Rerekera Mwoyo Wako Kunzwisiso
“Jehovha amene anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenzwisiso.”—ZVIREVO 2:6, NW.
1. Tinogona sei kurerekera mwoyo wedu kunzwisiso?
JEHOVHA ndiye Murayiridzi wedu Mukuru. (Isaya 30:20, 21) Asi chii chatinofanira kuita kuti tibetserwe ne“zivo yaMwari” inoziviswa muShoko rake? Murutivi, tinofanira ‘kurerekera mwoyo wedu kunzwisiso’—kuva nechishuvo chomwoyo wose chokuwana uye chokuratidzira iri vara. Nokuda kwaikoku, tinofanira kutarira kuna Mwari, nokuti murume akachenjera akati: “Jehovha amene anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenzwisiso.” (Zvirevo 2:1-6, NW) Zvii zviri zivo, uchenjeri, uye nzwisiso?
2. (a) Zivo chii? (b) Ungarondedzera sei uchenjeri? (c) Nzwisiso chii?
2 Zivo kurovedzana namaidi anowanwa kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira, kucherekedza, kana kuti kufunda. Uchenjeri mano okushandisa zivo. (Mateo 11:19) Mambo Soromoni akaratidzira uchenjeri apo vakadzi vaviri vakataura kuti mwana mumwe cheteyo aiva wavo uye akashandisa kuziva kwake kuzvipira kwamai kuvana vavo kuti apedze gakava racho. (1 Madzimambo 3:16-28) Nzwisiso “kuziva kusarudza.” I“simba kana kuti mano endangariro ayo inosiyanisa nawo chimwe chinhu nechimwe.” (Webster’s Universal Dictionary) Kana tikarerekera mwoyo wedu kunzwisiso, Jehovha achatipa iyo kupfurikidza noMwanakomana wake. (2 Timotio 2:1, 7) Asi nzwisiso inogona sei kutapura mativi akasiyana-siyana oupenyu?
Nzwisiso Nokutaura Kwedu
3. Ungatsanangura sei Zvirevo 11:12, 13 uye chinoreva ku“shayiwa uchenjeri”?
3 Nzwisiso inotibetsera kuziva kuti pane “nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7) Iri vara rinotiitawo vanongwarira pamusoro pezvatinotaura. Zvirevo 11:12, 13 inoti: “Unoninipisa wokwake unoshayiwa uchenjeri; asi munhu une [nzwisiso, NW] unoramba anyerere. Unofamba ane makuhwa, unobudisa zvakavanda; asi une mwoyo wakatendeka, unofukidza mhaka.” Hungu, murume kana kuti mukadzi anozvidza mumwe munhu “unoshayiwa uchenjeri.” Maererano nomunyori weduramashoko Wilhelm Gesenius, munhu akadaro “haana nzwisiso.” Iye haana chisarudzo chakanaka, uye kushandiswa kweshoko rokuti “mwoyo” kunoratidza kuti mavara akanaka omunhu womukati anoshayikwa. Kana anoti muKristu akafanira kupfuudzira makuhwa ake kusvikira kupfundo rokuchera kana kuti kutuka, vakuru vakagadzwa vanofanira kuita chiito kuti vagumise aya mamiriro ezvinhu asina kunaka muungano.—Revhitiko 19:16; Pisarema 101:5; 1 VaKorinte 5:11.
4. VaKristu vanonzwisisa uye vakatendeka vanoitei pamusoro pemashoko akavanzika?
4 Kusafanana neavo va“noshayiwa uchenjeri,” vanhu vane “nzwisiso” vanoramba vakanyarara apo kunenge kwakafanira kuita kudaro. Havacheri chivimbo. (Zvirevo 20:19) Vachiziva kuti kutaura kusingadzivirirwi kunogona kuparira kuvadziko, vanonzwisisa va“ne mwoyo wakatendeka.” Vakavimbika kuvatendi biyavo uye havazivisi zvinhu zvakavanzika izvo zvingavaisa mungozi. Kana vaKristu vanonzwisisa vagamuchira mashoko akavanzika orudzi rwupi norwupi ane chokuita neungano, vanoachengeta akavanzika kutozosvikira sangano raJehovha raona kwakanaka kuita kuti azivikanwe nemitoo yaro imene yokuzivisa.
Nzwisiso Nemufambiro Wedu
5. ‘Mapenzi’ anorangarira sei kusazvibata, uye nei?
5 Zvirevo zveBhaibheri zvinotibetsera kushandisa nzwisiso uye kudzivisa mufambiro usina kufanira. Somuenzaniso, Zvirevo 10:23 inoti: “Benzi rinoti kuita zvakaipa hutamba; ndizvo zvinoitawo uchenjeri kune une [nzwisiso, NW].” Avo kwavari kusazvibata kuri “mutambo” havaoni kuipa kwenzira yavo uye vanozvidza Mwari souyo vose vanofanira kuzvidavirira kwaari. (VaRoma 14:12) ‘Mapenzi’ akadaro anoshatiswa mukurangarira kwawo kusvikira kupfundo rokufunga kuti Mwari haaoni chakaipa chawo. Kupfurikidza nezviito zvawo, chaizvoizvo anoti: “Mwari haako.” (Pisarema 14:1-3; Isaya 29:15, 16) Vasingatungamirirwi nenheyo dzaMwari, havana nzwisiso uye havagoni kusarudza zvinhu nenzira yakarurama.—Zvirevo 28:5.
6. Nei kusazvibata kuri kwoupenzi, uye tichakurangarira sei kana tine nzwisiso?
6 “Munhu anonzwisisa” anoziva kuti kusazvibata hausi “mutambo.” Anoziva kuti hakufadzi Mwari uye kunogona kuparadza ukama hwedu naye. Mufambiro wakadaro ndewoupenzi nemhaka yokuti unotorera vanhu kuzviremekedza, unoparadza roorano, unokuvadza zvose zviri zviviri ndangariro nomuviri, uye unotungamirira kukurasikirwa noumudzimu. Naizvozvo ngatirerekerei mwoyo wedu kunzwisiso ndokudzivisa kusazvibata kana kuti unzenza hworudzi rwupi norwupi.—Zvirevo 5:1-23.
Nzwisiso Nechimiro Chedu Chendangariro
7. Ndedzipi dzimwe tapuro mumuviri dzokutsamwa?
7 Kurerekera mwoyo wedu kunzwisiso kunotibetserawo kudzora chimiro chedu chenda ngariro. “Une mwoyo murefu une [nzwisiso, NW] kwazvo;” inodaro Zvirevo 14:29, “asi unokurumidza kutsamwa unowedzera upenzi.” Chimwe chikonzero nei munhu anonzwisisa achivavarira kudzivisa hasha dzisingadzorwi ndechokuti dzine tapuro dzakaipa patiri mumuviri. Dzinogona kukwidza BP uye kuparira chinetso chokufema. Vanachiremba vakadudza kutsamwa nehasha semirangariro inonyandura kana kuti inoparira zvirwere zvakadai seasima, hosha dzeganda, zvinetso zvokugaya zvokudya, uye maronda omudumbu.
8. Kusashivirira kunogona kutungamirira kuchii, asi nzwisiso inogona sei kutibetsera muna ikoku?
8 Hatifaniri kushandisa nzwisiso uye ku“nonoka kutsamwa” kuti tingodzivise chete kukuvadza utano hwedu. Kuva asingashiviriri kunogona kutungamirira kuzviito zvoupenzi zvatichazodemba. Nzwisiso inotiita kuti tirangarire zvingagona kubva mukutaura kusingadzorwi kana kuti mufambiro wokusangwarira uye nokudaro inotidzivisa paku“wedzera upenzi” kupfurikidza nokuita chimwe chinhu chisiri chokuchenjera. Uchenjeri hunotibetsera zvikuru kuziva kuti hasha dzinogona kukanganisa kufunga kwedu, zvokuti hatigoni kushandisa chisarudzo chakanaka. Ikoku kungakuvadza mano edu okuita kuda kwaMwari uye kurarama maererano nenheyo dzaMwari dzakarurama. Hungu, kutera kukutsamwa kusingadzorwi kunokuvadza mumudzimu. Kutaura idi, “kutsamwa” kunorongwa pakati pe“mabasa enyama” anonyangadza ayo angatidzivisa kugara nhaka Umambo hwaMwari. (VaGaratia 5:19-21) SavaKristu vanonzwisisa, ipapo, ngati“kurumidze kunzwa, [ti]nonoke kutaura, [ti]nonoke kutsamwa.”—Jakobho 1:19.
9. Nzwisiso norudo rwouhama zvinogona sei kutibetsera kupedza misiyano?
9 Kana tikatsamwa, nzwisiso ingaratidzira kuti tinofanira kuramba takanyarara kuitira kuti tidzivise kakavadzano. Zvirevo 17:27 inoti: “Unozvidzora pamashoko ake, une zivo; uye une mweya wakagadzikana, munhu we[nzwisiso, NW].” Nzwisiso norudo rwouhama zvichatibetsera kuona kudikanwa kwokudzora sundo yokutaura kamwe kamwe chimwe chinhu chinorwadza. Kana kutsamwa kukuru kwatoitika, rudo nokuzvininipisa zvichatisunda kukumbira ruregerero ndokugadzirisa zvinhu. Asi ngatitii mumwe munhu atigumbura. Ipapo ngatitaurei kwaari ari oga nounyoro nokuzvininipisa uye nechinangwa chikuru chokutsigira rugare.—Mateo 5:23, 24; 18:15-17.
Nzwisiso Nemhuri Yedu
10. Ibasai iro uchenjeri nenzwisiso zvinoita muupenyu hwemhuri?
10 Mitezo yemhuri inofanira kuratidza uchenjeri nenzwisiso, nokuti mavara aya achavaka mhuri. Zvirevo 24:3, 4 inoti: “Imba inovakwa nouchenjeri; inosimbiswa ne[nzwisiso, NW]. Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa. Nefuma yose inokosha inofadza.” Uchenjeri nenzwisiso zvakafanana nemabhuroko okuvakisa akaisvonaka nokuda kwoupenyu hwemhuri hunobudirira. Nzwisiso inobetsera vabereki vechiKristu kuita kuti vana vavo vataure mirangariro nezvavanoitira hanya. Munhu anonzwisisa anokwanisa kukurukura, kuteerera uye kuwana nzwisiso yemirangariro nemifungo zvomukwanyina wake weroorano.—Zvirevo 20:5.
11. Mukadzi akaroorwa anonzwisisa anogona sei ku‘vaka imba yake’?
11 Uchenjeri nenzwisiso nenzira isina mubvunzo zvinokosha nokuda kwoupenyu hwemhuri hunofadza. Somuenzaniso, Zvirevo 14:1 inoti: “Mukadzi mumwe nomumwe wakachenjera unovaka imba yake; asi benzi rinoiputsa namaoko aro.” Mukadzi akaroorwa akachenjera uye anonzwisisa mukuzviisa pasi pomurume wake kwakafanira achashanda zvakaoma nokuda kwenakirwo yemhuri uye nenzira iyoyo achabetsera kuvaka mhuri yake. Chimwe chinhu chicha‘vaka imba yake’ ndechokuti nguva dzose anotaura zvakanaka nezvomurume wake uye nokudaro anowedzera kumuremekedza kwavamwe. Uye mudzimai anoita zvakanaka, anonzwisisa uyo anotya Jehovha nenzira yokuremekedza anozviwanira amene rumbidzo.—Zvirevo 12:4; 31:28, 30.
Nzwisiso Nemararamire Edu
12. Avo “vanoshayiwa uchenjeri” vanorangarira sei upenzi, uye nei?
12 Nzwisiso inotibetsera kuchengeta mufambiro wakafanira muzvinhu zvedu zvose. Ikoku kunoratidzirwa pana Zvirevo 15:21, iyo inoti: “Upenzi hunofadza munhu unoshayiwa uchenjeri; asi munhu [anonzwisisa, NW] unofamba achirurama.” Tinofanira kunzwisisa sei ichi chirevo? Mufambire woupenzi, kana kuti woufuza, chisakiso chomufaro kuvarume, vakadzi mapenzi, uye vanhu vaduku. Ivo “vanoshayiwa uchenjeri,” havana vavariro yakanaka, uye havana kuchenjera kwazvo zvokuti vanofarira upenzi.
13. Soromoni akanzwisisei pamusoro pokuseka noupenzi?
13 Mambo anonzwisisa waIsraeri Soromoni akaziva kuti upenzi hunoreva zvishoma zvikuru. Akabvuma kuti: “Ndakati mumwoyo mangu: Uya hako, ndichakuidza nomufaro; chifarira zvinhu zvakanaka! Asi tarira, naizvozvowo zvakanga zvisina maturo. Kana kuri kuseka, ndakati: Upengo! Kana uri mufaro, ndakati: Unobatsireiko?” (Muparidzi 2:1, 2) Somunhu wenzwisiso, Soromoni akawana kuti mufaro nokuseka zvoga hazvigutsi, nokuti hazvipariri mufarwa chaiwoiwo uye unogara. Kuseka kungatibetsera kukanganwa zvinetso zvedu kwechinguvana, asi pashure pacho zvingaoneka pamwero wakatokura zvikuru. Soromoni aigona kutaura nenzira yakarurama nezvekuseka se“upengo.” Nei? Nemhaka yokuti kuseka kusina mufungo kunodzikatidza chisarudzo chakanaka. Kungatiparira kurerutsa zvinhu zvakakomba zvikuru. Rudzi rwokufara rwune chokuita nemashoko uye zviito zvomutauri wenyambo womudare harugoni kunongedzerwa kwarwuri serwunoparira chimwe chinhu chakakodzera. Kunzwisisa revo yokuedza kwaSoromoni kuseka uye mufaro kunotibetsera kudzivisa kuva “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.”—2 Timotio 3:1, 4.
14. Munhu anonzwisisa anofamba sei “akarurama?
14 Kunodaro sei kuti munhu anonzwisisa anofamba “akarurama”? Nzwisiso yomudzimu uye kushandiswa kwenheyo dzaMwari zvinotungamirira vanhu munzira yakarurama, yakatwasuka. Shanduro yaByington inoti zvakajeka: “Upenzi mufaro kumunhu asina pfungwa, asi munhu akachenjera achafamba akatwasuka.” “Munhu [anonzwisisa, NW] anoita nzira dzakatwasuka nokuda kwetsoka dzake uye anokwanisa kusiyanisa chakarurama nechakaipa nemhaka yokushandisa Shoko raMwari muupenyu.—VaHebheru 5:14; 12:12, 13.
Nguva Dzose Tarira Kuna Jehovha Nokuda Kwenzwisiso
15. Tinodzidzei muna Zvirevo 2:6-9?
15 Kuti titevera mufambiro wakarurama muupenyu, tose zvedu tinofanira kubvuma kusakwana kwedu uye kutarira kuna Jehovha nokuda kwenzwisiso yomudzimu. Zvirevo 2:6-9 inoti: “[Jehovha amene anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenzwisiso, NW], unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; ndiye nhovo yavanofamba muzvokwadi; nokuti unorinda makwara okuraramisa, nokuchengeta nzira yavatsvene vake. Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.”—Enzanisa naJakobho 4:6.
16. Nei pasina uchenjeri, nzwisiso, kana kuti zano zvinoshora Jehovha?
16 Tichibvuma kutsamira kwedu pana Jehovha, ngatitsvakei nenzira yokuzvininipisa kunzwisisa kuda kwake kupfurikidza nokunzvera zvikuru Shoko rake. Iye ane uchenjeri mupfungwa yakakwana, uye zano rake rinobetsera nguva dzose. (Isaya 40:13; VaRoma 11:34) Kutaura idi, zano ripi neripi rinomushora haribetseri. Zvirevo 21:30 inoti: “Hakuna uchenjeri, kana [nzwisiso, NW], hakuna mano angakunda Jehovha.” (Enzanisa naZvirevo 19:21.) Nzwisiso yomudzimu bedzi, inotangwa nokufunda Shoko raMwari nebetsero yezvinyorwa zvinogoverwa kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara,” ichatibetsera kuronda mufambiro wakafanira muupenyu. (Mateo 24:45-47) Naizvozvo ngatitungamirirei mararamire edu mutsinhirano nezano raJehovha, tichiziva kuti pasinei hapo nokuti zano rakasiyana ringaratidzika kuva rakafanira sei, harigoni kuenzana neShoko rake.
17. Chii chinogona kuvapo kana zano risina kururama rikapiwa?
17 VaKristu vanonzwisisa vanopa zano vanoziva kuti rinofanira kuvakirwa zvakasimba paShoko raMwari uye kuti fundo yeBhaibheri nokufungisisa zvinodikanwa usati wapindura mubvunzo. (Zvirevo 15:28) Kana mibvunzo pamusoro pezvinhu zvakakomba ikapindurwa nenzira isina kururama, kuvadziko huru inogona kuvapo. Nokudaro, vakuru vechiKristu vanoda nzwisiso yomudzimu uye vanofanira kunyengeterera nhungamiro yaJehovha pakuedza kubatsira vatendi biyavo mumudzimu.
Zara Nenzwisiso Yomudzimu
18. Kana chinetso chikafanira kumuka muungano, nzwisiso inogona sei kukubetsera kuchengeta dzikamo yedu yomudzimu?
18 Kuti tifadze Jehovha, tinoda “kunzwisisa pazvinhu zvose.” (2 Timotio 2:7) Fundo yokudisa yeBhaibheri uye kuwirirana nenhungamiro yomudzimu waMwari nesangano zvichatibetsera kunzwisisa zvokuita apo tinotarisana nemamiriro ezvinhu angagona kutitungamirira munzira yakaipa. Somuenzaniso, ngatitii chimwe chinhu muungano hachiitwi sezvatinofunga kuti chinofanira. Nzwisiso yomudzimu ichatibetsera kuona kuti ichi hachisi chikonzero chokurega kusonganirana navanhu vaJehovha uye kurega kubatira Mwari. Funga nezveropafadzo yedu yokubatira Jehovha, yorusununguko rwomudzimu rwatinofarikanya, yomufaro watinogona kuwana mubasa redu savazivisi voUmambo. Nzwisiso yomudzimu inotigonesa kuwana murangariro wakarurama uye kuziva kuti takazvitsaurira kuna Mwari uye tinofanira kukoshesa ukama hwedu naye, pasinei zvapo neizvo vamwe vanoita. Kana pasina chinhu chatinogona kuita nenzira youbati ushe hwaMwari kuti tibate chinetso, tinofanira kumirira Jehovha nenzira yokushivirira kuti apedze mamiriro acho ezvinhu. Panzvimbo pokurega kana kuti kutera kukupera mwoyo, ngati“mirirei Mwari.”—Pisarema 42:5, 11, NW.
19. (a) Ndeapi akanga ari mashoko anokosha omunyengetero waPauro nokuda kwaFiripi? (b) Nzwisiso inogona sei kutibetsera kana tisinganzwisisi zvizere chimwe chinhu?
19 Nzwisiso yomudzimu inotibetsera kuramba takavimbika kuna Mwari navanhu vake. Pauro akaudza vaKristu muFiripi kuti: “Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose; kuti muidze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, vasina mhosva, kusvikira pazuva raKristu.” (VaFiripi 1:9, 10) Kuti tirangarire nenzira yakafanira, tinoda “kuziva nokunzwisisa kwose.” Shoko rechiGiriki pano rinoshandurwa kuti “kunzwisisa” rinoratidzira “kunzwisisa tsika zvikuru.” Apo tinodzidza chimwe chinhu, tinoda kunzwisisa ukama hwacho naMwari naKristu uye kufungisisa pamusoro pokuti chinokudza sei unhu hwaJehovha negadziriro. Ikoku kunokudza nzwisiso yedu uye kuonga kwedu izvo Jehovha Mwari naJesu Kristu vakatiitira. Kana tisinganzwisisi zvizere chimwe chinhu, nzwisiso ichatibetsera kuziva kuti hatifaniri kurega kutenda kwedu muzvinhu zvose zvinokosha zvatakadzidza pamusoro paMwari, Kristu, uye donzo raMwari.
20. Tinogona sei kuzara nenzwisiso yomudzimu?
20 Tichazara nenzwisiso yomudzimu kana tikatsinhiranisa nguva dzose mifungo yedu uye zviito neShoko raMwari. (2 VaKorinte 13:5) Kuita ikoku munzira inovaka kunotibetsera kuva vanozvininipisa, kwete vane chisimbwa uye vanotsoropodza vamwe. Nzwisiso ichatibetsera kubetserwa nokururamiswa uye kuva nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru. (Zvirevo 3:7) Nechishuvo chokufadza Jehovha, ipapoka, ngatitsvakei kuzadzwa nezivo yakarurama yeShoko rake. Ikoku kuchatigonesa kunzwisisa chakarurama nechakaipa, kusarudza zvinokosha zvirokwazvo, uye kuomerera nenzira yokuvimbika kuukama hwedu hunokosha naJehovha. Kwose ikoku kunobvira kana tikarerekera mwoyo wedu kunzwisiso. Bva, chimwe chinhuwo zvacho chinodikanwa. Tinofanira kurega nzwisiso ichititavirira.
Ungapindura Sei?
◻ Nei tichifanira kurerekera mwoyo wedu kunzwisiso?
◻ Nzwisiso inogona sei kutapura kutaura kwedu nomufambiro?
◻ Nzwisiso inogona kuva netapuroi pachimiro chedu chendangariro?
◻ Nei tichifanira kutarira kuna Jehovha nguva dzose nokuda kwenzwisiso?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Nzwisiso inotibetsera kudzora chimiro chedu chendangariro
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mambo ainzwisisa Soromoni akaziva kuti upenzi hahugutsi chaizvoizvo