Nzira Yokutarisana Nayo Nedenho Yetsika Yokuva Murombo
“VANHU varombo nemhaka yokuti inyope,” akadaro mumwe chiremba weAfrica. “Guta rakazara namarovha. Kana vaida basa chaizvoizvo, vaigona kuriwana. Hakuna dikanwo yokuti munhu upi noupi ave muurombo nhasi.”
Kune panikiro shomanene yokuti vamwe vanhu inyope uye kuti unyope hunogona kutungamirira kuurombo. Bhaibheri rinoti: “Kumbovata zvishomanene, kumbotsimwaira zvishomanene, kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore; saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa.” (Zvirevo 24:33, 34) Zvisinei, vanhu varombo vazhinji havasimbori nyope. Somuenzaniso, rangarira munhu akanyora, kuti: “Kusvikira kunguva ino isu tine nzara, tine nyota, hatina chatingafuka, tinorohwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara.” (1 VaKorinte 4:11) Irovha risingarapiki here? Kana. Mashoko iwayo akanyorwa nomuapostora Pauro. Iye akasarudza kurarama upenyu hwemari yakaganhurirwa kuti agogona kuronda zviri nani ushumiri hwechiKristu. Kumwe kwokushaiwa kwake kwakanga kuriwo nemhaka yemigariro yaaisagona kudzora, zvakadai sechitambudzo chorudzidziso.
Nhasi, vazhinjisa vavarombo venyika ndivanyajambwa vemigariro yavasingagoni kudzora—zvichida kushaikwa kwedzidzo, mari yomunzvimbomo inokundikana, kana kuti chinjo yezvamatongerwe enyika. Vazhinji vanobishaira kuvambira mumangwanani-ngwanani kusvikira kwasviba usiku ndokusatongowana chokurarama nacho chakakwana. Mabanza okuwana mune zvemari kupfurikidza nemitoo yokusatendeseka nokudaro angaratidzika kuva anokwezva, kunyange ari madikanwa. Chokwadi, vamwe vangarangarira kuti Bhaibheri rinoruramisa derero yetsika yapanhambo nenhambo! Pashure pokurangarira zvose, iro rinoti: “Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba kuti agute kana achinge ane nzara.” Uye munhu akachenjera akanyengetera, kuti: ‘Ngandirege kuva murombo ndokuba zvomenemene.’—Zvirevo 6:30; 30:8, 9.
Kutendeseka—Chimiro cheBhaibheri
Ko aya magwaro eBhaibheri anopa chaizvoizvo here tendero yechinyararire kukusatendeseka? Eya, ngatianzverei mumashoko awo akapoteredza. Pashure pokubvuma kuti vanhu havashori mbavha inoba kuzadza dumbu risina chinhu, Zvirevo 6:31 inopfuurira, kuti: “Asi kana akabatwa unofanira kudzosera zvava zvinomwe; unofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.” Namamwe mashoko, apo mbavha inobatwa, inotarisana nechirango chakazara chomutemo. Inobhadhara nokuda kwemhaka yayo! Panzvimbo pokukurudzira umbavha, naizvozvo, aya mashoko anonyevera vanhu varombo kuti umbavha hunogona kuguma nokumwe kurasikirwa nemari, manyadzi nokuda kwavo vamene uye mhuri dzavo, uye kurasikirwa nokuzviremekedza.
Asi zvakadiniko nezvomunyengetero womunhu akachenjera? Iye akakumbira kuti asasvike kuurombo uye “ndibe, ndimhure zita raMwari” wake. (Zvirevo 30:9) Hungu, kusatendeseka kwomunhu anoti anobatira Jehovha kunogona kuunza ruzvidzo pazita raMwari napaungano yavanhu Vake. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Iwe, unoparidzira kuti ‘Usaba,’ unoba here?” Kana vanoti maKristu vakaba, ikoku kungagona kuparira kuti ‘zita raMwari rizvidzwe pakati pamarudzi.’—VaRoma 2:21, 24, NW.
Nokuda kwechikonzero chakanaka, ipapoka, Bhaibheri rinoti: “Murombo unofamba muzvokwadi yake, unopfuura usakarurama unofamba nenzira mbiri, kunyange akafuma.” (Zvirevo 28:6) Kunyange zvazvo iye amene aiva nezvinhu zvishoma padzimwe nguva, muapostora Pauro haana kutongofuratira kana kutendeukira kukusatendeseka. Panzvimbo pezvo, iye akanyora, kuti: “Wakaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike, abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.”—VaEfeso 4:28.
Mushonga: Kuvimba naMwari
Zvakadiniko nezvaavo vanoshanda zvakaoma asi vasingagoni kuwana zvakakwana kutarisira mhuri dzavo vamene? Ko kusatendeseka kana kuti kunyange umbavha hunoruramiswa here muchinoitika chavo, zvikurukuru kana chirwere chikarova mumwe mutezo wemhuri kana kuti imwe ngozi ikaitika? Vamwe vanhu vanofunga saizvozvo. Akati mumwe mugari weimwe nyika yeAfrica: “Munyika yedu, kana wakatendeseka, hausati uchizorarama. Kana uchida kupona, unofanira kuva nokusatendeseka kushomanene munzira yako youpenyu.”
Bva, muAfrica yose munhu kazhinji kazhinji anoona mashoko anoti “Vimba naMwari” akanyorwa pamotokari, achiratidzirwa pamadziro, uye akatsikirirwa pazvigadzirwa napazvinonamwa pamasimbi apamberi neshure anodzivirira motokari apo inorovera pachinhu chipi nechipi. Bhaibheri rimene rinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose.” (Zvirevo 3:5) Kusatendeseka hakutongogoni kutsinhirana nezano iroro reBhaibheri. Asi kuvimba naMwari imhinduro inoshanda chaizvoizvo kudenho yetsika yokuva murombo here?
Somushumiri waMwari, muapostora Pauro akawana nhamo dzakadai se‘nzara nenyota, kuzvinyima zvokudya, kutonhorwa, uye kushaiwa zvokupfeka.’ (2 VaKorinte 11:27) Zvirokwazvo, Pauro anofanira kuva akashamisika kuti aizorarama sei! Asi pashure pamakore 25 oruzivo rwokuzviwanira rwechiKristu, iye aigona kunyora, kuti: “Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa. Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” (VaFiripi 4:12, 13) Hungu, Pauro aivimba naMwari.
Pauro aiziva kuti nheyo dzapaMagwaro hadzisi mashoko asina maturo, asina basa. Idzo miraidzo inobva kuna Mwari mupenyu anodisa kubetsera ndokutsigira avo vanotsvaka kudzishandisa. Muporofita wakare akati: “Meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.”—2 Makoronike 16:9.
Vakakomborerwa Nokuda Kwokuvimba naMwari
Neiko kwakaomera vanhu vazhinjisa kuvimba naMwari? Pasina panikiro nemhaka yokuti rudzidziso rwavo rwakakundikana kuvapa chikonzero chakakwana chokuita saizvozvo. Chechi dzakaita kuti Mwari aoneke kuva asina zita, asina chimiro, asina hunhu, asinganzwisiswi navanhu. Asi kupfurikidza nefundo yeBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvakasvika pakuziva Mwari, kwete sesimba risina chimiro, asi soMunhu ane zita. (Pisarema 83:18; VaHebheru 9:24) Ivo vakadzidza kuti iye ane mavara anomuita akafanirwa nechivimbo chedu. Somuenzaniso, mukuwirirana naEksodho 34:6, Jehovha ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” Zvapupu zvinovimba naMwari uye zvinoziva kuti iye ‘ane zvokwadi yakawanda.’ Nokudaro, izvo zvine chivimbo chakazara muchipikirwa chake chokupinza nyika itsva isina urombo hunorwadza uhwo zvino hunotambudza vazhinji kwazvo vorudzi rwomunhu.—2 Petro 3:13.
Mamirioni eZvapupu zvaJehovha naizvozvo akabvumikisa kuti kunoshanda kuvimba naMwari. Somuenzaniso, Rosaline, chimwe Chapupu chomuSierra Leone, anoshanda zvakaoma kuvambira panguva yeshanu mumangwanani kutozosvikira kwasviba usiku kuti agovere zvokudya nezvokupfeka nokuda kwake amene navana vake vatanhatu. Iye anoti: “Vanhu vazhinji vanotaura kuti hakubviri kurarama upenyu hwokutendeseka, asi ndinoziva kuti ikoku hakuzi kwechokwadi. Pane dzimwe nguva ndinova nezvinetso uye handizivi kuti zvichapedzwa sei. Asi ndinoziva kuti kana ndikararama upenyu hwokutendeseka, chinhu chiri chose chichava chakarurama nokuda kwangu. Naizvozvo ndinoedza zvakaoma kusatsamwisa Jehovha.”
Mumwe munyori akati: “Munhu murombo asina chinhu munhumbu make anoda tariro . . . kupfuura zvokudya.” Hungu, kusava netariro, kupererwa nezano, uye kusava nomufarwa kunopfuurira inhamo dzinogona kuva dzinorwadza zvikuru kupfuura nzara. Asi munhu anosvika pakuziva ndokuvimba naMwari haafaniri kutera kukupererwa nezano. “Ndinoshanda zvakaoma zvino,” anowedzera kudaro Rosaline, “asi ndinofara nemhaka yokuti ndinoziva kuti nguva iri kuuya apo ndisati ndichizofanira kubishaira neiyi nzira. Zvino ndinoshanda kuti ndiwane zvokudya nokuda kwangu nemhuri yangu, asi munyika itsva yaJehovha, muchava nezvakawanda zvokudya. Naizvozvo zvino ndine tariro nomufaro zvandisina kutongova nazvo kare ndisati ndaziva Jehovha.”—Enzanisa naIsaya 25:6; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Chokwadi, avo vanovimba naMwari vangangowana dzvinyiriro dzemari, sezvakaita muapostora Pauro. Asi havatongofaniri kutendeukira kukupunza mitemo yaMwari kuti vararame mune zvemari. Akati wezvamapisarema Dhavhidhi: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiiwa kana vana vake vachipemha zvokudya.” (Pisarema 37:25) Hungu, Mwari anotarisira uye anokomborera avo vanoisa fariro dzake pakutanga muupenyu hwavo.—Mateo 6:25-33.
Naizvozvo kana iwe uri murombo, “usarega kuita zvakarurama.” (2 VaTesaronika 3:13, NW) Usatongotendeukira kukubvumiranisa tsika pane zvisina kufanira. Vaka ukama naMwari uye vimba naye kuti akubetsere kugonana nezvinetso zvoupenyu nenhamo. Avo vanobatira Jehovha ndokumuvimba vanokurudzirwa nenzira isingapanikirwi, kuti: “Zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.”—1 Petro 5:6, 7.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
“Munhu murombo asina chinhu munhumbu make anoda tariro . . . kupfuura zvokudya”
[Mufananidzo uri papeji 7]
Zvapupu zvaJehovha zvinobetsera vanhu kuisa chivimbo chavo muna Mwari