Kubetserwa ne“Zviyo Zvokudenga”
VAISRAERI vachangobva kununurwa nenenji muEgipita, vakaratidza kushaya kutenda kwakakomba muMununuri wavo, Jehovha. Somugumisiro, Jehovha akavaita kuti vadzungaire murenje reSinai kwemakore 40. Nguva yose iyoyo, vaIsraeri ne“vazhinji vakanga vakavhengana” vevatorwa avo vakabatana navo vakadya nekunwa “kusvikira vaguta.” (Eksodho 12:37, 38) Pisarema 78:23-25 rinotiudza kuti izvozvi zvakabvira sei richiti: “[Jehovha] akarayira denga rose kumusoro, akazarura mikova yokudenga; akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye, akavapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.”
Semudyi wemana, Mosesi akatsanangura uku kudya kunoshamisa. Akanyora kuti mangwanani, “dova rakanga riri pasi rakati radzimuka . . . , zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu. Vana vaIsraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti: Chinyiko?” kana kuti chaizvoizvo muchiHebheru, “man huʼ?” Mushoko iri zvimwe ndimo makabva shoko rokuti “mana,” zita iro vaIsraeri vakapa zvokudya zvacho. Mosesi akati: “Chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.”—Eksodho 16:13-15, 31, mashoko emuzasi eNW.
Mana yacho yakanga isiri zvokudya zvaingoizviitikira zvoga, sezvinotaura vamwe. Simba rinopfuura renguva dzose raibatanidzwa mukugoverwa kwayo. Somuenzaniso, kuvapo kwayo kwakanga kusina kuganhurirwa kunzvimbo kana kuti mwaka. Kana yaichengetwa usiku hwose, yaizara nehonye uye yainhuwa; asi, chikamu chakapetwa ruviri icho mhuri imwe neimwe yaiunganidza zuva rimwe Sabata yevhiki nevhiki isati yasvika chakanga chisingakanganisiki usiku hwose, saka chaigona kudyiwa paSabata—zuva iro mana yaisavapo. Zvechokwadi, mana yakanga iri kudya kunoshamisa.—Eksodho 16:19-30.
Kududzwa kwe“vatumwa,” kana kuti “ngirozi,” muPisarema 78 kunoratidza kuti Jehovha angangova akashandisa ngirozi kugovera mana. (Pisarema 78:25, mashoko emuzasi eNW.) Chero zvazvaive, vanhu vakanga vane chikonzero chiri chose chokuonga Mwari nokuda kwemutsa wake. Zvisinei, vakawanda vakaratidza kusaonga Uyo akavanunura muuranda muEgipita. Nesuwo tingarerutsa gadziriro dzaJehovha kana kuti kunyange kusaonga kana tikatadza kufungisisa mutsa worudo rwake. Saka tingaonga kuti Jehovha akabatanidza kununurwa kwevaIsraeri nezviitiko zvakatevera kuti “tidzidze.”—VaRoma 15:4.
Chidzidzo chevaIsraeri Chinobetsera vaKristu
Jehovha paakagovera mana, aifunga zvakawanda pane kungogutsa zvinodikanwa zvokunyama zvevaIsraeri mamiriyoni matatu. Aida ‘kuvaninipisa nekuvaedza’ kuitira kuti avanatse nekuvaranga nokuda kwekubetserwa kwavo. (Dheuteronomio 8:16; Isaya 48:17) Kana vaibvuma kunatswa ikoko nechirango, Jehovha aizofara ‘kuvaitira zvakanaka pakupedzisira’ nokuvapa rugare, kubudirira, uye mufaro muNyika Yakavimbiswa.
Chimwe chinhu chinokosha chavaifanirwa kudzidza chaiva chokuti “munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.” (Dheuteronomio 8:3) Dai Mwari asina kugovera mana, vanhu vangadai vakaziya nenzara—chiri chinhu chavakabvuma nyore nyore. (Eksodho 16:3, 4) VaIsraeri vaionga vaiyeuchidzwa zuva nezuva nezvekutsamira kwavo kwakazara pana Jehovha saka vakaninipiswa. Pavakanga vava muNyika Yakavimbiswa yaiva nezvokunyama zvakawanda, zvaisazova nyore kuti vakanganwe Jehovha nekutsamira kwavo paari.
SevaIsraeri, vaKristu vanofanira kuramba vachiziva kutsamira kwavo pana Mwari nokuda kwezvinodiwa muupenyu—zvemumuviri nezvemumudzimu. (Mateo 5:3; 6:31-33) Achipindura mumwe wemiedzo yaDhiyabhorosi, Jesu Kristu akataura mashoko aMosesi anowanwa pana Dheuteronomio 8:3, achiti: “Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.” (Mateo 4:4) Hungu, vanamati vaMwari vechokwadi vanodyiswa nokurava mashoko aJehovha anowanikwa muShoko rake. Uyezve, kutenda kwavo kunosimbiswa pavanova nemigumisiro inobetsera yemashoko iwayo muupenyu hwavo sezvavanofamba naMwari ndokuisa basa roUmambo hwake pakutanga.
Vanhu vasina kukwana vangarasikirwa nekuonga kwavo zvinhu zvinova zvemuitiro weupenyu—kunyange kana zvinhu izvozvo zvichiratidza kuva nehanya kwerudo kwaJehovha. Somuenzaniso, kugoverwa kunoshamisa kwemana kwakashamisa uye kwakagutsa vaIsraeri pakutanga, asi nokufamba kwenguva vakawanda vavo vakanyunyuta. “Mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa,” vakachema nenzira yokusaremekedza—chiri chiratidzo chokuti vakanga vava kutanga ‘kubva pana Mwari mupenyu.’ (Numeri 11:6; 21:5; VaHebheru 3:12) Saka, muenzaniso wavo unoshanda kuti “tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika.”—1 VaKorinte 10:11.
Tingateerera sei muenzaniso wekunyevera uyu? Imwe nzira ndeyokusambobvumidza kudzidzisa kweBhaibheri kana kuti zvokudya zvatinowana kuburikidza neboka remuranda akatendeka neakachenjera kuti zvive zvachero, kana kuti zvinhu zvisina basa. (Mateo 24:45) Patinongotanga kurerutsa zvipo zvaJehovha kana kuti kufinhwa nazvo, ukama hwedu naye hunotanga kutonhora.
Nokuda kwechikonzero chakanaka, Jehovha haasati achitigovera mafashafasha asingaperi ezvinhu zvitsva zvinofadza. Asi, anogovera chiedza chakawedzerwa paShoko rake zvishoma nezvishoma, nenzira inofambira mberi. (Zvirevo 4:18) Izvi zvinopa mukana vanhu vake kuti vanzwisise ndokushandisa zvinhu zvavanodzidza. Jesu akatevedzera muenzaniso waBaba vake paaidzidzisa vadzidzi vake vokutanga. Akavatsanangurira Shoko raMwari “pavaigona kunzwa napo,” kana kuti “kunzwisisa,” sezvinoitwa nedzimwe shanduro.—Marko 4:33; enzanisa naJohane 16:12.
Simbisa Kuonga Kwako Zvinogoverwa naMwari
Jesuwo aishandisa kudzokorora. Chokwadika, pfungwa dzinganzwisisa nyore nyore chinhu chakati—somuenzaniso, nheyo yeBhaibheri—asi kuiteerera nekuiita “munhu mutsva” wechiKristu kungatora nguva yakatirebei, zvikurukuru kana nzira dzekare dzenyika nemiitiro zvakadzika midzi. (VaEfeso 4:22-24) Zvechokwadi izvozvo ndozvaive zvakaita vadzidzi vaJesu pakureva nezvekukurira kudada uye kuti vazvininipise. Jesu aifanira kuvadzidzisa pamusoro pekuzvininipisa nguva dzakasiyana-siyana, nguva nenguva achitaura chinhu chimwe chete munzira yakasiyana kuitira kuti zvinyatsosimba, sezvakazoitika.—Mateo 18:1-4; 23:11, 12; Ruka 14:7-11; Johane 13:5, 12-17.
Munguva dzazvino uno, misangano yechiKristu nemabhuku eWatch Tower zvinotevera muenzaniso waJesu wekushandisa kudzokorora kwakanyatsofungwa. Saka ngatizviongei sekuratidzirwa kwekuva nehanya kwerudo kwaMwari uye tisamboneta nezvatinowana, sevaIsraeri vakaneta nemana. Zvechokwadi, sezvatinozvishandisa nokushivirira kuti tinzwisise zviyeuchidzo zvenguva dzose zvaJehovha, tichaona zvibereko zvakaisvonaka muupenyu hwedu. (2 Petro 3:1) Mafungire akadaro okuonga zvechokwadi anoratidza kuti tiri “kunzwisisa” Shoko raMwari mumwoyo yedu pamwe chete nemupfungwa dzedu. (Mateo 13:15, 19, 23) Nokuda kweizvozvi, tine muenzaniso wakaisvonaka mumunyori wepisarema Dhavhidhi, uyo, kunyange zvazvo akanga asina mhatsa yezvokudya zvomudzimu zvatinowana nhasi, akatsanangura mitemo yaJehovha se“inotapirawo kupfuura uchi nomusvi wamazinga ouchi”!—Pisarema 19:10.
“Mana” Inopa Upenyu Husingaperi
“Ndini chingwa choupenyu,” Jesu akadaro kuvaJudha. “Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. . . . Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, uchararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, huve upenyu hwenyika.” (Johane 6:48-51) Chingwa chaicho kana kuti mana zvakanga zvisingapi uye hazvingapi upenyu husingaperi. Asi avo vanotenda murudzikinuro rwechibayiro chaJesu vachazova nechikomborero cheupenyu husingaperi.—Mateo 20:28.
Vazhinji veavo vanobetserwa nerudzikinuro rwaJesu vachava neupenyu husingaperi muparadhiso yapasi. “Vazhinji-zhinji” vavo—vakafanofananidzirwa ne“vazhinji vakanga vakavhengana” vevatorwa vakabatana nevaIsraeri paKubuda kwavo muEgipita—vachapukunyuka “kutambudzika kukuru” kuri kuuya uko kuchabvisa uipi hwose pasi pano. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14; Eksodho 12:38) Mubayiro wakatokura zvikuru unova weavo vaIsraeri pachavo vakafanofananidzira. Muapostora Pauro akatsanangura ivava, vanosvika 144 000, sevanoumba Israeri womudzimu waMwari. Mubayiro wavo pakufa ndewokumutsirwa kuupenyu hwokudenga. (VaGaratia 6:16; VaHebheru 3:1; Zvakazarurwa 14:1) Ikoko Jesu achavapa rumwe rudzi rwemana.
Zvinoreva “Mana Yakavanzika”
“Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika,” akadaro Jesu akamutswa kuna Israeri womudzimu. (Zvakazarurwa 2:17) Iyi mana yakavanzika yokufananidzira inotiyeuchidza mana iya yakarayirwa Mosesi naMwari kuti aichengetere mumudziyo wendarama mukati meareka tsvene yesungano. Areka yacho yaichengeterwa mukamuri Dzvene dzvene retabhernakeri. Imomo yairamba isingaonekwi, yakavanzika sezvakadaro. Yaichengetwa sechirangaridzo, iyi mana yakanga isingaori sezvayairamba iri muAreka, saka yaifananidzira kugoverwa kwezvokudya zvisingaori. (Eksodho 16:32; VaHebheru 9:3, 4, 23, 24) Nokupa vane 144 000 mana yakavanzika, Jesu anovimbisa kuwana kwavo kusafa nokusaora sevanakomana vaMwari vemudzimu.—Johane 6:51; 1 VaKorinte 15:54.
“Kwamuri [Jehovha] ndiko kune tsime roupenyu,” akadaro munyori wepisarema. (Pisarema 36:9) Saka kugoverwa kwemana—chaikoiko uye kwekufananidzira—kunosimbisa sei chokwadi ichocho chinokosha! Mana yakapiwa Israeri wekare naMwari, mana yokufananidzira yaakagovera muchimiro chenyama yaJesu yakapiwa nokuda kwedu, uye mana yakavanzika yokufananidzira yaanopa kuburikidza naJesu kune vane 144 000 inotiyeuchidza tose nezvekutsamira kwedu kwakazara pana Mwari nokuda kweupenyu. (Pisarema 39:5, 7) Nguva dzose ngatibvume uku kutsamira nekuzvininipisa, tiine mwero. Tikadaro, Jehovha acha‘tiitira zvakanaka pakupedzisira.’—Dheuteronomio 8:16.
[Mifananidzo iri papeji 26]
Kuti vawane upenyu husingaperi, vanhu vose vanotsamira pa“chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga”
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kupinda misangano yose yechiKristu kunoratidza kuonga kwedu zviyeuchidzo zvaJehovha