfuura zvose mune zveutano mugumi rino remakore”—inonzi DOTS.e
Kunyange zvazvo mari inoshandiswa munzira iyi iri shoma kwazvo pane dzimwe nzira dzokurapa TB dzinozivikanwa, magumisiro acho ari kuvimbisa, kunyanya kune vaya vari kugara munyika dziri kusimukira. “Hapana imwe nzira yokurapa TB yakaramba ichirapa kwazvo seizvi,” anodaro Dr. Arata Kochi, mutungamiriri weWHO’s Global TB Programme. “DOTS iri kurapa vanhu vakawanda se95 muzana, kunyange munyika dzine urombo kwazvo.” Pakazopera 1997, nzira yeDOTS yakanga yoshandiswa munyika 89. Nhasi nhamba iyoyo yawedzera kusvika ku96. WHO ine tariro yokuti nzira iyi ichasvika mamiriyoni akawanda evanhu varombo munyika dzakaderera kwazvo, saka zvichivagonesa kuderedza danda rechitatu mumujaho weupenyu.
Nokuchinja miitiro yavo, kuvandudza nzanga yavo, nokuvandudza gadziriro dzavo dzokurapa, vanhu chokwadika vave vachigona kuwedzera avhareji youpenyu hwavo hwokurarama uye upenyu hunotarisirwa kuraramwa. Mubvunzo ndouyu, Rimwe zuva vanhu vachagonawo here kuwedzera upenyu hunoraramwa kusvika pamwero mukuru kwazvo—zvichida kuramba vachimhanya pasina panogumira mujaho?
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo mashoko okuti “upenyu hunotarisirwa kuraramwa” uye “avhareji youpenyu” achiwanzochinjaniswa, akasiyana. “Upenyu hunotarisirwa kuraramwa” zvinoreva nhamba yemakore emunhu pachake aanogona kutarisira kurarama, ukuwo “avhareji youpenyu” zvinoreva avhareji yenhamba yemakore anoraramwa chaizvoizvo nenhengo dzevanhu dzakati wandei. Saka, makore eupenyu anotarisirwa kuraramwa anotsamira paavhareji youpenyu.
b Mukuwedzera pane izvi zvinopesvedzera zvinogadzirisika, kusakwana kwevanhu kusingachinjiki, kwekugara nhaka sezviri pachena kunotapura utano neurefu hweupenyu hwavo. Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
c Kana uchida mamwe mashoko ematanho ari nyore ekuvandudza musha wako, ona nyaya dzinoti “Kukunda Chinetso Cherucheno” uye “Chii Chinoumba Utano Hwako—Icho Unogona Kuita,” dziri munyaya dzeMukai! yechiNgezi yaSeptember 22, 1998, neyechiShona yaApril 8, 1995.
d Nzvimbo inoitirwa misangano yevhiki nevhiki neZvapupu zvaJehovha inonzi Horo yoUmambo. Misangano iyi ndeyevanhu vose, uye haibhadhariswi mari.
e DOTS ishoko rinomirira mashoko aya directly observed treatment, short-course. Kana uchida mashoko akawanda ezvenzira yeDOTS, ona nyaya inoti “Kudzivirira Kutsva Mukurwisana neTibhii,” iri muMukai! yaJune 8, 1999.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]
KUROVEDZA MUVIRI KWAKAWANDA SEI UYE KWERUDZII?
“Basa rine mwero remaminiti makumi matatu pazuva ivavariro yakanaka,” inodaro National Institute on Aging (NIA). Asi Haufaniri hako kurovedza muviri maminiti 30 ose panguva imwe. Kurovedza muviri mumapurogiramu mapfupi matatu emaminiti 10 imwe neimwe zvinonzi zvinobatsira zvakafanana nokurovedza muviri mupurogiramu imwe yemaminiti 30. Kurovedza muviri kwerudzii kwaunogona kuita? Bhuku duku reNIA rinonzi Don’t Take It Easy: Exercise! rinoti: “Mubato muduku unonetesa, wakadai sekukwira masitepisi panzvimbo perifiti, kana kuti kufamba panzvimbo pokutyaira, unogona kuita semaminiti 30 ekurovedza muviri pazuva. Kubvisa mashizha nehara, kutamba nevana, kurima bindu, uye kunyange kuita mabasa emumba kunogona kuitwa nenzira inogona kunzi kurovedza muviri kwako kwezuva nezuva.” Zvechokwadi, kuchenjera kuona chiremba wako usati watanga purogiramu yokurovedza muviri.
[Mufananidzo]
Kurovedza muviri kune mwero kunogona kubatsira vakwegura kuwanazve simba uye kuchangamuka
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]
KUCHENGETA PFUNGWA DZICHICHINJIKA
Kunzvera kwezvesayenzi kwaibatanidza zviuru zvevakwegura kwakawana zvinhu zvakawanda zvinobatsira pfungwa yakwegura kuichengeta ichichinjika. Zvinobatanidza “kubatanidzwa mukurava kwekushingaira, kubvakacha, mitambo yetsika, dzidzo, makirabhu, uye kushamwaridzana nenyanzvi dzezvimwe zvinhu.” “Ita zvinhu zvakasiyana-siyana sezvinobvira.” “Chengeta basa rako. Usatore penjeni.” “Dzima TV.” “Ita kosi yechimwe chinhu.” Zvinodavirwa kuti mibato yakadaro haingovandudzi umudzimu hwako asiwo inogadzira mibatanidzwa mitsva yeuropi.
[Mufananidzo]
Kurovedza pfungwa kunobatsira pfungwa kuramba dzichichinjika
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]
MAZANO EZVEUTANO EVAYA VARI KUKWEGURA
National Institute on Aging, rimwe sangano reU.S. Department of Health and Human Services, rinotaura kuti “mikana yokuramba uri mutano uye uchirarama nguva refu inogona kuvandudzwa” nokushandisa mazano ane musoro, akadai seanotevera:
● Idya zvinovaka, kubatanidza michero nemiriwo.
● Kana uchinwa zvinwiwa zvinodhaka, inwa zvine mwero.
● Usaputa. Hakusi kunonoka kurega.
● Rovedza muviri nguva dzose. Onana nachiremba usati watanga purogiramu yokurovedza muviri.
● Ramba uchionana nemhuri neshamwari.
● Ramba wakachangamuka nebasa, nemutambo, uye nenzanga.
● Maonero ako upenyu ngaarambe akanaka.
● Ita zvinhu zvinokufadza.
● Ongororwa nguva dzose utano hwako.
[Bhokisi riri papeji 9]
KUNZVERA KUTSVA MASERO EUROPI
“Taimbofunga kuti masero ako europi anofa zuva roga roga pose pose muuropi,” anodaro Dr. Marilyn Albert, purofesa wezvepfungwa netsinga dzouropi. “Chokwadi izvozvo hazvina kudaro—mamwe masero ako anofa paunokwegura, asi kwete zvakanyanya, uye mune dzimwe nzvimbo shomanana chete dzeuropi.” Uyezve, zvichangobva kuwanwa zvinotaura kuti kunyange pfungwa yagara kwenguva refu yokuti vanhu havaiti mamwe masero matsva europi, sezvineiwo, “haina kunyatsoti twasa,” inodaro Scientific American yaNovember 1998. Vasayendisiti vetsinga dzouropi vanoti zvino vakaunganidza uchapupu hwokuti kunyange vanhu vakwegura “vanoita tsinga dzouropi dzokuwedzera nemazana.”
[Bhokisi riri papeji 11]
KUKWEGURA NOKUCHENJERA ZVINOITA HERE?
“Hapana uchenjeri here pakati pevatana nokunzwisisa pakati pavane mazuva mazhinji?” Bhaibheri rinobvunza kudaro. (Jobho 12:12, NW) Mhinduro yacho ndeipi? Vanzveri vakanzvera vanhu vakwegura kuyera zvinhu zvakadai se“nzwisiso, chisarudzo chakanaka, maonero ezvinhu nemano okugona kusiyanisa zvinhu zvinopesana uye kutanga nzira dzakanaka dzokupedza zvinetso.” Maererano neU.S.News & World Report, inoti nzvero yacho inoratidza kuti “vanhu vakwegura kazhinji vanopfuura vanhu vaduku muzvose zvine chokuita nenjere, vachipa zano rakanyatsofungwa, rouchenjeri.” Zvakanzverwa zvinoratidzawo kuti “kunyange zvazvo zvichiwanzotorera vanhu vakwegura nguva refu kuita chisarudzo pane vaduku, kazhinji kacho ndechiya chakanaka.” Saka, sezvinotaurwa mubhuku reBhaibheri raJobho, ukweguru, chokwadika, uchenjeri.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Upenyu hwevanhu hwakafanana nemujaho une matanda akawanda
[Mufananidzo uri papeji 9]
“Ita kuti vanhu vade kuva newe,” inopa zano imwe chirikadzi
[Mifananidzo iri papeji 10]
“Kubatsira vamwe kusvika pakuziva chinorehwa neupenyu chaicho ibasa rinogutsa.”—Evelyn
[Mifananidzo iri papeji 10]
“PaHoro yedu yoUmambo, ndinofarira kutaura nevamwe, vakuru nevaduku.”—Louise