Tsvaga Chokwadi
Dambudziko
Kakawanda kacho vanhu vanosarura vamwe nemhaka yekusaziva chokwadi nezvavo. Ona mienzaniso inotevera:
Vamwe vanhu vanofunga kuti vakadzi havakwanisi kuita mamwe mabasa.
Vamwe vanhu vanovenga vanhu vekune dzimwe nyika nekuti vanenge vachiti vari kuvatorera mabasa.
Vanhu vakawanda vanofungidzira kuti vanhu vakaremara vane hasha uye vanogara vakasuwa.
Vanhu vane maonero akadaro vanogona kutaura zvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu vachida kutsigira mafungiro avo. Uye vanofunga kuti munhu wese asingabvumirani nemafungiro avo ndiye akatorasika.
Zvinotaurwa neBhaibheri
“Munhu asina ruzivo haana kunaka.”—ZVIREVO 19:2.
Zvinorevei? Kana tisina chokwadi chakazara, tinotadza kuita chisarudzo chakanaka. Kana tikangobvuma zvese zvinotaurwa nevanhu, tinopedzisira tava kufungira vamwe zvisizvo.
Zvakanakira Kuziva Chokwadi
Kana tikaziva chokwadi nezvevamwe vanhu, kashoma kuti tizongobvuma zvese-zvese zvinotaurwa nezvavo. Patinoziva kuti takanyeperwa nezvevamwe vanhu, zvinoita kuti tizvibvunze kuti zvimwe zvatakanzwa nezvevamwewo vanhu ndezvechokwadi here.
Zvaunogona Kuita
Yeuka kuti zvinotaurwa nevanhu nezverumwe rudzi kana vamwe vanhu, hazvirevi kuti vese ndozvavari.
Ziva kuti unogona kunge uine zvimwe zvinhu zvaunenge usingazivi nezvevanhu ivavo.
Tsvaga mashoko echokwadi.