RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 29. Mugumisiroi une matambudziko makukutu wakamirira munda wemizambiringa wavaIsraeri vaJehovha?

      29 Isaya anopedzisa shoko rouprofita iri nokurondedzera mugumo une matambudziko makukutu weavo “vakaramba murayiro waJehovha” uye vakakundikana kubereka zvibereko zvakarurama. (Isaya 5:24, 25; Hosea 9:16; Maraki 4:1) Anozivisa kuti: “[Jehovha] uchasimudzira [“rudzi rukuru,” NW] [ru]nobva kure mureza nokuvaridzira muridzo ivo vari kumigumo yenyika; tarirai, vachakurumidza kuuya vachichimbidzika.”—Isaya 5:26; Dheuteronomio 28:49; Jeremia 5:15.

      30. Ndiani achaunganidza “rudzi rukuru” kuti rurwe nevanhu vaJehovha, uye nomugumisiroi?

      30 Makarekare danda raiva panzvimbo yakakwirira raigona kushanda se“mureza,” kana kuti nzvimbo inoungana vanhu, kana kuti mauto. (Enzanisa naIsaya 18:3; Jeremia 51:27.) Zvino Jehovha pachake achaunganidza “rudzi rukuru” urwu rusina kutaurwa nezita kuti aite kutonga kwake.b ‘Acharuridzira muridzo,’ ndiko kuti, acharudana kuti ruone vanhu vake vakatsauka sevanhu vanofanira kukundwa. Muprofita wacho anotevera kurondedzera kurwisa nokukurumidza uye kunotyisa kwevakundi vakaita seshumba ava vaizo“bata mhuka yavo,” ndiko kuti rudzi rwaMwari, “ndokuenda nayo” vari nhapwa. (Rava Isaya 5:27-30a.) Uye mugumisiro unosuruvarisa sei nokuda kwenyika yevanhu vaJehovha! “Kana munhu akatarira nyika, uchaona rima nokutambudzika; chiedza chasvibiswa namakore ayo.”—Isaya 5:30b.

  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • b Mune humwe uprofita, Isaya anozivisa Bhabhironi senyika inoita kutonga kunoparadza kwaJehovha panyika yeJudha.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe