-
“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene, Iye Jehovha”Swedera Pedyo naJehovha
-
-
17, 18. (a) Pakutanga Isaya akanzwa sei nezvaakaona? (b) Jehovha akashandisa sei serafi kunyaradza Isaya, uye zvakaitwa neserafi iri zvairevei?
17 Utsvene hwaMwari hunofanira kuita kuti tinzwe tiri vadiki chaizvo here kana tichizvienzanisa naye? Zviri pachena kuti ndomanzwiro atinofanira kuita. Tagara tiri vadiki kuna Jehovha nekure zvekuti tinotopererwa nemashoko ekutsanangura kuti tiri vadiki zvakadii. Asi izvozvo zvinofanira kuita kuti tizviparadzanise naye here? Funga kuti Isaya akaita sei paakanzwa maserafi achizivisa utsvene hwaJehovha. Akati: “Ndine nhamo! Ndangofanana nemunhu afa, nekuti ndiri munhu ane miromo isina kuchena, uye ndinogara pakati pevanhu vane miromo isina kuchena; nekuti maziso angu aona Mambo, iye Jehovha wemauto pachake!” (Isaya 6:5) Isaya paakaona kuti Jehovha mutsvene zvakadini, zvakamuyeuchidza kuti akanga ari munhu wenyama ane chivi. Pakutanga munhu iyeye akatendeka akazviona asingabatsiri. Asi Jehovha haana kumusiya achinzwa saizvozvo.
18 Jehovha akabva angotuma serafi kuti rinonyaradza muprofita wacho. Rakamunyaradza sei? Chisikwa ichocho chine simba chakabhururuka chichienda paatari, chikatora zimbe remoto ipapo, ndokugumha naro muromo waIsaya. Asi paunonzwa izvozvo ungatofunga kuti yakamurwadzisa pane kumunyaradza. Asi yeuka kuti ichi chaingova chiratidzo uye chine zvachaitomuudza zvinokosha. Isaya, semuJudha akatendeka, ainyatsoziva kuti zvibayiro zvekuyananisa zvivi zvaipiwa paatari yaiva patemberi mazuva ese. Saka serafi rakanga richimuyeuchidza nerudo kuti aigona kumira pamberi paMwari akachena kunyange zvazvo aiva munhu ane chivi, “ane miromo isina kuchena.”a Izvi zvinoratidza kuti Jehovha aikwanisa kuona munhu ane chivi semutsvene kunyange zvazvo utsvene hwemunhu wacho hwaisazosvika pane hwake pachake.—Isaya 6:6, 7.
-
-
“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene, Iye Jehovha”Swedera Pedyo naJehovha
-
-
a Mashoko ekuti “ane miromo isina kuchena” akakodzera, nekuti miromo inowanzoshandiswa muBhaibheri kufananidzira zvatinotaura kana kuti mutauro. Kwatiri vanhu vane chivi, zvakawanda zvatinokanganisa zvinowanzotangira pamashandisiro atinoita muromo.—Zvirevo 10:19; Jakobho 3:2, 6.
-